Zviri Mukati
March 15, 2012
© 2012 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania. Kudhinda kana kukopa pasina mvumo hazvibvumirwi.
Yokudzidza
NYAYA DZICHADZIDZWA
APRIL 30, 2012–MAY 6, 2012
Batsira Vanhu Kuti ‘Vamuke Pahope’
PEJI 10 • NZIYO: 65, 96
MAY 7-13, 2012
Ramba Uine Pfungwa Yokuti Nguva Yapera
PEJI 15 • NZIYO: 92, 47
MAY 14-20, 2012
PEJI 20 • NZIYO: 129, 134
MAY 21-27, 2012
Usatarira “Zvinhu Zviri Shure”
PEJI 25 • NZIYO: 119, 17
CHINANGWA CHENYAYA DZICHADZIDZWA
NYAYA DZOKUDZIDZA 1, 2 MAPEJI 10-19
Dzidziso dzechitendero chenhema dzakaita kuti vanhu vane mamiriyoni vatsimwaire kana kuti varare pakunamata. Nyaya mbiri idzi dzichakurukura nezvekumutsa kwatingaita vanhu uye kuti nei tichifanira kukurumidza kuzviita. Tingaramba sei tiine pfungwa yokuti nguva yapera, uye kuparidza tiine pfungwa iyoyo kunorevei?
NYAYA YOKUDZIDZA 3 MAPEJI 20-24
Muapostora Petro akanyora kuti vaKristu vakazodzwa vane “tariro mhenyu.” (1 Pet. 1:3) Ichocho ichokwadi sei, uye tariro iyoyo yakabatana papi neye“mamwe makwai”? (Joh. 10:16) Nyaya ino ichakubatsira kunyatsoona zvikonzero zvokufarira tariro yako uye kuti utarisire kuzadziswa kwayo.
NYAYA YOKUDZIDZA 4 MAPEJI 25-29
Jesu akayambira kuti: “Yeukai mudzimai waRoti.” (Ruka 17:32) Jesu airevei nemashoko iwayo? Nyaya ino ichatibatsira kuona zvinhu zvitatu zvatingashandisira nyevero iyoyo. Ona kana paine paunofanira kugadzirisa muupenyu hwako.
DZIMWEWO NYAYA
3 “Kuruoko Rwenyu Rworudyi Kune Zvinofadza Nokusingaperi”
30 Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
32 “Tinokumbirawo Kutorwa Pikicha”
KAVHA: Zvapupu zvechiduku zvakawanda kuMalawi zvave zvichikurukura nevamwe vokuchikoro mashoko anofadza uye anokosha ari mubhuku raVechiduku Vanobvunza Kuti
MALAWI
VAGARI VEMO
13 077 160
VAPARIDZI
79 157
KUVAKA DZIMBA DZOUMAMBO
1 031 kubvira muna 1998