Mbavha
Mbavha munhu anotora achiziva zvinhu zvomumwe munhu asina mvumo, kunyanya anobiridzira nechitsotsi nokunyengera kana anoba asingaonekwi. Mabiro aiita vanhu kare akangofananawo neemazuva ano. Vanhu vaiwanzoenda kunoba usiku, uye vaiwanzopinda nepahwindo. (Jobho 24:14; Jeremiya 49:9; Mateu 24:43; Ruka 12:39; Johani 10:10; 1 VaTesaronika 5:2-5; 2 Petro 3:10; Zvakazarurwa 3:3; 16:15; Joeri 2:9) Ukuwo, makororo nematsotsi anohwandira mumigwagwa vaihwandira vanhu vovabira munzvimbo dziya dzaisanyanya kufambirwa nevanhu dzakanga dzisingaiti zvachose kuwana rubatsiro. Kazhinji kacho vakanga vasingazezi kurova kana kutyisidzira uye kuisa pangozi upenyu hwevanhu vavaibira zvinhu zvavo zvinokosha.—Vatongi 9:25; Ruka 10:30, 36; 2 VaKorinde 11:26.
Mumutauro wepakutanga, mashoko okuti “kuba” kana kuti “gororo” anogona kurevawo kurega kupa munhu chinhu chake, kana kuwana zvinhu kune vamwe nokuvabira nepenzura, nemapepa kana kushandisa zvinhu zvinenge zvichifanira kupiwa vamwe. Pavakatadza kubhadhara zvegumi kuti vatsigire kunamata kwechokwadi patemberi, vaJudha vomunguva yaMaraki ‘vaibira Mwari.’ (Maraki 3:8, 9) Zvirevo 28:24 inotaura nezvemunhu anobira baba kana kuti amai vake, zviri pachena kuti zvinoreva kusavapa zvinhu zvavaine kodzero yokuva nazvo. Jesu Kristu akashora vaichinja mari nokuti vakanga vaita temberi “bako remakororo.” Izvi zvinoratidza kuti vaichinja mari ava vakanga vava kuchaja mazizakwatira emari pamabasa avaiita.—Mateu 21:12, 13.
Mutsamba yake yechipiri kuVaKorinde, muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndakabira dzimwe ungano nokugamuchira migove kuti ndikushumirei.” (2 VaKorinde 11:8) Hapana chitsotsi chakanga chaitwa naPauro pamusana pokutambira kwaakanga aita zvinhu zvaibva kune vamwe. Asi zviri pachena kuti aitaura sokunge akanga abira ungano idzodzo mupfungwa yokuti akashandisa zvaakanga apiwa asingashandi navo asi achishandira ungano yeKorinde.
Pamwewo, kuba kungareva kuita zvaune kodzero yokuita, kureva nzira youngwaru ingaitwa nayo chiito chacho. Somuenzaniso, vaIsraeri ‘vakaba’ muviri waSauro kubva panzvimbo yaiungana vanhu “yeBheti-shani.” (2 Samueri 21:12) Tete vaJehoashi vakaponesa upenyu hwemwana uyu ‘nokumuba vachimubvisa pakati pevakoma vake,’ avo vakazourayiwa naAtariya akanga akaipa.—2 Madzimambo 11:1, 2; 2 Makoronike 22:11.
Mwari anoshora kuba. Zvisinei, Magwaro akawanda ari muBhaibheri paanotaura nezvokuba, anenge achitaura nezvokutora zvisiri pamutemo zvinhu zvomumwe munhu. Mutemo waJehovha waakapa vaIsraeri waitaura zvakajeka kuti: “Usaba.” (Eksodho 20:15; Revhitiko 19:11, 13; Dheuteronomio 5:19; Mateu 19:18) Mbavha yaifanira kudzorera kakapetwa kaviri, kana, kana kuti nekashanu kutsiva zvayainge yaba, zvichienderana nokuti Mutemo waitii. Kana yaisakwanisa kudaro, yaitengeswa kuva muranda, zviri pachena kuti yaizosununguka kana yabhadhara zvose zvaidiwa. (Eksodho 22:1-12) Uyewo kuwedzera pakubhadhara muripo, mbavha iyi yainge yanyadziswa yaifanira kuunza chibayiro chemhosva yopa mupristi kuti achishandise kuyananisa zvivi zvayo.—Jeremiya 2:26; Revhitiko 6:2-7.
Rudzi rwevaIsraeri rwakazogumisira rusingachateereri mitemo, uye zvakaguma zvaitika ndezvokuti Jehovha akabvumira makororo nembavha dzemo nedzaibva kumamwe marudzi kuti dzionese rudzi rwacho chakati tende. (Dheuteronomio 28:29, 31; Ezekieri 7:22) Zviito zvechitsotsi, kunyanya kudzvinyirirwa kwevarombo nevaishayiwa, kwakanga kwakapararira.—Isaya 1:23; 3:14; Jeremiya 7:9-11; 21:12; 22:3; Ezekieri 22:29; Mika 2:2.
Kunyange zvazvo mbavha inoba nokuti ine nzara ingasarangwa sezvakaitwa Akani naJudhasi Isikariyoti avo vakaba nokuti vaikara uye vaiva nomwoyo wakaipa, vaya vanoda kufarirwa naMwari vanodzivisa kuba. (Joshua 7:11, 20, 21; Zvirevo 6:30; Mateu 15:19; Johani 12:4-6; Isaya 61:8; VaRoma 2:21) Kunyange zvazvo vaKristu vasiri pasi poMutemo waMosesi, vari pasi pomurayiro wokuti vade vamwe vanhu. “Rudo haruitiri muvakidzani zvakaipa”; saka vaKristu havabi. (VaRoma 13:9, 10; Mateu 22:39; Jakobho 2:8) Mbavha ipi neipi inoda kurarama panenge pava kutonga Umambo hwaMwari inofanira kupfidza yosiyana nezvokuba yodzidza kushanda nesimba kuti irarame. (1 VaKorinde 6:10; VaEfeso 4:28; 1 Petro 4:15) Uye munhu aichimbove mbavha anenge apfidza zvepachokwadi anofanira kuziva kuti Jehovha achamukanganwira.—Ezekieri 33:14-16.
Dimikira rechiHebheru rakashandurwa kuti, “kunyengedza mwoyo” rine pfungwa “yokunyengera.”—Genesisi 31:20, 26; 2 Samueri 15:6.