1 Vimba neBhaibheri
“Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, pakutsiura, pakururamisa zvinhu.”—2 Timoti 3:16.
ZVII ZVINGAKUTADZISA? Vanhu vakawanda vanoti Bhaibheri ringori bhuku rine uchenjeri hwevanhu. Vamwe vanodavira kuti nhoroondo dzaro hadzina kururama. Vamwewo vanoti mazano ari muBhaibheri haachashandi mazuva ano.
UNGAKURIRA SEI ZVINOKUTADZISA? Vanhu vanofunga kuti Bhaibheri haritauri chokwadi kana kuti mashoko aro haashandi havawanzoiti zvokuzviwanira voga. Vanongodzokorora zvinotaurwa nevamwe. Zvisinei, Bhaibheri rinonyevera kuti: “Munhu asina zivo anongotenda mashoko ose, asi munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—Zvirevo 14:15.
Pane kungobvuma zvinotaurwa nevamwe, wadii kutevedzera muenzaniso wevaKristu vomuzana remakore rokutanga vaigara muBheriya, kuchamhembe kweGreece yemazuva ano? Vaisangobvuma zvavaiudzwa nevamwe. Asi, vaizivikanwa kuti ‘vainyatsoongorora Magwaro zuva nezuva kana zvinhu izvi zvakanga zvakadaro.’ (Mabasa 17:11) Ngatimbofunga zvikonzero zviviri zvinoita kuti uvimbe kuti Bhaibheri iShoko raMwari rakafuridzirwa.
Nhoroondo dzeBhaibheri dzakarurama. Mumakore akapfuura, vatsoropodzi vave vachiti Bhaibheri harina kururama parinotaura mazita evanhu uye enzvimbo uye vachiri kudaro. Zvisinei, uchapupu hwakaratidza kasingaperi kuti vatsoropodzi ivavo havasi kutaura chokwadi uye kuti Bhaibheri rakavimbika.
Somuenzaniso, pane imwe nguva nyanzvi hadzina kuva nechokwadi chokuti kwakambova naMambo Sagoni weAsiriya anotaurwa pana Isaya 20:1. Zvisinei, muma1840, vanochera matongo vakawana muzinda wamambo uyu. Iye zvino Sagoni ndomumwe wemadzimambo eAsiriya anozivikanwa zvikuru.
Vatsoropodzi havana kuva nechokwadi kana Pondiyo Pirato akamborarama, gavhuna akarayira kuti Jesu aurayiwe. (Mateu 27:1, 22-24) Asi muna 1961 pane dombo raiva nezita raPirato uye rairatidza chinzvimbo chake rakawanikwa pedyo neguta reKesariya muIsraeri.
Imwe nyaya yomusi waOctober 25, 1999, yaive muU.S.News & World Report payaitaura nezvekururama kwenhoroondo dzeBhaibheri yakati: “Munzira dzinoshamisa, kuchera matongo kuri kuitwa iye zvino kuri kutsigira kururama kwezvikamu zvinokosha zveTestamende Yekare neItsva—zvichitsigira zvikamu zvinokosha zvenyaya dzemadzitateguru emadzimambo eIsraeri, Kununurwa kwavakaitwa muIjipiti, madzimambo edzinza raDhavhidhi, uye kuti upenyu hwaiva hwakaita sei panguva yaJesu.” Sezvo kutenda muBhaibheri kusingabvi pane zvakawanikwa pakuchera matongo, kururama kwenhoroondo dzaro kunongoratidza kuti iro ibhuku rakafuridzirwa naMwari.
Uchenjeri hunoshanda huri muBhaibheri hunobatsira vanhu vemarudzi ose. Makore akawanda tupuka tusingaoneki nemaziso twusati twava kuzivikanwa uye kuti twunotakura utachiona hunokonzera zvirwere, Bhaibheri rakanga rataura nezvoutsanana huchiri kubatsira iye zvino. (Revhitiko 11:32-40; Dheuteronomio 23:12, 13) Mhuri dzinoshandisa mazano eBhaibheri okugarisana zvakanaka dzinofara. (VaEfeso 5:28–6:4) Munhu anorarama achitevedzera mitemo yomuBhaibheri anogona kuva mushandi anoshanda nesimba kana kuti mushandirwi anonzwisisa. (VaEfeso 4:28; 6:5-9) Kutevedzera zvinotaurwa neBhaibheri kunobatsira utano hwepfungwa dzedu. (Zvirevo 14:30; VaEfeso 4:31, 32; VaKorose 3:8-10) Mazano anobatsira kudaro ndiwo ataizotarisira kupiwa noMusiki wedu.
MUBAYIRO WOKUVIMBA NEBHAIBHERI NDOWEI? Uchenjeri huri muBhaibheri hunogona kuita kuti munhu asina mano achenjere. (Pisarema 19:7) Uye kana tikavimba neBhaibheri, rinogona kutibatsira kutora danho rinotevera rokuva nokutenda kwakasimba, zvisingagoni kuitwa nerimwe bhuku.
Kana uchida mamwe mashoko, ona chitsauko 2 chinoti, “Bhaibheri—Bhuku Rinobva Kuna Mwari,” mubhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha.