RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w92 8/1 pp. 4-7
  • Kuonga Chipo Chinokosha Choupenyu

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuonga Chipo Chinokosha Choupenyu
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Chinjo Inobvira!
  • Kupa kwaMwari Upenyu Husingagumi
  • Kuremekedza Chipo Choupenyu
    Rugare Rwechokwadi Nokuchengeteka—Ungaruwana Sei?
  • Chipo Chikuru chaMwari​—Nei Chichikosha?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yeveruzhinji)—2017
  • Koshesa Chipo Cheupenyu
    Rarama Nekusingaperi Uchifara!—Kosi yeBhaibheri
  • Koshesa Chipo chaMwari Cheupenyu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha (Yekudzidza)—2023
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1992
w92 8/1 pp. 4-7

Kuonga Chipo Chinokosha Choupenyu

UPENYU—chinhu chinokosha zvakadini! Tisinahwo hatigoni kuita chinhu. Kana hwangorasika bedzi, hahugoni kudzorerwa nomutoo upi noupi wohunhu. Kana upenyu hwedu huri mungozi, tinoita chinhu chiri chose chinobvira nenzira ine mufungo kuhuchengeta. Chokwadi, vamwe vachatoda yamuro inopfuura yohunhu apo vanenge vari munhamo!

Tinoyeuchidzwa nezvenhauro yeBhaibheri yechikepe chakabatwa mudutu rine simba mugungwa. Apo icho chakanga chodokuputsika, “vafambisi vechikepe vakatya, mumwe nomumwe akadana kuna Mwari wake.” Gare gare, ivo vose vakadana kuna Mwari wechokwadi: “Imi Jehovha, tinokunyengetererai kuti tirege kuparara.” Nhauro yeBhaibheri inotiwo: “Vakarashira mugungwa nhumbi dzakanga dziri muchikepe, kuti vachirerutse.”—Jona 1:4-6, 14; enzanisa naMabasa 27:18, 19.

Vafambisi vechikepe ivavo vakanga vakatogadzirira kurasa zvinhu zvokunyama zvinodikanwa munhamburiko yokuchengeta upenyu hwavo. Tinogona kutsiva zvinhu zvokunyama—asi kwete upenyu. Uye nemhaka yokuti tinoda nomuzvarirwo upenyu hwedu, tinobva mungozi. Tinodyisa, tinopfekedza, uye tinotarisira miviri yedu. Tinotsvaka kurapwa apo tinenge tichirwara.

Kunyanguvezvo, Mupi woupenyu anoda zvakawanda kwatiri kupfuura kungotevera zvedu mirangariro yedu yokuzvidzivirira. Pashure pokurangarira zvose, upenyu chipo chinokosha, uye hunobva kuMunhu anokosha zvikurusa muchisiko chose. Nokuda kwokuonga kwapachokwadi zvose zviri zviviri Mupi nechipo, hatifaniri here kuda upenyu? Uye ikoko hakungabatanidzi here kuremekedza upenyu hwavamwe?

Hakufaniri kutishamisa, ipapoka, kuti Mutemo Jehovha Mwari akapa rudzi rwaIsraeri wakabatanidza mirairo yakarongedzerwa kudzivirira upenyu noutano zvavamwe. (Eksodho 21:29; Dheuteronomio 22:8) MaKristu nhasi anofanira nenzira yakafanana kuitira hanya kotsekano. Somuenzaniso, kana iwe une vaduku mumusha mako, unosiya nokusangwarira zviri munosvikwa zvinhu zvakadai sezvuma, mapini, kana kuti zvinhu zvinopinza zvingagona kuparira kuvadziko yakakomba kumwana anotamba nazvo asingazivi kana kuti kuzvimedza here? Ko makemikoro ane ngozi nemishonga zvinochengetwa pasingasviki vana here? Kana mvura ikarasika pauriri, unokurumidza here kuibvisa nokuda kwokudzivisa tsaona? Unova nechokwadi chokugadzira nokukurumidza zvinhu zvamagetsi zvakaipa here? Ko motokari yako inogadzirwa nguva dzose here? Uri muchairi asina ngozi here? Kana uchikoshesa chaizvoizvo ukoshi hwoupenyu, uchasundwa kuita ngwariro dzine mufungo muna izvozvi nenzvimbo dzakafanana.

Kunosuruvarisa kutaura, kunyanguvezvo, vamwe vanotorerutsa upenyu hwavo vamene. Somuenzaniso, ndiani nhasi asingazivi kuti kusvuta midzanga kwakaipa? Bva, mamirioni anopinzwa muuranda netsika yacho, nepo utano hwavo huchiipa nguva imwe neimwe vanomedza utsi hune chepfu. Vamwe vanoshandisa mirimo zvisakafanira, uye vamwezve chinodhaka, zvose kukuvadziko yavo. AIDS ihosha inouraya isina mushonga unozivikanwa. Asi vazhinji vaigona kuva vakadzivisa kubata hosha yacho kudai vakanga vadzivisa utere hwevatano, marudzi akati okushandisa mirimo zvisakafanira, uye kuisirwa ropa. Kushaikwa kune ngozi kwakadini kwokuonga upenyu!—VaRoma 1:26, 27; 2 VaKorinte 7:1.

Chinjo Inobvira!

Avo vanoonga Musiki wavo Mukuru, Jehovha, vane chikonzero chakasimba chokurangarira upenyu sohunokosha. Upenyu chipo chake chinoyera. Ivo naizvozvo vanodisa kuita chinjo dzipi kana dzipi dziri madikanwa kuti vahubate sechipo choumwari. Rangarira chinoitika chaKwaku, mudzidzisi muGhana. Chidhakwa chisingangwariri, iye akanga achipambadza upenyu hwake.

Kwaku anoyeuka, kuti: “Ndakaedza kumanikidza mudzimai wangu kuti andiremekedze, uko kwaiwanzotungamirira kunharo huru nokurwa, zvikurukuru apo ndakanga ndakadhakwa. Nemhaka yokunyanyisa muchinodhaka, ndaiwanzova ndisina mari, uye kazhinji kazhinji ndaikundikana mukugovera mari yokutsigirwa kwemhuri. Nenzira inonzwisisika, ikoku kwakashatirisa mudzimai wangu zvikuru kwazvo. Nguva ipi kana ipi ndaishaiwa mari (uye ikoku kwakaitika kazhinji kazhinji zvikuru), ndaiita chinhu chipi nechipi chandaigona kuti nditsigire tsika yangu. Pane imwe nguva ndakatosvika pakushandisa nokuda kwomunhu oga mari yandakanga ndaunganidza kuvadzidzi vangu nokuda kwedonzo rokuvanyoresa nokuda kwebvunzo yehurumende. Ndakaenda kundonwa uye ndakatengerawo zvinwiwa shamwari dzangu dzinonwa. Zuva rokuzvidavirira rakakurumidza kundisvikira. Kudai kwaisava nokuda kwepindiro yakakodzera nguva yomukuru wangu wechikoro, ndingadai ndakarasikirwa nebasa rangu.

“Upenyu hwangu hwakanga hwakashata zvikuru. Ndakakwenudzwa, asi ndakakurumidza kukukunda. Ipapo ndakatanga kukudziridza mifungo yokuzviuraya nemhaka yokuti ndakanzwa kuti ndaiva mukundikani muupenyu. Zvisinei, ndaisagona kubva mukupindwa muropa nezvinodhaka. Asi apo rimwe zuva ndiri mubhawa ndakabatanidzwa mukakavadzano yokudhakwa uye ndakabaiwa, ndakaziva nenzira inorwadza kuti rudo rwangu nokuda kwezvinodhaka pane rimwe zuva rwaizoparira kuti ndirasikirwe noupenyu hwangu.

“Mukati menguva iyoyo yose, Zvapupu zvaJehovha panhambo nenhambo zvakanga zvave zvichishanyira imba yedu, zvichiedza kuita kuti tifarire Bhaibheri. Mudzimai wangu neni nguva dzose taizvinzvenga nemhaka yokuti taifunga kuti zvainetsa. Pane imwe nhambo, kunyanguvezvo, ndakasarudza kuzviteerera nemhaka yetsitsi. Fundo yeBhaibheri yakakurumidza kuzarura meso angu kukariro inoshamisa yokurarama nokusingaperi mutsika itsva yaMwari. Sezvo ndakafunda zvikuru Bhaibheri nebetsero yeZvapupu zvaJehovha, kuonga kwangu kwakakura zvikuru nokuda kwaJehovha soMupi wedu woUpenyu uye nokuda kwechipo chake choupenyu, uye ndakava anoororwa zvikuru nokushanda kwezano reBhaibheri. Ikoku kwakandikurudzirazve kuchenesa upenyu hwangu. Ikoku kwakanga kusiri nyore, sezvo nguva dzose ndaifanira kudzivisa doro [ngandini] pamwe chete neshamwari dzangu dzekare. Jehovha, Munzwi womunyengetero, akaona rutsungiriro rwomwoyo wangu ndokundinzwa.a

“Mudzimai wangu, kunyange zvazvo asiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, zvino anondiremekedza zvikuru norudzidziso rwangu nemhaka yeshanduko huru iyo anocherechedza muupenyu hwangu nomuukama hwedu hweroorano. Vavakidzani vedu havasati vachadikanirwa kupindira mukurwa pakati pomudzimai wangu neni. Ndinoda rugare rwendangariro rwandinofarikanya zvino. Zvirokwazvo, kuonga Jehovha Mwari soMupi wedu woUpenyu, kuwana murangariro wake paukoshi hwoupenyu, uye kuteerera miraidzo yake pamusoro penzira yokurarama nayo ndiyo bedzi nzira yakafanira youpenyu.”

Kupa kwaMwari Upenyu Husingagumi

Zviuru, kufanana naKwaku, zvakabetserwa neZvapupu zvaJehovha ku“pfeka hunhu hutsva hwakasikwa mukuwirirana nokuda kwaMwari mukururama kwechokwadi nokuvimbika.” (VaEfeso 4:24, NW) Izvo zvakasvika pakuonga kwete bedzi upenyu hwazvo hwazvino asiwo tariro youpenyu husingagumi muparadhiso yapasi. Bhaibheri rinopikira kuti muParadhiso iyoyo inoitwa naMwari, hakuna mugari wapasi achanzwazve marwadzo anopfuurira enzara, nokuti “Jehovha wehondo uchagadzirira marudzi ose avanhu . . . zvakakora zvizere nemwongo.”—Isaya 25:6.

Panguva ino, upenyu, kunyange zvazvo huri chipo chinoshamisa, hunongova bedzi hwechinguvana. Munhu ari wose anotarisana norufu, uye rufu ijambwa risingafadzi zvakadini! Kutarira mumwe munhu waunoda achinyangarika achibva pakati pavapenyu achipinda mukunyarara kweguva kunorwadza zvikuru, pasina kukatutsira. Asi muUmambo hwaMwari, hunotongwa naKristu, chipikirwa chaJehovha chichazadzikwa: “Rufu harusati ruchizovamozve, kana kuti kuchema kana kuti kurira kana kuti marwadzo hazvisati zvichizotongovamozve. Zvinhu zvokutanga zvapfuura.”—Zvakazarurwa 21:4, NW.

Panguva iyoyo chipo choupenyu chichatambanudzwa muchimiro chinoshamisa. Vapukunyuki vedambudziko rokupedzisira papasi rino vachava nebanza muupenyu hwakazara. Uye ipapo, kupfurikidza norumuko, kudzorerwa kuupenyu, Jehovha Mwari achadzorera chipo chake chinokosha kuavo vakavata murufu. (Johane 5:24, 28, 29) Ikoku kuchareva kudzokera kwavadiwa vakafa navanhu vanotya Mwari vomunguva yekare!

Kwose ikoku kwakanyanyonaka zvokusagona kuva kwechokwadi here? Aiwa, nokuti “hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.”—Ruka 1:37; enzanisa naJobho 42:2.

Kupfuurirazve, Jehovha Mwari amene akagovera rudzi rwomunhu vimbiso yokuti kwose ikoku kuchaitika. Seiko? Kupfurikidza nokubaira anodiwa zvikurusa nomwoyo wake, mwanakomana wake anodiwa, Jesu Kristu, kuti atidzikinure muchivi norufu. VaRoma 8:32 inotivimbisa, kuti: “Iye [Jehovha Mwari] usina kuramba kunyange noMwanakomana wake, asi wakamupa chose nokuda kwedu tose, ungarega seiko kutipawo zvose pamwe chete naye?” Bhaibheri rinotiudza kuti ikoku kuchabatanidza kuchenesa rudzi rwomunhu paushati hwetsika nokubvisa zvimiro zvose zvokusaruramisira, utsotsi, uye masimba masimba. (Isaya 11:9) Upenyu hahusati huchizotongorangarirwazve sohwenhando.

Kunyange zvino, mumigariro isina kukwana, upenyu hunogona kuva hunofarikanywa zvikuru. Ndiani asingafariri kunhuwira kunonyemudza kwezvokudya, kunzwika kwekamuferefere pazuva rinodziya, kuonwa kwegomo rakaisvonaka, kuvira kwezuva kwakaisvonaka, rwizi runoyerera zvinyoro-nyoro, maruva ane mavara mavara anoshamisa, kunzwika kworwiyo rwakanaka, kana kuti rwiyo rweshiri? Mira kwechinguvana. Funga, kwaizova kwakadini kufarikanya zvinhu zvakadaro nokusingagumi?

Kune mufungo here, ipapoka, kurasa ropafadzo inokosha yokurarama nokusingaperi nemhaka yomufarwa upi noupi wechinguvana uyo nzira isina mufungo, yokuzvigutsa youpenyu ingapa? (Enzanisa naVaHebheru 11:25.) Nokuchenjera, Bhaibheri rinotipa zano kuti ‘tirarame hwasara hwoupenyu hwedu, kusati kurizve nokuda kwezvishuvo zvavanhu, asi nokuda kwokuda kwaMwari.’ (1 Petro 4:2) Tinokukurudzira nomwoyo wose, hungu, kukukusvudzira, kuita saizvozvo kupfurikidza nokufunda Shoko raMwari, Bhaibheri, uye kushandisa zvinhu zvaunodzidza. (Johane 13:17) Nokudaro uchapinda muukama hwakanaka naJehovha, Mwari anofachukira norunako nengoni, uyo anogona kukutusa noupenyu husingagumi!

[Mashoko Omuzasi]

a Kunaya muudhakwa ibasa guru, kazhinji kazhinji kunoda betsero yenyanzvi. Ona magazini biyayo yedu, Mukai! May 8, 1992, nokuda kwamashoko anobetsera paiyi nhau.

[Mufananidzo uri papeji 5]

Ko mararamire ako anoratidzira kuonga nokuda kwoupenyu here?

[Mufananidzo uri papeji 7]

Nyika itsva yaMwari ichatibvumira kufarikanya mifarwa youpenyu nokusingagumi!

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe