RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 5/95 p. 2
  • Misangano Yebasa yaMay

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Misangano Yebasa yaMay
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Misoro Midiki
  • Vhiki Inotanga naMay 1
  • Vhiki Inotanga naMay 8
  • Vhiki Inotanga naMay 15
  • Vhiki Inotanga naMay 22
  • Vhiki Inotanga naMay 29
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
km 5/95 p. 2

Misangano Yebasa yaMay

Vhiki Inotanga naMay 1

Rwiyo 43

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo uye Zviziviso zvakasarudzwa zvomuUshumiri Hwedu hwoUmambo.

15 min: “Mashoko Akanaka Avanyoro.” Kurukurai nyaya yacho navateereri, uye ipapo itai kuti mharidzo imwe kana kuti mbiri dzienzanisirwe.

20 min: “Mashoko oUmambo Chaiwo Omunhu Ari Wose.” Hurukuro nekurukurirano navateereri, inoitwa nomutariri webasa. Hwirudzurai zvakaitwa kusvikira parizvino mukugoverwa kwaMashoko oUmambo, zvikurukuru achitaura tsigiro yakanaka yakapiwa kugadziriro dzebasa uye kutora rutivi kwakaitwa navatsva mubasa romumunda kwenguva yokutanga. Shumai nezvokufukidzwa kwendima; tsanangurai kuti chii chinodikanwa kuitwa kana betsero ikakumbirwa neimwe ungano. Kurudzirai vose kuita nhamburiko yakawedzerwa yokugovera mugove wavo weMashoko oUmambo. Simbisai kukosha kwokuchengeta chinyorwa chefariro uye kuita shanyo dzedzokerero munhamburiko yokutanga fundo dzeBhaibheri. Itai kuti mharidzo yakarakadzwa ienzanisirwe.

Rwiyo 55 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 8

Rwiyo 61

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. “Iwewo Unogona Kufarikanya Zvinoitika Zvakanaka!” Kana nguva ichibvumidza, kumbirai vateereri kuti varondedzere zvinoitika zvinokurudzira zvakafarikanywa apo vakanga vachigovera Mashoko oUmambo.

15 min: Zvinodikanwa zvomunzvimbomo. Kana kuti hurukuro panyaya inoti “Nzira iyo vaKristu Vanogonana Nayo Noruzvidzo Rwavose” iri muNharireyomurindi yaApril 1, 1995, mapeji 26-29.

15 min: “Kuchengeterei Chinyorwa Chavasiri Pamisha?” Mibvunzo nemhinduro.

Rwiyo 60 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 15

Rwiyo 54

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Mushumo weakaunzi.

15 min: “Kutevera Muenzaniso Wedu Savatakuri Vechiedza.” Mibvunzo nemhinduro.

20 min: “Imhaka Yaani?” inobva muNharireyomurindi, February 1, 1995, mapeji 26-9. Hurukuro nokutora rutivi kwavateereri. Simbisai dikanwo yokuti vabereki varangarire zvakakomba mutoro wavo wokurera vana vavo kuva vanamati vaJehovha.

Rwiyo 45 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 22

Rwiyo 66

10 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Kurudzirai kutora upiyona hwebetsero mukati memwedzi iri kutevera. Hwirudzurai zvikwaniriso zvakarongwa mubhuku raTakarongwa Kupedza Hushumiri Hwedu, mapeji 113-14.

15 min: “Kuiswa Chiratidzo Uko Kunounza Kununurwa.” Kurukurirano navateereri. Batanidzai muenzaniso mumwe kana kuti miviri kuratidza kuti shanyo dzedzokerero dzinogona kuitwa sei.

20 min: “Chidzidzo Munzira Yokubata Nayo Zvinetso.” Hurukururo inobva muNharireyomurindi, February 15, 1995, mapeji 27-30. Simbisai kuti imhinganidzoi dzokudzivisa pakupa zano.

Rwiyo 74 nomunyengetero wokugumisa.

Vhiki Inotanga naMay 29

Rwiyo 79

15 min: Zviziviso zvomunzvimbomo. Ipai zvikarakadzo izvo zvichakurudzira vaparidzi kuedza kurava rugwaro sorutivi rwemharidzo yavo pamasuo. Vanhu vakawanda vanoremekedza Bhaibheri uye vanodisa kuteerera apo rinoraviwa. Zano raro rinokosha uye richasunda mumwe munhu wapachokwadi. Kungava kwakakodzera kuva neBhaibheri muruoko pakusvika pasuo. Magwaro anofanira kuraviwa nembavarira uye zvakanaka.—Ona Bhuku rinoTungamirira reChikoro, mapeji 32-3, ndima 12-15.

12 min: Bhokisi Remibvunzo. Mibvunzo nemhinduro. Tsanangurai kuti nei tichibetserwa zvikuru nemisangano apo tinogadzirira pachine nguva mberi ndokuenda nemashoko ose akagoverwa okufunda.

18 min: Govera bhuku raKurarama Nokusingaperi mukati maJune. Rondedzerai mashoko akataurwa navanhu vanofarira avo vakaororwa nebhuku raIwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi Pano. (Ona Nharireyomurindi, yaFebruary 15, 1989, peji 24; May 15, 1986, peji 29.) Ratidzira mifananidzo iri pamapeji 11-13 uye 150-3, uye ratidza kuti iyoyi ingashandiswa sei kutanga kurukurirano. Itai kuti muparidzi anokwanisa aenzanisire mharidzo iyo inotsanangura chisarudzo icho mumwe nomumwe anofanira kuita kuti awane upenyu husingaperi, achishandisa mifungo uye magwaro zviri pamapeji 250-1. Yeuchidzai munhu ari wose kuwana makopi okushandisa mubasa kupera kuno kwevhiki.

Rwiyo 63 nomunyengetero wokugumisa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe