RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 8/94 p. 12
  • Kusakurira Fariro Pashanyo Dzedzokerero

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kusakurira Fariro Pashanyo Dzedzokerero
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Ratidza Kuitira Hanya Kwechokwadi Fariro Yose Yakawanwa
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1997
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Ita Shanyo Dzedzokerero Kwose Kwakagoverwa Mabhurocha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1995
  • Zivisa Mashoko Akanaka Oumambo Nemabhurocha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 8/94 p. 12

Kusakurira Fariro Pashanyo Dzedzokerero

1 Ushumiri hwakafananidzwa nemazvo nokurima, uye kuita shanyo dzedzokerero kwakaenzaniswa nokusakurira nokudiridza. (Mat. 13:23; Ruka 10:2; 2 VaK. 9:10) Se“vabati pamwe chete naMwari,” tine musengwa wokubetsera mbeu ipi neipi ichangobva kumera kuti ikure kusvika paukuru ndokuva inobereka chibereko. (1 VaK. 3:6, 9) Tinogona sei kuita ikoku zvakanakisisa?

2 Kurumidza kuita shanyo dzedzokerero pana vose vanoratidza fariro. Hwirudzura zvinyorwa zvako zvapaimba neimba, uye sarudza vokushanyira nechokukurukura. Kazhinji kazhinji nhau yako yekurukurirano ichasarudzwa nechakakurukurwa pashanyo yokutanga. Iva anochinjika, uchirangarira mimwe mifungo yapaMagwaro ingasumwa. Kwakanaka nguva dzose kushandisa Bhaibheri, uchiziva simba raro rokusvika mwoyo.—VaH. 4:12.

3 Kana wakagovera bhurocha ra“Mwari Anotiitira Hanya Zvomenemene Here?,” unogona kuvamba nokutaura chimwe chinhu chakafanana neichi:

◼ “Vanhu vakatendeseka vazhinji vanodavira kuti Mwari achaparadza pasi, nepo vamwe vachitya kuti munhu achaita ikoko iye amene. Imi munofungei? [Bvumira mhinduro.] Bhaibheri rinotiudza kuti panzvimbo pokuparadza pasi, Mwari acharibvisira kusarurama, kuriita nzvimbo yorugare nechengeteko.” Nangidzira ngwariro kupeji 22, uye rava Zvirevo 2:21, 22, inonokorwa mashoko ipapo. Kana fariro ikaoneka, tsanangura gadziriro yefundo yeBhaibheri yapamusha, kana kuti govera magazini azvino uno, uye ita rangano yokudzoka ndokukurukura zvakawanda pamusoro penyika itsva yakapikirwa yaMwari.

4 Kana wakagovera bhurocha ra“Tarirai!” ungati:

◼ “Pashanyo yangu yakapfuura, takarava muBhaibheri pamusoro pechipikirwa chaMwari chokuita pasi kuva paradhiso, seinoratidzirwa pabutiro rebhurocha randakakusiyirai. Tinogona kufarikanya ichi chikomborero kupfurikidza nokudzidza zvakawanda pamusoro pokuda kwaMwari nenzira yakunotitapura nayo.” Rava Johane 17:3, uye ipapo tendeukira kundima 52 ne 53 papeji 27. Nokupfupikisa kurukura chikonzero nei pane dikanwo yokupinza zivo yakarurama yeShoko raMwari.

5 Pakudzokera pabhurocha rakagoverwa ra“Donzo Roupenyu” kumunhu anoda zvorudzidziso, ungakuwana kuva kwakakodzera kuti:

◼ “Sezvingabvira zvikuru makadzokorora Munyengetero waShe kakawanda. Mufungoi wamunofunga apo munokumbira kuti Umambo hwaMwari huuye?” Pashure pemhinduro yasaimba, nongedzera kundima 8 ne 9 papeji 26, uye ipapo rava Dhanieri 2:44. Zvichida ungagona kupfuuridzira kurukurirano yacho kupfurikidza nokutsanangura kuti kuuya kwoUmambo hwaMwari kuchareva mugumo kuuipi nokutambura. Onesa kuti kana takarurama mumeso aMwari, tinogona kufarikanya upenyu husingaperi muParadhiso pasi pano.

6 Yeuka kuti shanyo yedzokerero inogona kuitwa pamunhu upi noupi aidisa kuteerera, kana mabhuku akagoverwa kana kuti kwete. Edza kutsaura nguva yakati vhiki imwe neimwe yokuita shanyo dzedzokerero. Jehovha achakomborera nhamburiko yako yokushingaira yokusakurira fariro yaunowana. Ngaibereke zvibereko kurumbidzwo yake.—Joh. 15:8.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe