RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w08 5/1 pp. 16-17
  • NezvoUmambo hwaMwari

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • NezvoUmambo hwaMwari
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Umambo hwaMwari Chii?
  • Ndivanaani vachatonga muUmambo hwaMwari?
  • Hurumende yacho ichange iri kupi?
  • Umambo hwaMwari huchaitei nezvezvakaipa?
  • Ndivanaani vachararama pasi pano vachitongwa noUmambo hwacho?
  • Umambo hwaMwari huchaitirei vanhu pasi pano?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?
  • Umambo hwaMwari Chii?
    Mwari Anodei Kwatiri?
  • Chii Chinonzi Umambo hwaMwari?
    Bhaibheri Rinotidzidzisei?
  • Zvakadzidziswa naJesu NezveUmambo hwaMwari
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2010
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
w08 5/1 pp. 16-17

Zvatinodzidza Kuna Jesu

NezvoUmambo hwaMwari

Umambo hwaMwari Chii?

Umambo hwaMwari ihurumende ichatonga pasi rose. Jesu akati: “Saka, munofanira kunyengetera seizvi: . . . ‘Umambo hwenyu ngahuuye. Kuda kwenyu ngakuitwe panyika, sezvakunoitwa kudenga.’”—Mateu 6:9, 10; Dhanieri 2:44.

Ndivanaani vachatonga muUmambo hwaMwari?

Jesu akaberekerwa kuti ave Mutongi woUmambo hwaMwari. Imwe ngirozi yakaudza amai vaJesu kuti: “Jehovha Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi, iye achava mambo.” (Ruka 1:30-33) Uyezve, Jesu akasarudza vamwe vateveri vake kuti vatonge naye. Akaudza vaapostora vake kuti: “Imi ndimi makaramba muneni mumiedzo yangu; uye ndinoita sungano nemi, sokuita sungano youmambo neni kwakaita Baba vangu.” (Ruka 22:28, 29; Dhanieri 7:27) Vateveri vaJesu 144 000 vachatonga pamwe chete naye.—Zvakazarurwa 5:9, 10; 14:1.

Hurumende yacho ichange iri kupi?

Umambo hwaMwari huchatonga huri kudenga. Jesu akati kuvadzidzi vake: “Kana ndikaenda, ndikakugadzirirai nzvimbo [kudenga], ndichadzokazve uye ndichakugamuchirai kumba kwandinenge ndiri, kuti pandinenge ndiri imi muvepowo. . . . Ndiri kuenda kuna Baba.”—Johani 14:2, 3, 12; Dhanieri 7:13, 14.

Umambo hwaMwari huchaitei nezvezvakaipa?

Jesu achabvisa vanhu vakaipa pasi pano. Akati: “Mwanakomana womunhu [Jesu] paanosvika achibwinya, aine ngirozi dzose, achabva agara pachigaro chake choumambo chinobwinya. Zvino marudzi ose achaunganidzwa pamberi pake, uye achaparadzanisa vanhu mumwe achibva kune mumwe . . . Zvino ava [vakaipa] vachaenda mukugurwa kusingaperi, asi vakarurama muupenyu husingaperi.”—Mateu 25:31-34, 46.

Ndivanaani vachararama pasi pano vachitongwa noUmambo hwacho?

Jesu akati: “Vanofara vanyoro, nokuti vachagara nhaka yenyika.” (Mateu 5:5; Pisarema 37:29; 72:8) Nyika ichazadzwa nevanhu vanodzidza kudanana. Jesu akati kuvateveri vake: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.”—Johani 13:34, 35.

Umambo hwaMwari huchaitirei vanhu pasi pano?

Jesu acharapa zvirwere zvevanhu. Paaiva pasi pano, Jesu akataura nemapoka evanhu “nezvoumambo hwaMwari, uye akaporesa vaya vaida kurapwa.” (Ruka 9:11) Pashure pokunge muapostora Johani aratidzwa Jesu akanga amutswa, akati: “Ndakaona denga idzva nenyika itsva . . . Ndakanzwa inzwi guru richibva kuchigaro choumambo richiti: ‘Tarirai! Tende raMwari riri pakati pevanhu . . . Achapukuta misodzi yose pamaziso avo, rufu haruchazovipo.’”—Zvakazarurwa 21:1-4.

Umambo hwaMwari huchaita kuti pasi rino rive Paradhiso zvakare. Muiti wezvakaipa akaurayiwa pamwe chete naJesu akati: “Jesu, mundiyeukewo kana mapinda muumambo hwenyu.” Uye Jesu akati kwaari: “Chokwadi ndinokuudza nhasi, Uchava neni muParadhiso.”—Ruka 23:42, 43; Isaya 11:4-9.

Kuti uwane mamwe mashoko, ona chitsauko 8 chebhuku rinonzi Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo?a

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe