RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w19 March pp. 29-31
  • Jehovha Anozvikoshesa Paunoti “Ameni”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Jehovha Anozvikoshesa Paunoti “Ameni”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • ‘VANHU VESE VACHATI, ‘AMENI!’’
  • “VANHU VESE VAKATI, ‘AMENI!’ [UYE] VAKARUMBIDZA JEHOVHA”
  • NEI KUTAURA KUTI “AMENI” KUCHIKOSHA?
  • Waizviziva Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
  • Nzwisisa Uye Koshesa Basa raJesu Rinomusiyanisa Nevamwe Muchinangwa chaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Swedera Pedyo naMwari Nokunyengetera
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • “Kukumbira Kwenyu Ngakuziviswe Mwari”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2006
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2019
w19 March pp. 29-31
Hama nehanzvadzi dziri muungano dzinokotamisa misoro pakunyengetera

Jehovha Anozvikoshesa Paunoti “Ameni”

JEHOVHA anokoshesa kunamata kwedu. ‘Ari kuteerera uye ari kunzwa’ vashumiri vake, uye hapana chavanoita vachimurumbidza chaasingaoni pasinei nekuti chidiki zvakadii. (Mar. 3:16) Funga nezveshoko ratingadaro takataura kakawanda chaizvo, rekuti “ameni.” Jehovha anorikoshesa here? Ehe anorikoshesa! Kuti tizive kuti sei achikoshesa shoko iri, ngationei kuti rinorevei uye kuti rinoshandiswa sei muBhaibheri.

‘VANHU VESE VACHATI, ‘AMENI!’’

Shoko rekuti “ameni” rinoreva kuti “ngazviitike,” kana kuti “chokwadi.” Rinobva pashoko rechiHebheru rinoreva kuti “iva akatendeka,” “iva akavimbika.” Dzimwe nguva raishandiswa mumatare. Pashure pekuita mhiko, dzimwe nguva munhu aiti “ameni” kuratidza kuti ataura chokwadi uye kuti achagamuchira chero zvichakonzerwa nezvaataura. (Num. 5:22) Kutaura shoko iroro paruzhinji kwaitoita kuti ave nechikonzero chakasimba chekuzadzisa zvaataura.—Neh. 5:13.

Shoko rekuti “ameni” rakashandiswa kakawanda muchitsauko 27 chaDheuteronomio. VaIsraeri pavakapinda muNyika Yakapikirwa, vaifanira kuungana vakati vamwe paGomo reEbhari, vamwe paGomo reGerizimu kuti vanzwe Mutemo uchiverengwa. Vakanga vasina kuungana kuti vangonzwa mutemo uchiverengwa chete asi vaifanira kuzivisa kuti vaibvuma Mutemo wacho. Vakaita izvi nekupindura kuti “Ameni!” pese paiverengwa chirango chekutyora Mutemo. (Dheut. 27:15-26) Fungidzira manzwi ezviuru zvevarume, vakadzi, nevana vachishevedzera kuti “ameni!” (Josh. 8:30-35) Havana kukanganwa mashoko avakataura zuva iroro. VaIsraeri ivavo vakaita zvavakataura nekuti Bhaibheri rinoti: “Israeri akaramba achishumira Jehovha mazuva ose aJoshua nemazuva ose evarume vakuru vakanga vachiri kurarama Joshua afa uye vakanga vaziva basa rose raJehovha raakaitira Israeri.”—Josh. 24:31.

Jesu aishandisawo shoko rekuti “ameni” asi aizviita nenzira yakasiyana neyevamwe. Vanhu vakawanda vaishandisa shoko rekuti “ameni” kupindura zvainge zvataurwa. Asi Jesu airishandisa asati ataura chimwe chinhu, kuti aratidze kuti ndechechokwadi. MuchiShona, shoko racho rekuti “ameni” rakashandurwa kuti “chokwadi.” Dzimwe nguva Jesu aidzokorora shoko racho achiti, “chokwadi chokwadi.” (Mat. 5:18; Joh. 1:51) Paaidaro aiita kuti vateereri vake vagutsikane kuti aitaura chokwadi. Jesu aitaura aine chokwadi saizvozvo nekuti ndiye akapiwa simba rekuzadzisa zvese zvakavimbiswa naMwari.—2 VaK. 1:20; Zvak. 3:14.

“VANHU VESE VAKATI, ‘AMENI!’ [UYE] VAKARUMBIDZA JEHOVHA”

VaIsraeri vaitiwo “ameni” pavairumbidza Jehovha uye pavainyengetera kwaari. (Neh. 8:6; Pis. 41:13) Kutaura kwavaiita shoko iroro paipera munyengetero kwairatidza kuti vaibvumirana nemunyengetero wacho. Saka munhu wese aibatanidzwa pakunamata Jehovha nenzira iyoyo. Izvi ndizvo zvakaitika Mambo Dhavhidhi paakaunza Areka yaJehovha kuJerusarema. Pamhemberero yakazoitwa, akapa munyengetero wemwoyo wese waiita zvekuimbwa, uyo uri pana 1 Makoronike 16:8-36. Vanhu vaivapo vakabatwa-batwa chaizvo nemashoko ake zvekuti “vese vakati, ‘Ameni!’ [uye] vakarumbidza Jehovha.” Kutaura kwavakaita pamwe chete kwakaita kuti chiitiko ichi chiwedzere kufadza.

VaKristu vekutanga vaishandisawo shoko rekuti “ameni” pakurumbidza Jehovha. Vanyori veBhaibheri vairishandisawo kakawanda mutsamba dzavo. (VaR. 1:25; 16:27; 1 Pet. 4:11) Bhuku raZvakazarurwa rinototaura nezvezvisikwa zvemweya kudenga zvichirumbidza Jehovha zvichiti: “Ameni! Rumbidzai Jah!” (Zvak. 19:1, 4) VaKristu vekutanga vaiti “ameni” paipera minyengetero yaipiwa pamisangano. (1 VaK. 14:16) Asi vaisangodzokorora shoko iri zvechirango.

NEI KUTAURA KUTI “AMENI” KUCHIKOSHA?

Sezvataona pamashandisiro aiita vashumiri vaJehovha shoko rekuti “ameni,” zvine musoro kuti munyengetero ugumiswe neshoko iri. Patinoritaura tapedza kunyengetera tega, tinenge tichiratidza kuti tiri kurevesa pane zvatanga tichitaura. Uye patinoti “ameni,” kunyange tichizviita chinyararire, tinenge tichiratidza kuti tinobvumirana nezvataurwa mumunyengetero wacho. Ngationei zvimwe zvinoita kuti kutaura kuti “ameni” kukoshe.

Tinonyatsoteerera mumwe paanenge achinyengetera nekuti tinenge tichitonamata. Tinonamata Jehovha patinenge tichinyengetera kuburikidza nezvatinotaura uyewo zvatinoita. Kana tikava nechido chekutaura kuti “ameni” zvinobva pamwoyo tinokwanisa kuramba tiine maonero akanaka uye takaisa pfungwa pamunyengetero wacho.

Tinova vanamati vakabatana. Munyengetero unopiwa paruzhinji unoita kuti ungano yese iise pfungwa pazvinhu zvinenge zvichitaurwa mumunyengetero wacho. (Mab. 1:14; 12:5) Tinowedzera kubatana patinoti “ameni” pamwe chete nehama nehanzvadzi dzedu. Pasinei nekuti tinotaura zvinonzwika kana kuti nechemumwoyo, kutaura kuti “ameni” kunoita kuti Jehovha apindure munyengetero wedu.

Hanzvadzi inokotamisa musoro ichiteerera pafoni munyengetero uri kupiwa kumisangano

Patinoti “ameni” tinenge tichirumbidza Jehovha

Tinenge tichirumbidza Jehovha. Jehovha anoona zvese zvatinoita pakunamata. (Ruka 21:2, 3) Anoona vavariro yedu uye zviri mumwoyo medu. Kunyange patinenge tichiteerera misangano pafoni, tinogona kuva nechokwadi chekuti Jehovha anozviona patinoti “ameni.” Patinodaro tinobatana nevamwe vese pakurumbidza Jehovha.

Kutaura kuti “ameni” kunogona kuita sekuti hakukoshi, asi kunokosha chaizvo. Rimwe bhuku rinotsanangura Bhaibheri rinoti vashumiri vaMwari pavanoshandisa “shoko iri rimwe chete,” vanenge vachiratidza “chivimbo chavainacho, uye kubvuma nemwoyo wese zvinenge zvataurwa uye tariro yechokwadi yavainayo.” Dai kutaura kwese kwatinoita kuti “ameni” kukafadza Jehovha.—Pis. 19:14.

Unofanira Kuti “Ameni” Pese Panonyengeterwa Here?

Shoko rekuti “ameni” harifaniri kurerutswa. Asi tingaita sei kana anenge achinyengetera akakanganisa pakutaura? Tinofanira kubva tarega kuti “ameni” here? Hatingadaro hedu. Jehovha anozviziva kuti tinombokanganisa pakutaura, uye haati nangananga nekukanganisa kwatinoita. Saka kana tikaisa pfungwa pane zviri kuedza kutaurwa neanenge achinyengetera, tinogona kuona pasina chakaipa nekuti “ameni.”

Asiwo hatiti “ameni” zvinonzwika kana kuti nechemumwoyo panonyengetera munhu asiri mushumiri waMwari. Ko kana tiripo panonyengetera munhu akadaro? Tinogona kunge tiri pane chimwe chiitiko chisiri cheZvapupu uye mumwe munhu obva akumbirwa kuti anyengetere. Kana kuti tinogona kunge tiri mumhuri ine vanhu vane zvitendero zvakasiyana uye musoro wemba uyo asiri Chapupu obva asarudza kunyengeterera mhuri. Tingaitei?

Kana izvozvo zvikaitika, tinogona kuramba takanyarara, tichiratidza ruremekedzo. Hatifaniri kuti “ameni” kana kubatana maoko nevamwe pamunyengetero wacho nekuti izvozvo zvingaratidza kuti tiri kubvumirana navo. Tinogona kusarudza kunyengetera nechemumwoyo, asi hatizoti “ameni” zvinonzwika kuti vamwe vasafunga kuti tabatana navo pamunyengetero wavo. Kana vakanyengetera vakamira, zviri kwatiri kusarudza kuti tomirawo navo here. Kumira kana kungokotamisa musoro hakusi kunyengetera. Zviri kumuKristu mumwe nemumwe kuti oita sei pamamiriro acho ezvinhu, uye hapana anofanira kushorwa nezvaanenge asarudza.

Mamiriro ezvinhu atataura anoratidza kuti nei “ameni” wedu achikosha kuna Jehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe