Ndinofanira Kuramba Ndichichinja Here?
Chinyorwa chiri chose choHushumiri Hwedu hwoUmambo chinogovera mhatsa yemharidzo dzapaMagwaro idzo tinogona kushandisa pakupupurira. Vaparidzi vazhinji vanoshingaira zvikuru vanodisa kuwana pfungwa itsva ndokushandisa kusvika kwakasiyana-siyana. Hushumiri Hwedu hwoUmambo hunovakodzera kupfurikidza nokugovera zvikarakadzo zvinoverengeka mwedzi mumwe nomumwe.
Kungava, zvisinei, kuti haunzwi dikanwo yokuramba uchichinja izvo unoshandisa. Ungave uchiva namaawa mashomanene bedzi anowanika mwedzi mumwe nomumwe okugoverana mubasa rapaimba neimba. Munhambo yakati yenguva, ungave wakakudziridza mharidzo dzakati idzo unonzwa wakasununguka nadzo, uye unowana miuyo yakanaka uchidzishandisa. Ungatsamira pamagwaro anowanzoshandiswa, kubatanidza Pisarema 37:9-11, 2 Petro 3:13, Zvakazarurwa 21:4, uye mamwe. Kana zvakadaro, hapana dikanwo yokuti unzwe uchisungirwa kuchinja nguva nenguva uchienda kune chimwe chinhuwo zvacho. Nharidzano yedu huru kugoverana tariro yoUmambo navamwe nokuvabetsera kudzidza izvo vanofanira kuita kuti vafanirwe nechikomborero chaJehovha. Kana uchiwana mharidzo dzakakodzera nguva nedzinokwezva mubhuku raKurangarira idzo unoda kushandisa uye uri kuwana kuita kwakanaka nadzo, usazengurira kudzishandisa.