Vaverengi Vanobvunza Kuti
Mwari Anotora Vana Kuti Vave Ngirozi Kudenga Here?
Mwana paanofa, shamwari dzemhuri inenge yafirwa dzinoedza kuvanyaradza dzichiti, “Mwari anga ava kuda imwe ngirozi kudenga.” Izvi zvine musoro here kwauri?
Kudai Mwari ari iye anoita kuti vana vafe nokuti anenge achida dzimwe ngirozi kudenga, zvaizoreva kuti haana hanya uye ane utsinye. Asi hazvisi izvo zvinotaura Bhaibheri. (Jobho 34:10) Baba vane tsitsi havazobvuti mwana kubva kuvabereki vake nokuti vanenge vachida kuti mhuri yavo ikure. Asi hapana vabereki vepano panyika vane tsitsi dzinopfuura dzaJehovha, anonyanya kuzivikanwa norudo rwake. (1 Johani 4:8) Rudo rwake rwakadzama harumuiti kuti aite utsinye hwakadaro.
Zvibvunze kuti, ‘Mwari anoda dzimwe ngirozi kudenga here?’ Bhaibheri rinotaura kuti mabasa aMwari akanaka uye akakwana. (Dheuteronomio 32:4) Basa rake rokusika mamiriyoni engirozi rakanyatsoitwa zvakakwana, uye dzakabva dzakwana. (Dhanieri 7:10) Tingati zvimwe Mwari akakanganisa here kuverenga nhamba yengirozi dzaaida? Kwete! Chokwadi, Mwari Wemasimbaose haaizombokanganisa saizvozvo. Ndezvechokwadi kuti Jehovha akasarudza vamwe vanhu kuti vave zvisikwa zvomudzimu kuti vave muUmambo hwokudenga, asi vanenge vasiri vana vaduku pavanofa.—Zvakazarurwa 5:9, 10.
Chimwe chikonzero nei Mwari asingatori vana vepanyika kuti vave ngirozi kudenga ndechokuti hazviwirirani nechinangwa chake chepakutanga pamusoro pevana. Mumunda weEdheni, Mwari akaudza Adhamu naEvha kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” (Genesisi 1:28) Vana zvipo zvinobva kuna Mwari, nokuti akaita kuti vanhu vabereke vana kuitira kuti chinangwa chake chepakutanga chizadzike chokuti pasi rizare nemhuri yevanhu vakarurama. Haana kumboronga kuti vana vafe obva avachinja kuti vave zvisikwa zvokudenga. Bhaibheri rinotaura zvakajeka kuti vana “inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pisarema 127:3) Jehovha, Mwari ane rudo, aizotorera vabereki chipo chaainge avapa here? Hazvimboiti!
Kana mwana akangoerekana afa, zvinorwadza zvikuru uye zvinosuruvarisa. Saka vabereki vanenge vachichema vane tariro yei? Bhaibheri rinovimbisa kuti Mwari achamutsa mamiriyoni akawanda evanhu kuti vararame muparadhiso pano pasi. Fungidzira vana vachimutswa kuti vaonanezve nehama dzavo, vava nemiviri ine utano hwakanaka. (Johani 5:28, 29) Mwari ane chinangwa chokuti vana vakure, vanakidzwe noupenyu, vadzidze nezvake uye zvinangwa zvake nokuda kwepasi. Saka vana vakafa havasi ngirozi kudenga asi vakamirira kumutsirwa muparadhiso pasi pano. Panguva iyoyo, kana Musiki ane hanya ava kutonga, vose vakuru nevaduku vachanakidzwa nokunamata Jehovha Mwari nokusingaperi.