RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 5/1 pp. 4-7
  • Mwari Ari Kuitei Nazvo?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ari Kuitei Nazvo?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvakaipa Zvakakonzerwa Nechivi
  • Basa Rokugadzirisa Rinoenderera Mberi
  • Icho Mwari Akaita Kuti Aponese Rudzi Rwomunhu
    Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi
  • Hurumende Ichaunza Paradhiso
    Hurumende Ichaunza Paradhiso
  • Tembere yaJehovha Huru Yomudzimu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Kuratidza Kunoita Jesu Kuti Mwari Akarurama
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 5/1 pp. 4-7

Mwari Ari Kuitei Nazvo?

“Haiwa Jehovha, munorambirei makamira kure? Munorambirei makavanda munguva dzokutambudzika?”a—PISAREMA 10:1.

PAUNONGOTARISA misoro yenhau, unobva wangoona kuti tiri kurarama “munguva dzokutambudzika.” Uye patinowirwa nematambudziko, akadai sokubirwa, kufirwa nomunhu watinoda kana kuti kuwirwa netsaona, tingazvibvunza kuti, Mwari anoona here? Ane hanya nazvo here? Amboriko here?

Zvisinei, wakambofunga here kuti zvatinotarisira kuna Mwari zvingave zvichikonzerwa nemafungiro asina kururama? Tingazvienzanisira seizvi: Fungidzira mwana muduku atsamwa nokuti baba vake vaenda kubasa. Mwana uyu anosuwa baba vake uye anoda kuti vadzoke kumba. Anofunga kuti vamutiza. Anoswera achingobvunza kuti, “Baba vari kupi?”

Zviri nyore kutoona mafungiro asiri iwo emwana uyu. Panguva yaari kufunga izvozvo, baba vake vanenge vari kutoshanda kuti variritire mhuri yose. Kuti tingave tiri kufunga zvisiri izvo here patinochema-chema tichiti, “Mwari ari kupi”?

Somuenzaniso, vamwe vangashuva kuti Mwari aite basa rokuuraya, achingomirira kuranga vaya vanoita zvakaipa. Vamwe vanoona Mwari semunhu anoita basa rokungopa zvipo—anoita kuti tiwane basa, wokuroorana naye, kana kuhwinha rotari.

Maonero aya anopa pfungwa yokuti kana Mwari akasaita kuti tibve tangoruramisirwa kana kuti akasatipa zvatinomukumbira, zvinoreva kuti anenge asina basa nesu uye asingazivi zvatinoda. Papfungwa mbiri idzi hapana yechokwadi! Chokwadi ndechokuti panguva ino, Jehovha Mwari ari mubishi rokubatsira vanhu vose, asi kwete sezviri kukumbirwa nevakawanda.

Saka Mwari ari kuitei? Kuti tipindure mubvunzo uyu tinofanira kuongorora matangiro akaita vanhu, pakakanganisika ukama hwavo naMwari, asi zvisingarevi kuti zvakanga zvisingachagadzirisiki.

Zvakaipa Zvakakonzerwa Nechivi

Chimbofunga nezveimba yava nemakore isiri kutarisirwa. Denga racho rawira, madhoo haachisina kubatirira uye kunze kwayo kwaparara. Imba iyi yaimbova yakanaka, asi iye zvino yashata. Tichifunga nezvokuparara kwayaita, kuigadzirisa hakusi nyore, haingazongomuki yagadziriswa.

Iye zvino chifunga nhamo yakawira vanhu makore anenge 6 000 akapfuura, chisikwa chomudzimu chisingaoneki, Satani, pachakafurira Adhamu naEvha kuti vapandukire Mwari. Izvi zvisati zvaitika, murume nemukadzi vokutanga vaifara, vasingarwari, vachitarisira kurarama nokusingaperi nevazukuru vaizoberekwa nevana vavo. (Genesisi 1:28) Zvisinei, Adhamu naEvha pavakatadza zvakaita sokuti vavhiringidza upenyu hwevanhu vose vaizoberekwa.

Usaona sokuti zvakaipa zvakakonzerwa nokupanduka kwavo chinhu chiduku. Bhaibheri rinoti: ‘Chivi chakapinda munyika nomunhu mumwe chete [Adhamu] uye rufu rwakapinda nechivi.’ (VaRoma 5:12) Chivi hachina kungounza rufu chete, asi chakatitadzisa kuva neukama hwakanaka neMusiki wedu uye chakakuvadza miviri, pfungwa, uye manzwiro atinoita. Izvi zvakaguma nokuita kuti mamiriro edu ezvinhu afanane neimba iya isiri kutarisirwa. Murume akarurama Jobho akapfupikisa mamiriro edu ezvinhu paakatsanangura kuti munhu “ane mazuva mashoma, azere nokutambudzika.”—Jobho 14:1, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

Saka zvinoreva here kuti pakatadza Adhamu naEvha Mwari akabva ati haasisina basa nevanhu? Kwete! Chokwadi ndechokuti kubva ipapo kusvikira iye zvino, Baba vedu vokudenga vari kushanda kuti vabatsire vanhu. Kuti tinyatsonzwisisa zvaari kutiitira, ngatimboongororai zvinhu zvitatu zvinodiwa kuti imba yanga yaparara igadziriswe uye kuti chimwe nechimwe chingafananidzwa sei nezvakaitwa naMwari kuti avezve noukama hwakanaka nevanhu.

1 Muridzi wemba paanopedza kuongorora imba yake yaparara anofanira kusarudza kuti oigadzirisa here kana kuti oiputsa.

Vanhu vachangopanduka muEdheni, Jehovha Mwari akazivisa chinangwa chake chokuita kuti vavezve noukama hwakanaka naye. Akaudza chisikwa chomudzimu chakafurira vanhu kupanduka kuti: “Ndichaisa ruvengo pakati pako nomukadzi nepakati pevana vako nomwana wake. Iye achakupwanya musoro uye iwe uchamupwanya chitsitsinho.”—Genesisi 3:15.

Nemashoko iwayo, Jehovha akavimbisa kuti aizoparadza honzeri yokupanduka muEdheni. (VaRoma 16:20; Zvakazarurwa 12:9) Uyezve, Jehovha akafanotaura kuti “mwana” aizoberekwa aizodzikinura vanhu muchivi.b (1 Johani 3:8) Zvaakavimbisa izvi zvakabudisa pachena zvaaizoita, zvokugadzirisa, kwete kuparadza zvaakasika. Asi kugadzirisa uku kwaizotora nguva yakati rebei.

2 Munhu anodhirowa mapurani edzimba anodhirowa purani yemba yacho sezvairi.

Jehovha Mwari akapa vaIsraeri bumbiro romutemo uye akataura zvaizenge zvakaita temberi yavaifanira kumunamatira. Bhaibheri rinoti: “Zvinhu izvozvo mumvuri wezvinhu zvichauya.” (VaKorose 2:17) Sepurani yemba, zvaifananidzira chimwe chinhu chikuru.

Somuenzaniso, vaIsraeri vaipa zvibayiro zvemhuka kuti vakanganwirwe zvivi. (Revhitiko 17:11) Zvavaiita zvaifananidzira chibayiro chikuru chaizopiwa kwapera mazana emakore, kureva chibayiro chaizodzikinura vanhu zvechokwadi.c Zvakataurwa nezvezvaizenge zvakaita tebhenekeri uye temberi yaishandiswa nevaIsraeri pakunamata, zvaifananidzira zvaizoitika kuna Mesiya, kubva parufu rwake rwechibayiro kusvikira akwira kudenga.—Ona chati iri papeji 7.

3 Panosarudzwa muvaki anozoshandisa purani iya pakugadzirisa imba yacho.

Jesu ndiye aiva Mesiya akanga avimbiswa aizotevedzera zvaiitwa nevaIsraeri zvokupa zvibayiro uye aizopa upenyu hwake pachake kuti adzikinure vanhu. Ndokusaka Johani Mubhabhatidzi akati Jesu ‘iGwayana raMwari rinobvisa chivi chenyika!’ (Johani 1:29) Jesu akabvuma basa racho asingaiti zvokumanikidzwa. Akati: “Handina kuburuka ndichibva kudenga kuzoita zvandinoda, asi zvinodiwa naiye akandituma.”—Johani 6:38.

Mwari aisangoda kuti Jesu ‘ape mweya wake kuti uve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji’ chete, asiwo aida kuti aite sungano yoUmambo nevateveri vake. (Mateu 20:28; Ruka 22:29, 30) Umambo ihwohwo ndihwo huchashandiswa naMwari kuti azadzise chinangwa chake chine chokuita nevanhu. Mashoko eUmambo hwaMwari anonzi “mashoko akanaka” nokuti anotsanangura kuti Mwari akagadza hurumende kudenga kuti itarisire zvinhu zvinoitika pasi!—Mateu 24:14; Dhanieri 2:44.d

Basa Rokugadzirisa Rinoenderera Mberi

Asati akwira kudenga, Jesu akarayira vateveri vake kuti: ‘Itai kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba neroMwanakomana neromudzimu mutsvene . . . Tarirai! ndinemi mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho.’—Mateu 28:19, 20.

Saka kugadzirisa zvakakanganiswa nevanhu kwaisazopera pakafa Jesu. Kwaizopfuurira kusvika “pakuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho,” Umambo hwaMwari pahwaizotanga kutonga nyika. Iye zvino ndiyo nguva yacho. Tinozviziva nokuti chiratidzo chakafanotaurwa naJesu nezve“kuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva yacho” chiri kuzadzika.e—Mateu 24:3-14; Ruka 21:7-11; 2 Timoti 3:1-5.

Mazuva ano, munyika 236, Zvapupu zvaJehovha zviri kuteerera murayiro waJesu wokuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. Kutaura chokwadi, magazini yauri kuverenga yakagadzirirwa kukubatsira kuti udzidze zvakawanda nezvoUmambo ihwohwo uye zvahuchaita. Papeji 2 yemagazini yeNharireyomurindi yoga yoga, uchaona mashoko aya: “Magazini ino . . .inonyaradza vanhu vose nemashoko akanaka okuti Umambo hwaMwari, uhwo hunoreva hurumende chaiyo iri kudenga, hwava pedyo kugumisa uipi hwose hwochinja pasi rino kuti rive paradhiso. Inokurudzira vanhu kuti vatende muna Jesu Kristu, uyo ari kutonga iye zvino saMambo weUmambo hwaMwari uye akafira kuti tikwanise kuwana upenyu husingaperi.”

Ichokwadi kuti iye zvino ungave uchiri kunzwa nezvokurwisa kwemagandanga kana kuti njodzi dzinongozviitikira dzoga, kana kuti iwe pachako ungawirwa nedambudziko. Asi kudzidza Bhaibheri kuchaita kuti uve nechokwadi chokuti Mwari ane hanya nevanhu. ‘Haasi kure nomumwe nomumwe wedu.’ (Mabasa 17:27) Uye zvaakativimbisa kuti achadzorera zvakaraswa nevabereki vedu vokutanga zvichabudirira.—Isaya 55:11.

[Mashoko Omuzasi]

a Bhaibheri rinoratidza kuti zita raMwari ndiJehovha.

b Kana uchida kunyatsoona kutsanangurwa kworugwaro rwaGenesisi 3:15, ona chitsauko 19 chebhuku rinonzi Swedera Pedyo naJehovha, rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

c Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 5 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

d Kana uchida mamwe mashoko nezveUmambo hwaMwari, ona chitsauko 8 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

e Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 9 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?

[Chati/Mifananidzo iri papeji 7]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

“Mufananidzo Wenzvimbo Chaiyoiyo”—Zvaifananidzirwa neTebhenekeri

ATARI

Kubvuma kwakaita Mwari kugamuchira chibayiro chaJesu.—VAHEBHERU 13:10-12.

MUPRISTI MUKURU

Jesu.—VAHEBHERU 9:11.

1 Pazuva Rokuyananisira, mupristi mukuru aipa chibayiro achiitira zvivi zvevanhu.—REVHITIKO 16:15, 29-31.

1 Musi waNisani 14, 33 C.E., Jesu akapa upenyu hwake sechibayiro achiitira isu.—VAHEBHERU 10:5-10; 1 Johani 2:1, 2.

NZVIMBO TSVENE

Jesu akaberekwa nomudzimu.—MATEU 3:16, 17; VAROMA 8:14-17; VAHEBHERU 5:4-6.

KETENI

Muviri waJesu wenyama, waisiyanisa upenyu hwepanyika nehwekudenga.—1 VAKORINDE 15:44, 50; VAHEBHERU 6:19, 20; 10:19, 20.

2 Mupristi mukuru aienda kune rimwe divi reketeni raiparadzanisa Nzvimbo Tsvene neNzvimbo Tsvenetsvene.

2 Amutswa, Jesu ‘akaenda kune rimwe divi reketeni’ paakakwira kudenga “kuti aoneke pamberi paiye Mwari nokuda kwedu.”—VAHEBHERU 9:24-28.

NZVIMBO TSVENETSVENE

Denga.—VAHEBHERU 9:24.

3 Paainge ava muNzvimbo Tsvenetsvene, mupristi mukuru aisasa rimwe ropa rechibayiro paareka yesungano.—REVHITIKO 16:12-14.

3 Jesu paakapa zvaimiririrwa neropa rake rakadeurwa, akaita kuti tinyatsokanganirwa zvivi zvedu.—VAHEBHERU 9:12, 24; 1 Petro 3:21, 22.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe