RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w12 3/1 p. 32
  • Unoona Sei Jesu?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Unoona Sei Jesu?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2012
w12 3/1 p. 32

Unoona Sei Jesu?

Unomuona sekacheche here, semunhu ari kuurayiwa kana kuti saMambo ane chinzvimbo chepamusoro here?

Bhaibheri rinoratidza kuti Jesu ndiMambo ane simba. Asi izvozvo zvinorevei kwauri?

Vakawanda vanotenda kuti Jesu akavafira. Asi rufu rwemunhu mumwe chete iyeye akafa makore 2 000 akapfuura, rungakwanisa sei kuponesa vanhu?

Unokokwa noushamwari kuti uzonzwa mhinduro dzeBhaibheri dzemibvunzo iyi. Nyaya iyi ichakurukurwa pachaungana Zvapupu zvaJehovha kuti zviyeuke rufu rwaJesu. Gore rino rufu rwaJesu ruchayeukwa musi weChina 5 April, zuva ranyura.

Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara kuti unzwe nguva nenzvimbo yacho.

Kupera kwevhiki racho Zvapupu zvaJehovha zvichakurukurawo hurukuro yeBhaibheri ine musoro unotokonya pfungwa wokuti “Mazuva Afamba Kupfuura Zvaunofunga Here?” Hurukuro iyi ichava chimwe chezviitiko zvinokosha pabasa riri kuitwa neZvapupu munyika yose rokuedza kutaura nevanhu vose vanoda kuziva chokwadi uye vanoda kuziva zvakawanda nezvaJesu. Tinokukoka kuti uzonzwa.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe