March 22, 2008—Zuva Rokuyeuka
Manheru akatangira kufa kwake, Jesu Kristu akagamuchidza vaapostora vake chingwa chisina kuviriswa nekapu yewaini ndokuvarayira kuti vadye nokunwa. Akavaudzawo kuti: “Rambai muchiita izvi muchindiyeuka.”—Ruka 22:19.
Gore rino kuchengetwa kwegore negore kwechiitiko ichi kuchaitwa nomusi woMugovera, March 22, zuva ranyura. Zvapupu zvaJehovha pasi pose zvichange zvakaungana pausiku uhwu hunokosha kuti zvichengete Chirangaridzo ichi munzira yakarayirwa naJesu. Unokokwa noushamwari kuti uzobatana nesu pakuchengeta uku. Tapota bvunza Zvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yako nguva chaiyo nenzvimbo yomusangano uyu.