RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • km 4/94 p. 8
  • Tevera Magazini Namabhurocha Zvakagoverwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Tevera Magazini Namabhurocha Zvakagoverwa
  • Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
  • Mashoko Akafanana
  • Zivisa Mashoko Akanaka Oumambo Nemabhurocha
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Tevedzera Jehovha Kupfurikidza Nokuitira Vamwe Hanya Zvepachokwadi
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1996
  • Uri Kushandisa Mabhurocha Aya Here?
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2012
  • Mashandisiro Atingaita Bhurocha raMashoko Akanaka Anobva Kuna Mwari!
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2013
Ona Zvimwe
Ushumiri Hwedu hwoUmambo—1994
km 4/94 p. 8

Tevera Magazini Namabhurocha Zvakagoverwa

1 Jesu akakurudzira vateveri vake kushandira kuita vadzidzi. (Mat. 28:19) Ikoko kunoreva zvinopfuura kungogovera chete mabhuku; tinoda kubetsera vanhu kufambira mberi mumudzimu. Kuti tiite izvozvo tinofanira kudzokera kuti tigovere rumwe rubatsiro nokuda kwaavo vanoratidzira fariro.

2 Kana wakasimbisa nyaya iri muimwe yamagazini pashanyo yako yokutanga, kwaizova kwakanaka kukurukura nhau imwe cheteyo apo unodzokera:

◼ “Apo ndakashanya nguva yakapfuura, ndakadanira ngwariro yenyu kunyaya iri muNharireyomurindi (kana kuti Mukai!) iyo yakatibetsera kunzwisisa kudikanwa kwokunzvera Bhaibheri. Donzo raMwari renguva yemberi iri nani nokuda kworudzi rwomunhu rinonangidzira ngwariro pahurumende yake yoUmambo. Mika 4:3, 4 inonyora chipikirwa chake chokuti uhwu Umambo huchagumisa hondo dzose.” Pashure pokurava rugwaro rwacho, suma bhurocha ra“Tarirai!,” uye ratidza mufananidzo webutiro. Rangarira ndima yokutanga namagwaro akarongwa endima iyoyo, uchitsinhira kuti Mika 4:3, 4 ndorumwe rwawo. Ronga shanyo yedzokerero kuti upfuuridzire kurukurirano yacho nendima 2.

3 Kana fariro yasaimba ichiratidzika kuva shomanene kana kuti haana nguva yokukurukura, ungasarudza kungowedzera zita rake kukwakamirirwa magazini kwako:

◼ “Sezvo makaratidzira kufarira magazini andakakusiirai nguva yakapfuura, ndafunga kuti mungafarikanya zvinyorwa zvazvino. Ndinodavira kuti muchawana iyi nyaya kuva inofadza zvikuru.” Onesa nyaya yaunonzwa kuti ingamufadza. Karakadza kudzokera nezvinyorwa zvinotevera.

4 Kana saimba akarava magazini acho uye achiratidzira kuaonga, ungasarudza kugovera kuzvinyoresa:

◼ “Sezvo muchiratidzika kuva munofarikanya Nharireyomurindi, ndakafadzwa nokuunza zvinyorwa zvazvino sezvazvinobuda. Kana mungada, ndinogona kuronga kuti itumirwe kwamuri nguva dzose kupfurikidza nepositi kuti muve nechokwadi chokuwana chinyorwa chiri chose.” Kana achida kuzvinyoresa, unogona kuwedzera, kuti: “Zvinyorwa zviviri zvichatumirwa kwamuri mwedzi uri wose kwemwedzi gumi nemiviri nokuda kwomupiro we$27,50 kana kuti mwedzi mitanhatu nokuda kwe$13,75.”

5 Kana wakagovera bhurocha asi usina kuva nebanza rokuenzanisira gadziriro yefundo, ronga kuita izvozvo pashanyo yedzokerero.

Somuenzaniso, kana wakagovera bhurocha ra“Hurumende,” kumbira saimba kutora kopi yake, uye iti:

◼ “Cherekedzai izvo peji 3 inotiudza pamusoro pomusoro weshoko iro Jesu akaparidzira apo akanga ari pasi pano.” Ipapo kurukura nokupfupikisa mashoko ari papeji 3. Bvunza saimba zvaanofunga kuti anofanira kuita kuti adzidze zvakawanda. Ipapo iti: “Kunokosha kuti tinzwisise chikonzero nei tichida Umambo hwaMwari zvikuru kwazvo. Ndingada kudzokera ndokukurukura chikonzero nei tichifanira kutarira kuhurumende yaMwari setariro yedu bedzi.”

6 Tine mhatsa yamabhurocha. Wana mapfundo anofadza ari muiro raunoronga kushandisa. Kuchakubetsera kukurudzira vanhu vapachokwadi kudzidza zvakawanda pamusoro pezvinhu izvo Jesu akaraira.—Mat. 28:20.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe