RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 6/94 p. 2
  • Mariro Avanhu Vakadzingwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mariro Avanhu Vakadzingwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 6/94 p. 2

Mariro Avanhu Vakadzingwa

1 Apo mumwe munhu anofa ari mumugariro wokudzingwa mariro acho angava chinetso. Pasinei zvapo nemigariro yacho, kungasava kwakakodzera nokuda kwokuti mariro akadaro aitirwe paHoro yoUmambo.

2 Kana mufi akanga ave achiratidza ufakazi hworupfidzo rwechokwadi, hana yeimwe hama ingaibvumira kupa hurukuro yeBhaibheri pamusha wamariro kana kuti nzvimbo yamakuva. Zvisinei, kana rupfidzo rwechokwadi rwakanga rusina kuratidzwa ipapo hurukuro yakadaro ingasava yakakodzera. (2 Johane 9-11) Hatitongodi kupa vokunze pfungwa yokuti munhu akadzingwa akanga achigamuchirika muungano apo muuchokwadi neidi akanga asingagamuchiriki asi akanga adzingwa mairi.

3 Sezvinooneka, sezvo chinoitika chimwe nechimwe chakasiyana, chingada kurangarirwa mukuwirirana nemigariro yacho. Chokwadika, kana hurukuro yamariro ikapiwa, ngwariro ingafanira kushandiswa kusataura zvakawanda panhau dzomunhu oga kana kuti kuita kutaura kwakananga kupi nokupi pamusoro pokuti munhu iyeyo achamutswa.

4 Mubvunzo wakabvunzwa kana kwakafanira kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha apinde mariro omunhu akadzingwa. Mapfundo mamwe chetewo atodudzwa anoshanda, ndiko kuti: (1) Munhu wacho akanga achiratidza zviratidzo zvorupfidzo rwechokwadi here? Kana akanga asiri, ipapo vaKristu vangagona sei kusonganira pamariro ake apo vaisagona kuva vakadaro apo akanga ari mupenyu? (2) Hakungabviri zvikuru kuti vaKristu vechokwadi vangapinda mariro omunhu akadzingwa kana mariro acho asiri kuitiswa nomumwe weZvapupu zvaJehovha ari muchimiro chakanaka muungano.

5 Kuno rumwe rutivi, chingava chiito chomutsa worudo kuti vaKristu vakatendeka vashanyire hama dzokunyama dzasara dzomunhu mufi akadzingwa pamberi uye/kana kuti pashure pamariro kuti vape kurudziro yapaMagwaro nenyaradzo.

6 Kana Chapupu icho chiri mubatiri akagadzwa kana kuti piyona chikasarudza kupinda mariro omunhu akadzingwa uyo akanga asiri hama yokunyama yapedyo uye uyo akanga asiri kuratidza zviratidzo zvorupfidzo rwechokwadi, Chapupu chakadaro chingasava chichigadza muenzaniso wakanaka uye vakuru vangasarudza kuti uyu munhu anoda betsero. Kana betsero yakadaro ikasashandirwa pairi, ipapo zvikwaniriso zvomunhu iyeyo zvinova zvinopanikirika. [Nokuda kwohumwe udzame, tapota ona wCA90 10/15 peji 31; wCA82 3/15 peji 30; wCA77 12/1 peji 550; w61 9/1 peji 544.]

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe