RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 5/1 p. 3
  • Mwari Ari Kupi?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mwari Ari Kupi?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Mashoko Akafanana
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2007
  • Zviri Mukati
    Mukai!—2003
  • Njodzi Dzinongoitika Dzoga—Nei Dzanyanya Kuwanda?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
  • Mwari Ari Kutirova Neshamhu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2011
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 5/1 p. 3

Mwari Ari Kupi?

Musi waSeptember 11, 2001: Nenguva dza8:46 mangwanani, ndege inotakura vanhu inorovera panhurikidzwa yokuchamhembe yeWorld Trade Center kuNew York City. Uku ndiko kutanga kwokubhomba kukuru kunoitwa nemagandanga. Munguva inoti pfuurei awa nehafu, vanhu vanenge 3 000 vanofa.

December 26, 2004

Kudengenyeka kwakasimba kunoitika muIndian Ocean, kunourayisa vanhu vakawanda munyika 11, kusanganisira dzokuAfrica, dziri kure nemakiromita anenge 5 000 kubva panoitikira kudengenyeka kwacho. Panopera zuva, vanhu 150 000 vanenge vafa, vamwe vacho vasiri kuzivikanwa kwavari, uye vanodarika miriyoni vanosara vasisina pokugara.

Musi waAugust 1, 2009: Mumwe murume ane makore 42 ari kutyaira chikepe chiduku chinomhanya zvokuti huya uone, aine mwanakomana wake ane makore mashanu uye vanosvika vachirovera pamapuranga epachiteshi chengarava. Baba vacho vanofirapo. Mwana wacho anomboti raramei asi anozofa mangwana acho. Imwe hama yavo yaishungurudzika yakati, “Taitarisira kuti paizoitika chishamiso chokuti mwana uyu aizorarama.

Paunoverenga nezvokurwisa kwemagandanga, njodzi dzinongoitika dzoga kana kuti paunowirwa nedambudziko, unombozvibvunza here kana Mwari achiona zviri kuitika? Unombozvibvunza here kana asisina hanya nesu? Sezvatichaona Bhaibheri rinopindura mibvunzo iyi zvinonyaradza.

[Vakatipa Mifananidzo iri papeji 3]

© Dieter Telemans/Panos Pictures

PRAKASH SINGH/AFP/Getty Images

© Dieter Telemans/Panos Pictures

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe