RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w09 3/1 p. 32
  • Zuva Rinokosha Kwazvo Munhoroondo Yevanhu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zuva Rinokosha Kwazvo Munhoroondo Yevanhu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2009
w09 3/1 p. 32

Zuva Rinokosha Kwazvo Munhoroondo Yevanhu

Izuva rakafa Jesu Kristu. Nei rufu rwaJesu rwaikosha kwazvo? Pane zvikonzero zvinoverengeka.

Kutendeka kwaJesu kusvikira parufu kwakaratidza kuti vanhu vanogona kuramba vakavimbika kuna Mwari.

Rufu rwaKristu rwakapawo vamwe vanhu mukana wokuti vazotonga naye kudenga. Uyezve, rwakaita kuti vanhu vakawanda vakwanise kuzorarama nokusingaperi pasi pano muparadhiso.

Usiku hwokupedzisira asati afa, Jesu akashandisa chingwa chisina mbiriso newaini tsvuku kuti zvimiririre chibayiro chake chorudo kuvanhu. Uye akaudza vadzidzi vake kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.” (Ruka 22:19) Uchayeuka chiitiko ichi chinokosha here?

Zvapupu zvaJehovha zvinokukoka noushamwari kuti uzoyeukawo nazvo Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Gore rino chichayeukwa musi weChina, April 9, zuva ranyura. Ungaenda kunoyeuka nevamwe paImba yoUmambo iri pedyo nekwaunogara. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvekwaunogara nguva chaiyo uye nzvimbo ichaitirwa Chirangaridzo chacho.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe