Rakarurama Mune Zvesayenzi
“Handina kukunyorera kusvikira panguva ino here ndichikupa mazano nezivo, kuti ndikuratidze uchokwadi hwemashoko echokwadi, kuti ndidzorere mashoko echokwadi?”—ZVIREVO 22:20, 21.
BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI? Mabhuku ekare anowanzotaura zvinhu zvisina kuvimbika uye zvine ngozi izvo zvakabudiswa pachena nevesayenzi kuti ndezvenhema. Uyewo vanyori vemabhuku vari kugara vachinatsurudza mabhuku avo kuti aenderane nezvinenge zvava kuzivikanwa panguva iyoyo. Asi Bhaibheri rakasiyana nemabhuku iwayo pakuti rinoti rakanyorwa neMusiki uyo ane Shoko “rinogara nokusingaperi.”—1 Petro 1:25.
MUENZANISO: Mutemo waMosesi waiti vaIsraeri vaifanira kufushira tsvina yavo “kunze kwomusasa.” (Dheuteronomio 23:12, 13) Vaifanira kugeza muviri uye kuchenesa nguo dzavo nemvura kana vachinge vabata munhu akafa kana kuti mhuka yakafa. (Revhitiko 11:27, 28; Numeri 19:13, 19) Vanhu vaiva nemaperembudzi vaiiswa kwavo vega kusvikira vava nechokwadi chokuti havachapomeri vamwe.—Revhitiko 13:1-8.
ZVINOTAURWA NEVEZVOKURAPA VEMAZUVA ANO: Kuva nezvimbudzi zvakakodzera, kugeza maoko uye kugarisa munhu ane chirwere chinotapukira kwake ega, inzira dzinoshanda chaizvo pakurwisa zvirwere. Sangano rinonzi U.S. Centers for Disease Control and Prevention (CDC) rinoti kana pasina chimbudzi kana kuti imwe nzira yakakodzera yokurasa tsvina: “Itira tsvina kure nepane mvura nemamita anenge 30 woifushira.” Sangano reWorld Health Organization rinoti kana vanhu vakarasa tsvina zvakakodzera, zvinoderedza chirwere chemanyoka nezvikamu 36 kubva muzana. Mumakore asingasviki 200 apfuura, vanachiremba vakaona kuti vaipomera varwere vavo zvirwere nokuti vaisageza maoko avo mushure mokubata zvitunha. Sangano reCDC rinoti kugeza maoko ndiyo “chete nzira inonyanya kushanda yokuti uzvidzivirire pakubatwa nezvirwere.” Ko nyaya yokuisa munhu ane maperembudzi kana kuti zvimwe zvirwere zvinotapuriranwa kwake oga? Munguva pfupi yapfuura magazini inonzi Saudi Medical Journal yakati: “Denda parinenge richitanga, kuisa murwere kwake oga ndiyo nzira chete ingashanda pakumisa zvirwere zvinotapuriranwa.”
UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku dzvene rekare rine mashoko anobvumirana nesayenzi yemazuva ano? Izvi hazviratidzi kuti Bhaibheri ibhuku rakasiyana nemamwe mabhuku here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]
“Hapana mubvunzo kuti munhu wose anoverenga nezvematanho okudzivirira utano epanguva yaMosesi anoshamiswa nawo.”—BHUKU RINONZI MANUAL OF TROPICAL MEDICINE, RAKANYORWA NAVANACHIREMBA VANOTI ALDO CASTELLANI NAALBERT J. CHALMERS