RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w10 3/1 pp. 30-31
  • Munhu—Akasikwa Semwanakomana waMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Munhu—Akasikwa Semwanakomana waMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
  • Misoro Midiki
  • Murume Nomukadzi Vokutanga
  • Munhu Akasikwa “Nomufananidzo waMwari”
  • Munhu Akasununguka Kusarudza Zvaanoda
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
w10 3/1 pp. 30-31

Munhu—Akasikwa Semwanakomana waMwari

JEHOVHA Mwari akaumba munhu wokutanga neguruva revhu, ndokufuridzira mumhino dzake mhepo yokufema youpenyu, “munhu akava mweya mupenyu.” (Genesisi 2:7; 1 VaKorinde 15:45) Adhamu asikwa uye atumidza mhuka mazita, Jehovha akaita kuti arare hope huru; uye paakanga akarara, Mwari akatora mbabvu imwe chete yaAdhamu ndokuishandisa kugadzira mukadzi. Zvadaro, mukadzi wacho paakazoendeswa kumurume wake, Adhamu akati: “Zvino iri ipfupa remapfupa angu, nenyama yenyama yangu.” Akamuti Mukadzi, “nokuti uyu akatorwa pamurume.” (Genesisi 2:21-23) Pava paya Adhamu akamupa zita rokuti Evha (kureva kuti “Munhu Mupenyu”).—Genesisi 3:20.

Achipupurira kuti munhu akasikwa naJehovha Mwari, muapostora Pauro akaudza vanhu vokuAtene kuti: “Akaita marudzi ose evanhu kubva pamunhu mumwe chete, kuti agare pamusoro penyika yose.” (Mabasa 17:26) Saka, marudzi ose evanhu nemadzinza zvakabva kumunhu mumwe chete.

Murume Nomukadzi Vokutanga

Adhamu naEvha vakasikwa “zuva” rechitanhatu rokusika rava kunopera. (Genesisi 1:24-31) Hapana zvinhu chaizvo zvinotaura kuti paimbova nevamwe vanhu kare kare, zvinoratidza manyorero avo, zvavairima, kana zvimwewo zvavakaita zvakanyorwa nguva yomuna 4026 B.C.E. isati yasvika, riri gore rakasikwa Adhamu. Sezvo Magwaro achitaura nhoroondo yevanhu kuti yakabvira pakasikwa vanhu vaviri vokutanga, hakuna kumbobvira “kwambova nevamwe vanhu.” Uchapupu hwokuchera matongo hauratidzi kuti vanhu vakabva kumhuka. Hapanawo zvachose mashoko anoratidza kuti kune vamwe vanhu vakanga vakaderera panesu vakararama kare kare, angave ainge akaita zvokunyorwa, kudhirowewa mumapako, pazvivezwa zvematombo kana akanyorwa pane zvimwewo zvinhu.

Magwaro anototaura zvakasiyana zvachose neizvi, anoti pakutanga munhu akanga ari mwanakomana waMwari uye kuti akangozova nechivi. (Muparidzi 7:20; 1 Johani 1:8-10) Mumwe munhu anochera matongo anonzi O. D. Miller akati: “Saka ‘nyaya yenhoroondo yokutanga kwevanhu’ haisi ngano. Hapana mubvunzo kuti dzidziso yokuti vanhu vakaguma vasisina kukwana, vava nechivi, vasisina kuchena uye mufaro wavaiva nawo pakutanga ndeyechokwadi chaizvo. Zviri pachena kuti uzivi hwedu hwemazuva ano hwenhoroondo dzekare, hunoti vanhu vokutanga vaiva vakasarira chaizvo hunoda kuongororwazve. . . . Handizvo; vanhu vokutanga vakanga vasina kusaririra.”—Har–Moad, 1892, peji 417.

Bhaibheri rinoratidza kuti musha wevanhu vokutanga waiva “munda muEdheni.” (Genesisi 2:8) Nzvimbo iyi yaiva pedyo nenzvimbo yakambovapo kare inoratidza ruzivo rwaiva nevanhu vakararama Mafashamo asati aitika. Nyanzvi dzakawanda dzinobvuma pfungwa iyi yakataurwa naP. J. Wiseman inoti: “Uchapupu hwose hwatinahwo hwaGenesisi, hwokuchera matongo, uye hwetsika dzevanhu, hunoratidza kuti musha wevanhu vokutanga waiva mubani rekuMesopotamiya. Kubudirira kwevanhu vokuMabvazuva, vangave vokuChina kana kuIndia, hakuenderani noruzivo rwevanhu venzvimbo iyi, nokuti nzvimbo yacho pachayo inogona kuzvipupurira yoga kuti ndiyo yakatanga noruzivo.”—New Discoveries in Babylonia About Genesis, 1949, peji 28.

Munhu Akasikwa “Nomufananidzo waMwari”

Paaiudza “mhizha” yake chinangwa chokusika vanhu, Mwari akati: “Ngatiite munhu nomufananidzo wedu, akafanana nesu.” (Genesisi 1:26, 27; Zvirevo 8:30, 31; enzanisa naVaKorose 1:15-17.) Ona kuti Magwaro haasi kuti Mwari akasika munhu nomufananidzo wemhuka yomusango kana kuti wechipfuwo kana wehove. Munhu akasikwa “nomufananidzo waMwari”; aiva “mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Nezvekuti Mwari ane muviri wakaita sei kana kuti anoratidzika sei, “hapana munhu akamboona Mwari chero panguva ipi zvayo.” (1 Johani 4:12) Hapana munhu pasi pano anoziva kuti muviri waMwari wokudenga usingaoneki, unobwinya zvakadii, saka hatigoni kufananidza muviri womunhu nomuviri waMwari. “Mwari Mudzimu.”—Johani 4:24.

Kunyange zvakadaro, munhu “mufananidzo waMwari” pakuti akasikwa aine unhu hwakafanana nehwaMwari hwakadai sorudo nokururamisira. (Enzanisa naVaKorose 3:10.) Anewo simba neuchenjeri kupfuura mhuka, saka anogona kukoshesa zvinhu zvinokosheswa naMwari uye zvinomufadza zvakadai sorunako uye unyanzvi, kutaura, kufunga, uye zvimwewo zvakada kufanana zvinoda kushandisa pfungwa nemwoyo zvisingaitwi nemhuka. Uyezve, vanhu vanokwanisa kunamata, kuziva uye kutaura naMwari. (1 VaKorinde 2:11-16) Pamusana pezvikonzero izvozvo munhu akakwanisa kumiririra Mwari uye kuva nesimba pamusoro pezvimwe zvisikwa zvose zvipenyu zviri kudenga, panyika, uye nomugungwa.

Zvaakasikwa naMwari, munhu akatanga upenyu akakwana. (Dheuteronomio 32:4) Saka Adhamu angadai akararama somunhu akakwana uye akawana mukana wokurarama nokusingaperi pasi pano. (Isaya 45:18) Iye naEvha vakarayirwa kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” (Genesisi 1:28) Mhuri dzavo zvadzaizowedzera, vaizorima nokuita kuti pasi pano panake sezvaida Musiki wavo akapasika.

Munhu Akasununguka Kusarudza Zvaanoda

Zvaari mufananidzo waMwari, akasikwa akafanana naye, munhu aiva akasununguka kusarudza zvaanoda. Aiva akasununguka kusarudza zvakanaka kana kuti zvakaipa. Kana aizoda kuteerera pamusana pokuda Musiki wake, aiva ari pachinhano chokurumbidza nokukudza Mwari kupfuura zvaigona kuitwa nemhuka ipi zvayo. Aigona kurumbidza Mwari nouchenjeri pamusana pounhu hwake hwakanaka uye kutsigira uchangamire hwake.

Asi rusununguko rwaAdhamu rwaiva neparwaigumira. Aigona kuramba achirarama achifara chete ndokunge aibvuma kuti Jehovha ndichangamire. Izvi zvakaratidzwa nomuti wokuziva zvakanaka nezvakaipa, waakarambidzwa kudya. Kana aizoudya, zvaizoratidza kuti aramba kuteerera uye apandukira Mwari sachangamire.—Genesisi 2:9, 16, 17.

Sezvo Adhamu aiva “mwanakomana waMwari,” ukama hwake naMwari hwaiva hwakaita sehwemwanakomana nababa vake, uye aifanira kubva angoteerera. (Ruka 3:38) Uyezve, Mwari akasika munhu aine chido mumwoyo make chokunamata. Kana chido ichi chaizokanganiswa chaigona kuita kuti munhu aende mugwara risiri iro zvokanganisa rusununguko rwake, zvoita kuti ave muranda wechinhu chakasikwa pane kunamata Musiki. Izvi zvaizoita kuti ave nechivi.

Mumwe mwanakomana waMwari womudzimu akapanduka ndiye akaita kuti mudzimai waAdhamu, Evha ave nechivi, uye mukadzi uyu akaedzawo Adhamu uyo akapandukira Jehovha nemaune. (Genesisi 3:1-6) Paakatadza, Adhamu haana kuzoramba akakwana uye ari mwanakomana waMwari uye akaita kuti vana vake nevanhu vose zvavo vave nechivi, vasava vakakwana uye vafe. Kunyange pakuzvarwa, vaizvarwa vaine mufananidzo wababa vavo Adhamu, vasina kukwana, rufu rwuri mumiviri yavo.—Genesisi 3:17-19; VaRoma 5:12.

Jehovha akaita urongwa hwerudo hwokusunungura vanhu muuranda hwechivi norufu. Kuti mutemo waMwari wakakwana uzadziswe zvakakwana, munhu akakwana aifanira kufa sechibayiro kuti adzikinure zvakanga zvaraswa nomunhu akakwana Adhamu pamusana pokusateerera. (1 VaKorinde 15:22) Mwari akatuma mwanakomana wake akaberekwa ari oga, Jesu Kristu, kuti aberekwe somunhu akakwana pasi pano. Akabvuma nokuzvininipisa basa iri, uye norufu rwake rwunorwadza padanda rokutambudzikira, akasunungura vanhu, ndokuita kuti vanhu vasina kukwana vave netariro yakajeka yokuzova vanakomana vakakwana vaMwari.—VaRoma 8:20, 21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe