Gadzirirai Zvinhu Nokuda kweChirangaridzo
Munhu ari wose, kubatanidza mukurukuri, akaziviswa here nguva chaiyo nenzvimbo yokuchengeta kwacho? Mukurukuri anoziva here kuti purogiramu haifaniri kupfuura maminiti 45?
Mumwe munhu akagoverwa here kuti awane zviratidziro? (Ona Nharireyomurindi yaFebruary 15, 1990, mapeji 16-18.) Gadziriro dzakaitwa here kuti tafura igadzirirwe nejira rapatafura rakachena uye nhamba yakakwana yamagirazi nendiro?
Gadziriro dzakaitwa here dzokuchenesa Horo yoUmambo pamberi napashure? Varindiri navafambisi vakatopiwa migove here? Musangano wakaitwa navo here wokukurukura mabasa avo? Muitiroi uchateverwa kuva nechokwadi chokuti vose vanogoverwa zvakanaka?
Gadziriro dzakaitwa here dzokubetsera hama nehanzvadzi dzakwegura nendonda kuti dzipinde? Kana pane vapi nevapi vevakazodzwa vangave vakaganhurirwa uye vasingakwanisi kuvapo, gadziriro dzakaitwa here dzokuti vagoverwe?