RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w19 December p. 14
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Nzira Yokugonana Nayo Nokubatwa Chibharo
    Mukai!—1993
  • Zvomene Yokubatwa Chibharo
    Mukai!—1993
  • Ndinofanira Kuita Sei Nomusikana Anoratidza Kundifarira?
    Mukai!—2005
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
w19 December p. 14

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Bhaibheri rinotaura kuti nyaya inofanira kutongwa kana papiwa uchapupu nevanhu vaviri kana vatatu. (Num. 35:30; Dheut. 17:6; 19:15; Mat. 18:16; 1 Tim. 5:19) Asi Mutemo waiti kana murume akabata chibharo musikana ainge avimbiswa kuroorwa ari “kusango,” musikana wacho oridza mhere, musikana aizonzi haana mhosva yeupombwe uye murume wacho aizonzi ane mhosva. Sezvo painge pasina anenge aona musikana wacho achibatwa chibharo, sei zvaizonzi murume chete ndiye ane mhosva?

Nyaya iri pana Dheuteronomi 22:25-27 haisi yekuratidza kuti murume ane mhosva, nekuti zvagara zviri pachena kuti anayo. Chinangwa chemutemo uyu chaiva chekuratidza kuti mukadzi anenge asina mhosva. Ngationei mamwe mashoko anojekesa pfungwa yacho.

Mavhesi ari pamashure pacho anotaura nezvemurume anenge arara nemusikana “muguta,” asi musikana wacho akavimbiswa kuroorwa. Murume wacho aizonzi ane mhosva yeupombwe sezvo musikana anenge avimbiswa kuroorwa aionekwa seakatoroorwa. Ko musikana wacho aizonziwo kudii? “Haana kuridza mhere muguta.” Kudai akaridza mhere, vamwe vanhu vaigona kuzvinzwa vouya kuzomubatsira. Asi haana kuridza mhere. Saka anenge akaitawo upombwe, uye vese vari vaviri vainzi vane mhosva.​—Dheut. 22:23, 24.

Mutemo unozotaurawo nezvemamwe mamiriro ezvinhu akasiyana naiwaya uchiti: “Asi kana zvikaitika kuti murume anosangana nemusikana akavimbiswa kuroorwa ari kusango, uye murume wacho omukunda simba, orara naye, murume akarara naye anofanira kuurayiwa ega, uye musikana wacho hapana zvaunofanira kumuita. Musikana haana chivi chaakaita chakakodzera rufu. Izvi zvakafanana nezvinoitika kana murume akarwisa mumwe wake omuponda. Nekuti akasangana naye ari kusango uye musikana wacho akavimbiswa kuroorwa akaridza mhere, asi pakashayikwa anomununura.”​—Dheut. 22:25-27.

Pakadaro, vatongi vaizobvuma zvinenge zvichitaurwa nemusikana wacho. Chii chaiita kuti vazvibvume? Zvaizonzi “akaridza mhere, asi pakashayikwa anomununura.” Saka ainge asina kuita upombwe. Asi murume aizonzi ane mhosva yekubata chibharo musikana akavimbiswa kuroorwa uye yeupombwe nekuti ‘akamukunda simba, akarara naye.’

Saka kunyange zvazvo mutemo uyu wairatidza kuti mukadzi haana mhosva, nyaya yacho inonyatsoratidza kuti murume wacho aiva nemhosva yekubata chibharo uye yeupombwe. Tinogona kuva nechokwadi chekuti vatongi ‘vaizonyatsoferefeta nyaya yacho’ voita chisarudzo chinoenderana nemutemo waMwari waainge ajekesa uye adzokorora kakawanda.​—Dheut. 13:14; 17:4; Eks. 20:14.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe