Nei Tichikwegura Tofa?
MUBVUNZO wave uchinetsa masayendisiti kwenguva yakareba ndewokuti, Nei vanhu vachikwegura vofa? Mamwe masayendisiti anoti musero roga roga mune zvinhu zvinosarudza kuti sero racho richararama kwenguva yakareba sei. Kune tsanangudzo dzakasiyana-siyana dzinotaurwa nezvadzo, kusanganisira dzidziso yokuti uropi hunobudisa mahormone anokonzera kukwegura uye kuzofa kwomunhu. Masayendisiti haana chokwadi kana dzidziso idzi dzakarurama, uye vakawanda vanobvuma kuti hazvizivikanwi kuti chii chinoita kuti munhu akwegure.
Patinenge tichifunga nezvetsvakurudzo uye zvinenge zvataurwa nemasayendisiti, tinofanira kuziva kuti vakawanda vavo havadaviri kuti upenyu hwakabva kuMusiki. Achishandisa ruzivo rwawo, masayendisiti anotarisira kuti achawana chinokonzera kukwegura norufu kuitira kuti munhu ararame nokusingaperi. Havafungi nezvokuti Musiki pachake akapa mutongo worufu kuvanhu vokutanga, achipa mutongo iwoyo nenzira isinganyatsonzwisiswi nevanhu; saizvozvowo, ndiye anogona kuita kuti vaya vanotenda muMwanakomana wake vararame nokusingaperi.—Genesisi 2:16, 17; Johani 3:16.
Chinokonzera Rufu Chinoziviswa
Adhamu paakasikwa, Mwari akaisa “muti woupenyu” mubindu reEdheni. (Genesisi 2:9) Zviri pachena kuti muchero womuti uyu wakanga usina zvinhu zvinopa upenyu, asi wairatidza kuti Mwari ndiye anogona kupa upenyu ‘husingagumi’ kune munhu waanenge abvumira kudya muchero wawo. Adhamu paakatadza, haana kupiwa mukana wokuti adye muchero womuti wacho. (Genesisi 2:16, 17) Jehovha akati: “Zvino kuti arege kutambanudza ruoko rwake, akatorawo michero pamuti woupenyu, akadya, akararama nokusingagumi,—.” Jehovha akabva aita zvaainge ataura. Akanga asiri kuzobvumira munhu akanga asina kukodzera kuwana upenyu kuti ararame mubindu rakanga raitirwa vanhu vakarurama uye kuti adye muti woupenyu.—Genesisi 3:22, 23.
Adhamu, uyo akanga amborarama somunhu akakwana panguva yaaiteerera Jehovha, iye zvino akanga ava kuzvionera mabasa echivi nezvibereko zvacho, rufu. Asi, akanga achiine simba chaizvo rokurarama. Kunyange mumamiriro ezvinhu aya aisuruvarisa, paakanga asisina ukama naMwari uye asingachamunamati zvechokwadi, akararama makore 930. Panguva iyi akakwanisa kuita kuti vana vake vararamewo kwete upenyu hwakakwana, asi kwemakore akati wandei, zvokuti vakawanda vavo vakatorarama kwemakore 700 kusvika ku900.—Genesisi 5:3-32.
Chii Chinoraramisa Munhu?
Masayendisiti akawanda anoita zvokutsvakurudza haangotadzi kuona chinoita kuti vanhu vose vafe, asi chaari kutonyanya kukanganisa ndechokuti haafungi kuti chii chaicho chingaita kuti vanhu vararame nokusingaperi. Kunyange zvazvo zvichikosha kuti muviri womunhu urambe uchiwana zvokudya uye mhepo yokufema, nemvura, pane chimwe chinhu chinotokosha kupfuura zvose kuti urambe uchirarama. Izvi zvakataurwa naJehovha paakati: “Munhu haararami nechingwa chete, asi kuti munhu anorarama nemashoko ose omumuromo maJehovha.”—Dheuteronomio 8:3.
Munhu paakasikwa, akasikwa nomufananidzo waMwari, akafanana naye. (Genesisi 1:26, 27) Zvechokwadi, izvi hazvirevi kuti vaizova nomuviri wakafanana nowake, nokuti Mwari Mudzimu, uye munhu ndewenyama. (Johani 4:24) Zvaireva kuti munhu kusiyana ne“mhuka dzisingafungi”, aiva nesimba pakufunga; aiva nounhu hwakafanana nohwaMwari, hwakadai sorudo, kururamisira, uchenjeri uye simba. (2 Petro 2:12; enzanisa naVaKorose 3:10.) Aigona kuziva kuti nei akanga aripo uye kuti Musiki akanga amusikirei. Ndokusaka akasikwa achifanira kunamata. Aigona kukoshesa uye kunamata Musiki wake. Aida zvinopfuura zvokudya zvoga; aifanira kuraramiswawo nezvinhu zvine chokuita nokunamata. Pasina Jehovha Mwari uye urongwa hwake hwokunamata, vanhu havagoni kuramba vachirarama nokusingagumi. Nezvokurarama nokusingaperi, Jesu akati: “Kuti vawane upenyu husingaperi, vanofanira kuramba vachiwana zivo pamusoro penyu, imi Mwari wechokwadi chete, uye pamusoro pouya wamakatuma, iye Jesu Kristu.”—Johani 17:3.
Kutevera chokwadi kuchaita kuti munhu azive urongwa hwaMwari nokutipa Jesu Kristu, uyo akatifira kuti a“ve rudzikinuro mukutsinhana nevazhinji.” (Mateu 20:28) Jesu Kristu anonzi “Adhamu wokupedzisira . . . mudzimu unopa upenyu.” (1 VaKorinde 15:45) Uprofita hunomuti “Baba Vasingagumi” uye munhu “akadurura mweya wake kusvikira parufu chaipo,” uyo ane mweya unova “chinopiwa chemhosva.” Anokwanisa kuita kuti vanhu vararamezve, saka achipa upenyu husingaperi kune vaya vanotenda muchibayiro chomweya wake uye vanoteerera.—Isaya 9:6; 53:10-12.
Nzira Yoga Inoendesa Kuupenyu Husingaperi
Muapostora Johani anotaura mashoko akataurwa naJesu achiti: “Nokuti Mwari akada nyika kwazvo zvokuti akapa Mwanakomana wake akaberekwa ari mumwe oga, kuti munhu wose anotenda maari arege kuparadzwa asi ave noupenyu husingaperi.” (Johani 3:16) Mumufananidzo wake wemakwai nembudzi, vaya vanobva mumarudzi vanenge vaiswa kuruoko rworudyi rwaJesu semakwai vanowana “upenyu husingaperi.” (Mateu 25:46) Adhamu paakasikwa akakwana aiva “mwanakomana waMwari.” (Ruka 3:38) Zvakaonwa nenzira youprofita pana Zvakazarurwa 21:1-4 zvinotaura nezvenguva yakuchava ne“denga idzva nenyika itsva” uye zvinovimbisa kuti zvadaro “rufu haruchazovipo, kana kuchema kana kuridza mhere kana kurwadziwa hazvingazovipozve.” Sezvo vimbiso iyi ichiudzwa zvakananga ku“vanhu” kwete kuzvisikwa zvomudzimu, inonyatsoratidza kuti vanhu vachange vari munyika itsva ichatongwa ne“denga idzva” vachapiwazve pfungwa nomuviri zvine utano hwakakwana uye upenyu husingaperi se“vana vaMwari” vepasi.
Mumurayiro waakapa Adhamu, Mwari aireva kuti kudai Adhamu aizoteerera, akanga asingazofi. (Genesisi 2:17) Saka kuvanhu vanoteerera, panguva iya ichange yaparadzwa muvengi wokupedzisira rufu, miviri yavo haizovi nechivi chiri icho chinokonzera rufu. Vachararama nokusingaperi. (1 VaKorinde 15:26) Rufu ruchaparadzwa pakupera kwokutonga kwaKristu kunonzi nebhuku raZvakazarurwa kuchange kwakareba makore 1 000. Mubhuku iri zvinonzi vaya vanova madzimambo nevapristi naKristu “vakava vapenyu, vakatonga semadzimambo naKristu kwemakore ane chiuru.” “Vamwe vose vakafa” vasina kuva vapenyu “kusvikira makore acho ane chiuru apera” vanofanira kuva vaya vachange vari vapenyu panopera makore ane chiuru Satani asati abudiswa mugomba rakadzika-dzika uye asati aedza vanhu kokupedzisira. Panozopera makore ane chiuru, vanhu vachange vari pasi pano vachange vasvika pakukwana, vava kuita saAdhamu naEvha vasati vatadza. Panguva iyi vachange vava noupenyu hwakakwana. Vaya vachakunda muedzo waSatani paachasunungurwa kwenguva pfupi mugomba rakadzika-dzika, vachararama nokusingaperi.—Zvakazarurwa 20:4-10.
Kubva mumashoko aJesu, zviri pachena kuti zvinoedza kuitwa nevanhu kuti varebese upenyu kana kuti dzidziso dzinoti zvimwe zvokudya uye kurovedza muviri zvicharebesa upenyu hazvibatsiri. Zvinongovandudza utano kwenguva pfupi chete. Nzira chete yokuti munhu ararame nokusingaperi ndeyokuti ateerere mashoko akanaka, “shoko roupenyu.” (VaFiripi 2:16) Kuti munhu awane upenyu, anofanira kuramba achifunga “zvinhu zviri kumusoro, kwete pazvinhu zviri panyika.” (VaKorose 3:1, 2) Kune vakanga vakamuteerera, Jesu akati: “Anonzwa shoko rangu akatenda iye akandituma, ane upenyu husingaperi, uye haatongwi asi apfuura achibva murufu achienda kuupenyu.”—Johani 5:24; 6:40.