Solomon Islands Inowirwa Nenjodzi
Waiva musi woMuvhuro, April 2, 2007, apo kwakava nokudengenyeka kwenyika kwakakura zvikuru pane zvimwe zvitsuwa zveSolomon Islands, boka rezvitsuwa zviri kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweAustralia. Pasina nguva, mvura yakakwira mudenga somudhuri wakareba mamita gumi, ichibva yarova zvitsuwa zvokuWestern Province, ndokuuraya vanhu 52 ichisiya vanenge 6 000 vasisina pokugara.
Guta rakanyanya kuparadzwa raiva Gizo rinogara vanhu vanenge 7 000, riri kumucheto kwechitsuwa chinonzi Ghizo, makiromita anenge 45 kubva pakatangira kudengenyeka kwacho. Ungano duku yeZvapupu zvaJehovha iri muGizo yaitarisira kupinda Chirangaridzo chegore negore chorufu rwaJesu manheru acho. (1 VaKorinde 11:23-26) Musi uyu zvinhu zvakatanga zvakadzikama kuine mushana uye gungwa rakaterama. Asi na7:39 mangwanani maererano nenguva yeikoko, kudengenyeka kwakangoerekana kwatanga.
Kudengenyeka Kwenyika!
Mumwe mukuru weungano anonzi Ron Parkinson nomudzimai wake Dorothy, vakanga vachigadzirira kudya kwemangwanani pakaitika kudengenyeka kwacho. Ron anoti: “Imba yedu yemakore yakazunguzika somuti womukokonati asi haina kudonha. Ruzha rwacho rwakanga rwakanyanya. Makabati, fenicha, mapoto nendiro, piyano hombe, nemimwe midziyo zvakapunzikira pasi. Takatamburira kubuda panze. Dorothy akatotsika magirazi akanga apwanyika asina shangu.”
Mamishinari aigara pedyopo anonzi Tony naChristine Shaw, akamhanyirawo panze. Christine anoti: “Pasi rakazununguka zvinotyisa zvokuti ndakapunzikira pasi uye ndakatadza kumuka. Mugungwa, dzimba dzaiyangarara pamusoro pemvura. Mvura zhinji yakanga yakudubura dzimba dzacho kubva pafandesheni yadzo. Vanhu vaiva nemagwa, vaikwasva vachitamburira muungwanda-ngwanda vachitsvaka vanhu vakanga vapona. Kwakadengenyekazve zvikuru kechipiri, uye kumwezve kukatevera. Izvi zvakaramba zvichiitika kwemazuva mashanu. Zvakanga zvichityisa chaizvo!”
Tsunami Ndobva Yaitika
Pakaitika uku kudengenyeka, Patson Baea akanga ari pachitsuwa chokumba kwake kuSepo Hite makiromita matanhatu kubva kuGizo. Chii chakaitika kuna Patson nemhuri yake paiitika dambudziko iri?
Patson anoyeuka pfumvu yacho achiti: “Ndakamhanya ndichikwidza nemhenderekedzo yegungwa kwaiva nomudzimai wangu, Naomi nevana vedu vana. Vakanga vadonhedzwa pasi asi vasina kukuvadzwa. Vana vakanga vachihuta, uye vamwe vaichema. Ini naNaomi takakurumidza kuvanyaradza.
“Ndakaona kuti gungwa raiita zvisinganzwisisiki. Zvaiva pachena kuti kwakanga kuchiuya tsunami. Kachitsuwa kedu kaigona kufukidzwa nemvura yacho. Amai vangu vanonzi Evalyn, vaigara pakachitsuwa kari pedyo, vakanga variwo mungozi. Ndakakurumidza kuudza mhuri yangu kuti ikwire muchikepe chedu chaiva neinjini uye takabva tananga ikoko kunovanunura.
“Tangofamba chinhambwe chipfupi, mvura zhinji yakapfuura nepasi pechikepe chedu. Gungwa rakatanga kufashamira. Patakasvika kwaiva naamai, vakanga vabatwa nebuka uye vavhiringika zvokuti vaitya kana kupinda mumvura. Naomi nomwanakomana wedu ane makore 15 anonzi Jeremy, vakashambira mumvura yaiva nesimba ndokuvabatsira kuti vashambire kusvika kuchikepe. Zvadaro, ndakavhetemesa chikepe takananga mugungwa.
“Iye zvino mvura yomugungwa yakanga yadzika zvokuti zvinhu zvinogara pasi pegungwa zvaiva pedyo nezvitsuwa zvakanga zvava kuonekwa. Pakarepo, gomo remvura rakatsvaira richinyudza zvitsuwa zvacho. Imba yedu yevaenzi yaiva pamhenderekedzo yegungwa yakadzurwa pafandesheni ndokubva yaparara. Mvura yakadirana mumba medu ikaparadza zvinhu zvedu zvakawanda. Gungwa racho parakanga raterama, takanyurura maBhaibheri edu nenziyo kubva muimba yedu yaiva yakanganiswa ndokubva taenda kuGizo.”
Zvinhu zvakawanda zvakanga zvaparara uye zvitunha zvevanhu zvakanga zvakazara pamhenderekedzo yegungwa. Kumadokero kwechitsuwa cheGhizo ndiko kwakanga kwanyanya kuparadzwa. Misha inenge 13 yaiva ikoko yakanga yatsvairwa yose nemvura yaikwira mudenga nemamita 5!
Manheru iwayo vanhu 22 vakaungana paImba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha muGizo kuti vazochengeta Chirangaridzo chorufu rwaJesu. Chinofadza ndechokuti pavanhu ava hapana akanga akuvadzwa zvakaipisisa nenjodzi iyi. Ron ambotaurwa nezvake anoti: “Kwakanga kusina magetsi, uye marambi edu eparafini akanga apwanyika. Saka Hama Shaw vakapa hurukuro vachiona nerambi remabhatiri. Murima iroro, takaimba nziyo dzokutenda Jehovha, nemanzwi akasimba aive nechuni dzakasiyana-siyana.”
Kuyamura
Mashoko ezvenjodzi iyi paakasvika kuguta guru rinonzi Honiara, hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yakakurumidza kutumira ruyamuro. Nhare dzakaridzwawo kuti vazive kana Zvapupu zvakawanda zvaiva munzvimbo yakanga yawirwa nenjodzi zvaiva zvakachengeteka. Vamwe vanhu vakavimbika vakatumwa kuti vanotsvaka chimwe Chapupu chaigara kuChoiseul Island. Vakawana pasina chakanga chamuwana. Mari yakatumirwawo kuGizo kuti ishandiswe kutenga zvinhu zvokuyamura.
Hama dzaibva kubazi dzakasvika kuGizo nomusi weChina padzakangowana ndege yaitanga kuendako. Imwe nhengo yeDare Rebazi, Craig Tucker anoti: “Takatakura mabhokisi akawanda ezvinhu zvokuyamura. Vamwe vakanga vakwirawo ndege yacho vakakumbirwa kusiya zvimwe zvinhu zvavo nokuti zvaizoremera ndege, asi isu takafara kuti mabhokisi edu ose akasvika zvakanaka. Aivawo pazvinhu zvokuyamura zvakatanga kusvika. Zvimwe zvakazosvika nechikepe mazuva maviri gare gare.”
Panguva iyoyo Tony Shaw naPatson Baea pamwe chete nezvimwe Zvapupu zvokuGizo vakafamba nechikepe kwemaawa maviri vachienda kunobatsira Zvapupu zvaigara kuchitsuwa cheRanongga chaiva chakareba makiromita 32 uye chakafara makiromita 8. Kudengenyeka uku kwakanga kwaita kuti chitsuwa ichi chikwirire nemamita maviri kupfuura gungwa! Mvura yaiva yakapoteredza chitsuwa ichi payakangoerekana yabvongodzeka, yakabva yava tsunami ndokuparadza zvitsuwa zvakanga zvakapoteredza.
Tony anoti: “Vanhu vomuungano iyoyo vakafara zvikuru pavakationa. Vakanga vasina chakanga chavawana uye vakanga vachigara panze vachitya kuti tsunami yacho yaigona kudzokorora. Chikepe chedu ndicho chakatanga kuunza zvinhu zvokuyamura. Tisati tadzokera, takanyengetera nomwoyo wose pamwe chete tichionga Jehovha.”
Patson anoti: “Mazuva mashomanana gare gare, takadzokera kuRanongga nezvimwe zvinhu zvokushandisa uye kunotsvaka imwe mhuri yeZvapupu yaigara kure nechokumucheto kwechitsuwa chacho. Pakupedzisira takazowana Matthew Itu nemhuri yake vari pakati pesango. Vakachema nomufaro vaona kuti takanga tisina kuvakanganwa! Kudengenyeka kwakanga kwaparadza imba yavo pamwe chete nezvimwe zvivako zvaiva mumusha wavaigara. Zvisinei, chavainyanya kuda kwaiva kuwana mamwe maBhaibheri aizotsiva akanga aparadzwa nenjodzi yacho.”
Kurumbidzwa Nevaiona
Rudo rwakadaro rwechiKristu rwakaonekwa nevamwe. Craig Tucker anoti: “Mumwe mutori wenhau aishora kuyamura kwaiitwa akashamiswa uye akabayiwa mwoyo paakaziva kuti mumazuva akwakadengenyeka Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvaunzira vamwe vazvo zvokudya, nezvokuputirisa zvinhu kuti zvisapinda mvura uye zvimwe zvinhu zvinokosha.” Patson akawedzera kuti: “Vagari vomuRanongga vakatirumbidza nemhaka yokukurumidza kuzoyamura uye vakachema-chema kuti chechi dzavo dzakanga dzisina kudaro.” Mumwe mukadzi akatoti, “Inga sangano renyu harina kutana kukubatsirai!”
Zvapupu zvakabatsirawo vavakidzani vazvo. Christine Shaw anorondedzera kuti: “Patakashanya kunzvimbo yaiva kuGizo yakanga yagadzirirwa vakanga vakuvara, takaona mumwe murume nomudzimai wake vatakanga tamboonana navo. Vose vakanga vakuvadzwa uye vabatwa nebuka. Mukadzi uyu akanga aparadzaniswa nomuzukuru wake uyo akanga afira mumvura nemhaka yetsunami. Takakurumidza kudzokera kumba kuti tivaunzire zvokudya uye zvokupfeka. Vakatenda chaizvo.”
Chokwadi, vanowirwa nenjodzi inongoitika yoga havangodi kutsvakirwa zvinhu zvokushandisa chete. Chavanonyanya kuda inyaradzo inobva muShoko raMwari Bhaibheri. Ron anoti: “Vamwe vafundisi vaiti Mwari akanga aranga vanhu nemhaka yezvivi zvavo. Asi takavaratidza kubva muBhaibheri kuti Mwari haakonzeri zvakaipa. Vakawanda vakatitenda nokuvanyaradza neShoko raMwari kwatakanga taita.”—2 VaKorinde 1:3, 4; Jakobho 1:13.a
[Mashoko Omuzasi]
a Ona nyaya inoti “‘Nei?’ Kupindura Mumwe Wemibvunzo Yakaomesesa,” iri muMukai! yaJanuary-March 2007. Mazana emagazini iyi akaparadzirwa muGizo pashure penjodzi yacho.
[Diagram/Mepu iri papeji 13]
(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)
Choiseul
Ghizo
Gizo
Ranongga
HONIARA
AUSTRALIA
[Mufananidzo uri papeji 15]
Mhuri yokwaBaea muchikepe chayo chaiva neinjini
[Mufananidzo uri papeji 15]
Imba yoUmambo iyi ndiyo chete yakasara yakamira kuLale paRanongga Island
[Mufananidzo uri papeji 15]
Kuparadza kwetsunami muGizo