Zviziviso
◼ Mabhuku achashandiswa mukati maApril naMay: Kuzvinyoresa kuNharireyomurindi nokuda kwe$27,50 kwegore rimwe kana kuti $13,75 kwemwedzi mitanhatu. June: Bhaibheri—iShoko raMwari Here . . . ? nokuda kwe$5,50 kana kuti rimwe bhuku ripi neripi ramapeji 192. July: Kubatanidzwa kwamabhukwana maviri api naapi amapeji 32 pamwe chete nebhukwana raMidzimu Isingaoneki nokuda kwe$2,00. CHEREKEDZAI: Ungano dzichada zvinhu zvenhimbe zvadudzwa pamusoro apa dzinofanira kuzviodha paFomu radzo Reodha Yamabhuku (S-14) romwedzi nomwedzi rinotevera.
◼ CHEREKEDZAI: Kwakunoshanda, vakuru vanofanira kuronga kuti ungano igoverane mukupupurira kwamanheru.
◼ MUNYORI: Tingada kuyeuchidza ungano nezvomuitiro unofanira kuteverwa pakutumira mari kuSosaiti kupfurikidza negadziriro yeLetter Transfer. Mirairidzo yakajeka yakabudiswa nechinyorwa chaAugust 1993 choHushumiri Hwedu hwoUmambo. Tapota munyori ngaahwirudzure mirairidzo iyoyi nomubatiri weakaunzi. CHEREKEDZAI: MaS-20 haafaniri kupiwa kubhangi asi S-20 rinofanira kutumirwa kuSosaiti. Pachiverengero chakati chenhambo nhamba isina kururama yeakaundi yakanyorwa pasiripi reLetter Transfer. Nhamba yakarurama yokushandisa i 028-745-8. Tapota nzverai kaviri kuti muve nechokwadi chokuti Letter Transfer yazadzwa zvakarurama.
◼ Vadzidzi vari pachikoro vachava nezororo kubvira pana April 15 kusvikira kuna May 9. Tapota cherekedzaiwo kuti April 18 richava zororo renyika naizvozvo gadziriro chaidzo dzebasa dzinogona kuitwa.
◼ Sezvakadudzwa muHushumiri Hwedu hwoUmambo hwaMarch, tichafunda bhuku raMunhu Mukurusa Ati Amborarama pafundo yebhuku. Pashure pokunzvera, ungano dzichaziva kana dzichifanira kuodha mamwe makopi eichi chinyorwa. Kana ikoku kuchigere kuitwa, kunofanira kuitwa iye zvino. Tapota musaodha akanyanyowanda.
◼ Ruramiso: Ndaza yehurukuro yavose nhamba 39 muShona, peji 2: tapota chinjai rugwaro rwokupedzisira kubva pana VaHebheru 3:16-18 kuva Habhakuki 3:16-18.