Hwirudzuro Yechikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari
Hwirudzuro inoitwa mabhuku akapfigwa pamusoro pamashoko anofukidzwa mumigove yeChikoro Choushumiri Choubati Ushe hwaMwari nokuda kwamavhiki aJanuary 3 kusvikira kuna April 18, 1994. Shandisai pepa riri roga rokunyorera mhinduro zhinji dzemibvunzo seyamunogona munguva yakagoverwa.
[Onai: Mukati mehwirudzuro yokunyora, Bhaibheri bedzi ringashandiswa kupindura mubvunzo upi noupi. Nongedzero dzinotevera mibvunzo ndedzenzvero yenyu mumene. Nhamba dzamapeji nendima dzingasaoneka panongedzero dzose dzeNharireyomurindi.]
Pindura kutaura kumwe nokumwe kunotevera kuti Chokwadi kana kuti Nhema:
1. Vanhu vane nyasha dzaMwari havatongotamburi ngwavaira. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona wCA92 9/15 p. 4.]
2. Mukuwirirana naNehemia 10:34, zvipiriso zvehuni zvakarairwa muMutemo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 2/15 p. 30.]
3. Mashoko aJobho okuzvidzivirira ari pana Jobho 31:1 anotsinhirana neizvo Jesu akadzidzisa pana Mateo 5:27, 28. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w78 12/15 p. 32.]
4. Anopfuura makore 1 500 pamberi paKristu, Jobho akataura tariro murumuko. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona Jobho 14:13 uye wCA93 4/15 p. 11.]
5. VaFarise navanyori vakashandisa kutaura kwechiHebheru kwokuti ʽam ha·ʼaʹrets, “vanhu venyika [pasi],” kunongedzera kuvanhuwo zvavo, avo vakabata setsvina. [gtCA ganh. 85]
6. Nhauro iri pana Estere 1:10-12 inogona kubetsera munhu anonzwisisa kunzwisisa kuti kuva anozviisa pasi naanoteerera ndekweukoshi hukuru zvikuru kupfuura kuva norunako. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona wCA79 10/1 p. 13.]
7. Kuzvipira kwoumwari kunoratidzira batano yorudo naJehovha nemhaka yokumunzwisisa nenzira dzake. [uwCA p. 19 ndima 15]
8. Nhauro yeBhaibheri iri pana Ruka 16:19-31 yomupfumi naRazaro inhau chaiyoiyo youpenyu. [gtCA ganh. 88]
9. Apo Jesu akanongedzera ku“pfuma isakarurama” pana Ruka 16:9, akanga achitaura pamusoro pepfuma inowanwa nomutoo usiri wapamutemo. [gtCA ganh. 87]
10. Pana Ruka 17:34, 35, ku“torwa” kunoreva ruparadziko. [gtCA ganh. 93]
Pindura mibvunzo inotevera:
11. Neiko gadziridzo dziri madikanwa apo mubereki/vabereki vakwegura vanotamira mumusha menyu? [wCA93 2/15 p. 25]
12. Ibetseroi dziripo kumhuri inozvipira kutarisira vabereki vavo vakwegura? [wCA93 2/15 p. 26]
13. Jesu akarevei apo akataura kuti vateveri vake vanofanira ku“veng[a]” hama dzavo dzokunyama? (Ruka 14:26) [gtCA ganh. 84]
14. Ndirini uye ndikunaani uko mashoko aJesu ari pana Johane 11:26 anobvumikisa kuva echokwadi mupfungwa chaiyoiyo zvikuru? [gtCA ganh. 90]
15. Neiko kumutswa kwaRazaro kuvakafa yakanga iri katyamadzo ine simba zvikuru kuvaSadhuse? [gtCA ganh. 91]
16. Tinofanira kunzwisisa sei mhinduro yaJesu kuvaFarise apo akati: “Umambo hwaMwari huri pakati penyu”? (Ruka 17: 21, NW) [gtCA ganh. 93]
17. Chimiroi chendangariro chavaFarise, sechakaziviswa pana Ruka 18:11, 12, maKristu anofanira kudzivisa? [gtCA ganh. 94]
18. Sezvo Jesu akanga ari munhu akakwana asina kutongoita chivi, neiko akaramba kumudana kwejaya mutongi muduku rakapfuma kuti “wakanaka”? (Marko 10:17, 18) [gtCA ganh. 96]
19. Ndezvipi zviri zvinhu zviviri zvinokosha zvinoparira chinzwano chechiKristu chechokwadi? [uwCA p. 8 ndima 8]
20. Kana munhu akataura kuti anodavira Utatu, neiko kuri kuchenjera kumukumbira kuti ataure iye amene pamusoro penhau yacho pamberi pokusatendera Utatu? [uwCA p. 16 ndima 10]
Govera shoko kana kuti chitsama chamashoko chinodikanwa kupedza kumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
21. “Matongo” anongedzerwa kwaari pana Jobho 3:14 akanga ari․․․․․․․․. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w79 4/15 p. 31.]
22. Kufanana navaJudha vomuzuva raEstere, Zvapupu zvaJehovha nenzira yakafanira zvinokwirira ku․․․․․․․․ nokuda kwedziviriro pavavengi. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona w86 3/15 p. 25.]
23. Kunyange zvazvo “vanyori” vane ․․․․․․․․ vohunhu vakashandiswa kunyora Bhaibheri, ․․․․․․․․ amene ndiye Muvambi waro. [uwCA p. 20 ndima 2]
24. Mudzimu wokuzvimirira wakavamba na․․․․․․․․. [uwCA p. 10 ndima 10]
25. Nehemia anogumisa bhuku rake nokukumbira kwakapfava nekwokuzvininipisa, kwokuti:․․․․․․․․. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki]
Sarudza mhinduro yakarurama mukumwe nokumwe kwokutaura kunotevera:
26. Vadzidzi vaJesu ndivo munyu wenyika mukuti ivo (vanofanira kutsungirira kutambudzwa; vanotaura nounyoro; vane pesvedzero inochengetedza pavanhu). [gtCA ganh. 84]
27. Mashoko ari pana Johane 1:1 anonongedzera kumu(va)nhu (mumwe; vaviri; vatatu). [uwCA p. 16 ndima 11 (3)]
28. Mukuwirirana nePisarema 9:10, kuziva zita raMwari kunoreva (kungoziva zita rokuti Jehovha; kuva nezivo yakati pamusoro pamadonzo ake; kuremekedza chiremera chake nokuteerera mirairo yake). [uwCA p. 18 ndima 14]
29. Razaro, Marta, uye Maria vaigara mu(Jerusarema; Bhetrehema; Bhetania). [gtCA ganh. 89]
30. Pana Genesi 1:1 uye 1:26, shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “Mwari” ndi (ʼAdho·naiʹ; ’Elo·himʹ; Shad·daiʹ). [uwCA p. 17 ndima 11 (4)]
Nzwananisa magwaro anotevera nokutaura kwakarongwa pasi apa:
Neh. 13:23-27; Estere 1:17-20; Jobho 14:14, 15; 26:7; Zvir. 3:5, 6
31. Hapana chinotsigira chinooneka chinobata pasi munzvimbo. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona wCA92 5/15 p. 5.]
32. Vanamati vaMwari wechokwadi vanotsvaka mukwanyina vanofanira kuroora bedzi mutendi biyavo ari muukama hwokuzvitsaurira naJehovha. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona wCA89 6/1 p. 14.]
33. Jehovha anoshuva zvapachokwadi kumutsa vakafa. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona wCA90 5/1 p. 7.]
34. Muraramire wedu wose unofanira kupa ufakazi hwokuti kufunga kwedu nevavariro dzedu zvinotungamirirwa naMwari. [uwCA p. 10 ndima 11]
35. Kuratidza kuzvidza chiremera chakafanira kunogona kuva nomuuyo wakashata pana vamwe. [Kurava Bhaibheri kwevhiki nevhiki; ona wCA79 10/1 p. 14.]