Dzokera Uko Wakawana Fariro
1 Vazhinji vedu takava nebudiriro mukuparadzira magazini namabhurocha. Kunokosha kuti tidzokere ndokuedza kunyandura imwe fariro. Budiriro yedu mukuita kudaro ingatsamira pakuti tinosanogadzirira sei tisati taita shanyo yedzokerero.
2 Yeuka kuti vanhu vaduku vazhinjisa vanoitira hanya zvinhu zvimwe chetezvo izvo vakuru vanoitira hanya. Zvinyorwa zvaMay naJune zvaMukai! zvine nyaya idzo dzinonzvera zvinetso zvazvino mumurangariro wavanhu vaduku. Idzi nyaya dzinogovera nzwisiso inogona kubetsera vaduku, pamwe chete navabereki vavo, kunzwisisa chinokosha chaizvoizvo muupenyu.
3 Kana wakagovera “Mukai!” waMay 8, ungaronga kuitevera kupfurikidza nokugovera chinyorwa chaJune 8. Ungagona kuti:
◼ “Chinyorwa chokupedzisira chandakakusiyirai chakasimbisa nyaya pamusoro petariro yavana. Vanhu vedu vaduku vanofanira kukura munyika iyo inogovera tariro duku yenguva yemberi. Vazhinji vavo vanoratidza pfundepfunde yavo kupfurikidza nomufambiro wokupandukira. Asi pane vamwe vanochengeta dzikamo yavo ndokuchengeta mifungo yakakwirira. Iyi nyaya iri muna Mukai! wazvino uno inotsanangura nzira iyo dare rapamusoro rinotsigira nayo chimiro chewechiduku. Ndinofunga kuti muchaonga izvo inotaura.”
4 Ungasarudza kugovera bhurocha uchishandisa uku kusvika:
◼ “Ndakafarikanya kurukurirano yedu pfupi nguva yakapfuura pamusoro penguva yemberi yapasi rino. Munogona here kufungidzira izvo upenyu huchave hwakaita pano apo Mwari anogumisa uipi nokutambura? [Ratidza mufananidzo uri papeji 31 yebhurocha raChii Chiri Donzo Roupenyu—Unogona Sei Kuriwana?] Cherekedzai idzi ndima dzose dzeBhaibheri dziri pamapeji 29 ne 30 idzo dzinorondedzera zvikomborero izvo Umambo hwaMwari huchaunza. [Sarudza rugwaro rumwe, uye rava zvakananga mubhurocha racho.] Ndaizoda kusiya iri nemi nokuda kwe$1,70 chete.”
5 Apo unodzokera, zvichida uchaziva kuti saimba anowana mabhuku ake amene orudzidziso uye anonzwa kuti akakwana. Ungagona kuti:
◼ “Pasinei zvapo norudzidziso rwedu, tinotapurwa tose nezhinji dzefunganyo dzimwe chetedzo—utsotsi, kurwara kwakakomba, kuitira hanya mhoteredzo—handizvo here? [Bvumira tsinhiro.] Munonzwa here kuti pane mhinduro chaiyoiyo ipi neipi kuizvi zvinetso? [Rava 2 Petro 3:13.] Donzo ramabhuku edu rinotaurwa papeji 2 yeNharireyomurindi. [Rava mutsara wamashoko wakasarudzwa kana kuti miviri.] Vanhu vazhinji avo vasiri Zvapupu zvaJehovha vanofarikanya kurava zvinyorwa zvedu nemhaka yeshoko retariro razvinazvo, iro rakavakirwa paBhaibheri.” Kana kuita kwasaimba kwakanaka, tsanangura gadziriro yedu yefundo yeBhaibheri.
6 Ungatora uku kusvika:
◼ “Nguva yokupedzisira yandaiva pano, takataura pamusoro pekariro dzomunguva yemberi dzenyika yedu. Munofungei pamusoro pouyu mushumo? [Dudza nhau yakati yazvino uno yeitiro hanya.] Apo vanhu vanonzwa zvinhu zvakaita saizvozvo, kunovaparira kushamisika icho iyi nyika iri kuva, hakudaro here? Tinodavira kuti zvinhu zvakadai zvinoratidzira kuti tiri kurarama mu‘mazuva okupedzisira’ akadeya kutaurwa muBhaibheri pana 2 Timotio 3:1-5.” Pashure pokurava mapfundo makuru, unogona kubvunza kana akamboona vanhu vanokodzera rondedzero iyoyo. Pfuurira nekurukurirano yomumwe wemisoro miduku iri pamapeji 206-210 mubhuku raKurangarira.
7 Kana tikasanogadzirira ndokuratidza chishuvo chechokwadi chokubetsera, tinogona kuva nechivimbo chokuti vane mwoyo wakatendeseka vachateerera.—Johane 10:27, 28.