Mashoko Oushe
Central African Republic: Mubato webasa mukati momwedzi waOctober wakanga wakatanhamara, nenhamba yapamusoro itsva yavaparidzi 1 846. Purogiramu dzezuva regungano chairo dzakapiwa munzvimbo 19, nehwerengedzo yevapindi 5 577 uye 32 vakabhapatidzwa.
Mexico: Muna November, vaparidzi 411-292 vakashuma. Iyi yakanga iri imwe nhamba itsva yapamusoro.
Sri Lanka: Kwakanga kune vaparidzi 1 873 vakashuma muna November, wedzero yakaisvonaka ye 9 muzana.
Taiwan: Kunze kwenhamba yapamusoro yavaparidzi 2 523, mushumo waNovember wakaratidzira nhamba itsva yapamusoro yeshanyo dzedzokerero 44 514 nefundo dzeBhaibheri 4 234.