Rine Nhoroondo Dzechokwadi, Kwete Ngano
“Ndakatsvaka zvinhu zvose nenzira yakarurama kubvira pakutanga.”—RUKA 1:3.
BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI? Ngano uye dzimwe nyaya dzekare dzine zvinhu zvokufungidzira uye hadzitauri kwakaitika zvinhu zvacho, misi uye mazita evanhu. Asi Bhaibheri rinodonongodza zvinhu zvakawanda zvakaitika izvo zvinoita kuti muverengi agutsikane kuti zvarinotaura “ichokwadi.”—Pisarema 119:160.
MUENZANISO: Bhaibheri rinotaura kuti “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi . . . akatapa [Mambo weJudha] Jehoyakini akamuendesa kuBhabhironi.” Pave paya “Evhiri-merodhaki mambo weBhabhironi, mugore raakava mambo, akasimudza musoro waJehoyakini mambo waJudha, akamubudisa muimba yevasungwa.” Uyewo Jehoyakini “aipiwa mugove wake wezvokudya namambo nguva dzose, zuva nezuva sezvaaifanira kupiwa, mazuva ose oupenyu hwake.”—2 Madzimambo 24:11, 15; 25:27-30.
ZVAKAWANIKWA NEVANOCHERA MATONGO: Pamatongo eBhabhironi rekare, vanochera matongo vakawana magwaro ehurumende anoratidza kuti ndeepanguva yaitonga Nebhukadhinezari II. Magwaro acho anotaura nezvemugove waipiwa vashandi nevasungwa vaigara muBhabhironi. Anotaurawo nezva“Yaukin [Jehoyakini],” aiva mambo weYahud (Judha),” uye mhuri yake. Ko Evhiri-merodhaki anonzi akatsiva Nebhukadhinezari pachigaro akamborarama here? Chimwe chiumbwa chakawanikwa pedyo neguta rinonzi Susa chaiva chakanyorwa kuti: “Muzinda waAmil-Marduk [Evhiri-merodhaki], Mambo weBhabhironi, mwanakomana waNebhukadhinezari, Mambo weBhabhironi.”
UNOFUNGEI? Pane here rimwe bhuku rinonyatsotaura zvinhu zvakarurama parinotaura zvakaitika kare sezvinoita Bhaibheri? Izvi hazviratidzi kuti Bhaibheri rakasiyana nemamwe mabhuku here?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 5]
“Parinotaura nguva nenzvimbo dzakaitika zvinhu, Bhaibheri rakarurama uye rakavimbika kupfuura zvimwe zvinyorwa zvekare.”—BHUKU RINONZI A SCIENTIFIC INVESTIGATION OF THE OLD TESTAMENT, RAKANYORWA NAROBERT D. WILSON
[Mufananidzo uri papeji 5]
GWARO ROKUBHABHIRONI RINOTAURA NEZVAJEHOYAKINI MAMBO WAJUDHA
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 5]
© bpk, Berlin/Vorderasiatisches Museum, SMB/Olaf M. Tessmer/Art Resource, NY