Chii Chinonzi Kutenda?
WAIZOTSANANGURA sei chinonzi kutenda? Vamwe vanoti kutenda kungodavira zvinhu zvaunenge wadzidziswa usingabvunzi. Mumwe munyori uye mutori wenhau akakurumbira wokuAmerica anonzi H. L. Mencken akambotsanangura kutenda achiti “kudavira kusina musoro kuti zvinhu zvisingaitiki zvinoitika.”
Asi handizvo zvinotaura Bhaibheri nezvokutenda. Shoko raMwari rinoti: “Kutenda kutarisira nechivimbo zvinhu zvinenge zvichitarisirwa, kuratidzwa kuri pachena kwezvinhu chaizvoizvo kunyange zvisati zvaonekwa.”—VaHebheru 11:1.
Sezvo vanhu vaine pfungwa dzakasiyana-siyana pamusoro pokutenda, ngationgororei mhinduro dzemibvunzo inotevera:
• Tsanangudzo yeBhaibheri yakasiyana papi nezvinotaurwa nevanhu vakawanda pavanenge vachitaura nezvokutenda?
• Nei zvichikosha kuti tive nokutenda kunotsanangurwa neBhaibheri?
• Ungasimbisa sei kutenda kwako?
Gwaro Rinoratidza Uridzi uye Uchapupu Hwakasimba
Panguva yakanyorwa bhuku reBhaibheri reVaHebheru, shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kutarisira nechivimbo” raiwanzoshandiswa. Rainyanya kushandiswa mumagwaro ebhizimisi uye raiva nepfungwa yaivimbisa kuti munhu ndiye aizova muridzi wechimwe chinhu. Saka rimwe bhuku rinoti VaHebheru 11:1 yaigona kushandurwa ichiti: “Kutenda igwaro rinoratidza uridzi pazvinhu zvinenge zvichitarisirwa.”
Kana wakambotenga chimwe chinhu kuchitoro chinonyatsozivikanwa uye wakamirira kuti chiunzwe kwauri, wakaratidza kutenda kwakadai. Risiti rokutenga kwawakaita rakaita kuti uvimbe nekuchitoro kwawakatenga chinhu chacho. Nemamwe mashoko, risiti rawaiva naro raiva gwaro rairatidza kuti ndiwe muridzi, raikuvimbisa kuti waizowana zvawaiva watenga. Kudai waizorirasa, zvaizoreva kuti wainge warasawo uchapupu hunoratidza kuti ndiwe muridzi wechinhu chacho. Saizvozvowo, vaya vanotenda kuti Mwari achazadzisa zvinangwa zvake vanogona kuvimba kuti vachawana zvavanotarisira. Ukuwo, vaya vasina kutenda kana kuti vanozorega kutenda, havazowani zvinhu zvakavimbiswa naMwari.—Jakobho 1:5-8.
Mashoko ari pana VaHebheru 11:1, anoshandurwa kuti “kuratidzwa kuri pachena,” ane pfungwa yokuratidza uchapupu hunopikisa zvinofungwa kuti ndicho chokwadi. Somuenzaniso, zvinoita sokuti zuva ndiro rinotenderera pasi redu—richibuda kumabvazuva, rokwira richitirova nhongonya, uye ronyura kumadokero. Zvisinei, uchapupu hwevanoongorora zvakaita muchadenga nohwemasvomhu hunoratidza kuti pasi redu ndiro rinotenderera zuva. Kana wanzwisisa uchapupu hwacho uye ukabvuma, unenge uchitenda kuti pasi redu rinotenderera zuva—pasinei nokuti zvinooneka sei. Kutenda kwako kunenge kusiri kwokufungidzira. Asi, kunokubatsira kuti uone zvinhu sezvazviri, kwete kuti zvinooneka sei.
Kutenda Kwakasimba Kunokosha Zvakadini?
Bhaibheri rinokurudzira kutenda kwakadai—kutenda kwakasimba kunobva pauchapupu hwakasimba, kunyange zvichireva kuti uchinje zvaunotenda. Kutenda kwakadaro kunokosha. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Pasina kutenda hapana munhu anogona kufadza Mwari. Chero ani zvake anosvika kuna Mwari anofanira kutenda kuti ariko uye kuti anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VaHebheru 11:6, New Century Version.
Pane zvinhu zvakawanda zvinogona kukutadzisa kuva nokutenda kwakasimba. Asi kana ukatora matanho mana anokurukurwa mumapeji anotevera, unogona kubudirira.