Mabhuku Anobvumirana
“Uprofita hahuna kumbounzwa chero panguva ipi zvayo nevanhu, asi vanhu vakataura zvichibva kuna Mwari sezvavaitungamirirwa nomudzimu mutsvene.”—2 PETRO 1:21.
BHAIBHERI RAKASIYANA NEMAMWE MABHUKU PAKUDINI? Zvinyorwa zvekare zvinenge zvakatonyorwa panguva imwe chete kazhinji zvinopikisana. Kashoma kuti mabhuku akanyorwa nevanhu vakasiyana, munzvimbo dzakasiyana uye panguva dzakasiyana, abvumirane. Asi Bhaibheri rinotaura kuti mabhuku aro ose 66 akanyorwa nemunhu mumwe chete uye anotaura chinhu chimwe chete.—2 Timoti 3:16.
MUENZANISO: Mufudzi womuzana remakore rechi16 B.C.E. Mosesi, akanyora mubhuku rokutanga reBhaibheri kuti paizova ne“mwana” aizoponesa vanhu. Bhuku iri rakazotaurawo kuti mwana wacho aizova wedzinza raAbrahamu, Isaka naJakobho. (Genesisi 3:15; 22:17, 18; 26:24; 28:14) Kwapera makore anenge 500 muprofita Natani akaratidza kuti mwana acho aizobva nekudzinza raDhavhidhi roumambo. (2 Samueri 7:12) Papera makore 1 000, muapostora Pauro akatsanangura kuti mwana wacho aizoumbwa naJesu neboka revateveri vake. (VaRoma 1:1-4; VaGaratiya 3:16, 29) Pakazopera zana remakore rokutanga C.E., bhuku rokupedzisira reBhaibheri rakaprofita kuti vanhu ava vakasarudzwa vaizoparidza nezvaJesu pasi pano, vaizomutsirwa kudenga votonga naye kwemakore 1 000. Mwana uyu, kureva Jesu nevateveri vake, achaparadza Dhiyabhorosi oponesa vanhu.—Zvakazarurwa 12:17; 20:6-10.
ZVINOTAURWA NEVAONGORORI VEBHAIBHERI: Mushure mokunge Louis Gaussen anyatsoongorora mabhuku 66 eBhaibheri, akanyora kuti akabayiwa mwoyo “nekubvumirana kunoshamisa kwebhuku iri, rakatora makore 1 500 richinyorwa nevanyori vakawanda kudaro vaiva nechinangwa chimwe chete.” Akatiwo “chinangwa chacho chaiva chokubudisa pachena nhoroondo yokudzikinurwa kwevanhu pachishandiswa Mwanakomana waMwari.”—Bhuku rinonzi Theopneusty—The Plenary Inspiration of the Holy Scriptures.
UNOFUNGEI? Ungatarisira here kuti bhuku rakapedza makore anopfuura 1 500 richinyorwa nevarume 40 vakasiyana-siyana, ribvumirane pane zvose? Izvi hazviratidzi here kuti Bhaibheri rakasiyana nemamwe mabhuku ose?
[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 7]
“Kana mabhuku aya akabatanidzwa anoumba bhuku rimwe chete . . . Munyika yose hapana rimwe bhuku rakafanana naro.”—BHUKU RINONZI THE PROBLEM OF THE OLD TESTAMENT, RAKANYORWA NAJAMES ORR