Kushanda Pamwe Chete Kunoita Kuti Mufambire Mberi Pakunamata
VAYA vanoda kubudirira kurera mhuri inofarira zvokunamata vanofanira kukoshesa kushanda pamwe chete. Jehovha paakasika murume nomukadzi vokutanga, akasimbisa kuti vaifanira kushanda pamwe chete. Evha aifanira kushanda so“mukwanisi” waAdhamu. (Gen. 2:18) Murume nomukadzi vanofanira kutsigirana, voita kuti muchato wavo uite somushandirapamwe. (Mup. 4:9-12) Kuti vabereki nevana vaite zvavakanzi naJehovha vaite, zvinodawo kuti vashande pamwe chete.
Kunamata Semhuri
Barry naHeidi vane vana vashanu. Vanoti kushanda pamwe chete kuti vadzidze Bhaibheri semhuri kunovabatsira kufambira mberi pakunamata. Barry anotsanangura kuti: “Nguva nenguva ndinopa vana zvishoma zvokuita kuti vafanogadzirira chidzidzo chemhuri. Dzimwe nguva ndinovati vagadzirire kuzotaura zvavanenge vaverenga mumagazini eMukai! Tinogadzirirawo zvatichazotaura mubasa romumunda kuitira kuti mwana mumwe nomumwe ave nemharidzo yaakagadzirira.” Heidi anowedzera kuti: “Tose tine zvinangwa zvine chokuita nokunamata, uye nguva nenguva tinozvikurukura patinenge tichidzidza semhuri toona kuti tava papi.” Vabereki ava vakaonawo kuti kuva nemamwe manheru avasingaoni terevhizheni kunopa mhuri yose mukana wokuverenga.
Misangano Yeungano
Mike naDenise vane vanakomana vatatu nomwanasikana mumwe. Mhuri yavo yakabatsirwa sei nokushanda pamwe chete? Mike anoti: “Dzimwe nguva zvataironga zvaisabudirira, asi takaona kuti kushanda pamwe chete kwakatibatsira kuti tisanonoka kusvika pamisangano.” Denise anotsanangura kuti: “Vana pavaikura, taipa mumwe nomumwe basa rokuita. Mwanasikana wedu Kim aibatsira kubika uye kuisa zvokudya patafura.” Mwanakomana wavo Michael anoyeuka kuti: “Taiva nomusangano weungano pamba pedu manheru eChipiri. Saka taitsvaira mumba, kushayinisa, uye kurongedza zvigaro.” Matthew, mumwe mwanakomana wavo, anowedzera kuti: “Manheru ataiva nemisangano, baba vaikurumidza kudzoka kubasa kuitira kuti vatibatsire kugadzirira kuenda kumisangano yacho.” Zvakaguma nei?
Kushandira Zviripo
Mike anorondedzera kuti: “Muna 1987, ini naDenise takatanga kupayona. Panguva iyoyo, vana vedu vatatu vakanga vachiri kugara nesu pamba. Vaviri vacho vakavawo mapiyona, uye vamwe vakashanda vachiita mabasa okuvaka aiitwa paBheteri. Chimwe chinotifadza zvikuru ndechokuti mhuri yedu yakakwanisa kubatsira vanhu 40 kuti vasvike pakuzvitsaurira uye kubhabhatidzwa. Takavawo neropafadzo yokushanda semhuri paiitwa zvokuvaka, dzimwe nguva tichitonoshanda kune dzimwe nyika.”
Zvechokwadi, kushanda pamwe chete semhuri kushandira zviripo. Pane zvimwe zvaungaita here kuti ushande pamwe nevomumhuri mako? Iva nechokwadi chokuti kushanda pamwe chete kuchabatsira mhuri yenyu kuramba ichifambira mberi pakunamata.
[Mufananidzo uri papeji 28]
Kugadzirira basa romumunda kunoita kuti mufambire mberi