RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 4/15 p. 31
  • Akaremara—Asi Anoda Kwazvo Kushanda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Akaremara—Asi Anoda Kwazvo Kushanda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
  • Mashoko Akafanana
  • Unogona Kupawo Nguva Nesimba Rako Here?
    Ushumiri Hwedu Uye Kurarama kwechiKristu—Purogiramu Yezvekuita Uye Zvichadzidzwa—2020
  • Kuvaka Dzimba dzoUmambo—Chimwe Chezvinhu Zvinokosha Zvebasa Dzvene
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2006
  • Chimwe Chinhu Chitsva Mukuvaka Kwamarudzi Ose
    Mukai!—1991
  • Kutsungirira Kusuruvara
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 4/15 p. 31

Akaremara—Asi Anoda Kwazvo Kushanda

PAUNOTANGA kuonana naLeonardo, haungafungi kuti anokwanisa kuita basa rokuvaka. Akadimbuka maoko mutsaona yakamboitika achiita basa rokuvaka. Asi pasinei nokuti akaremara, Leonardo akanga achishanda nesimba pane imwe nzvimbo yaivakwa muAcajutla, kuEl Salvador, sezvauri kuona pamufananidzo.

Kuti aitewo basa iroro rokuvaka, Leonardo akazvigadzirira zvinhu zvokushandisa. Anopinza chidimbu choruoko rwake rworudyi muburi resimbi yakabatana nefoshoro onyatsofoshorera ivhu mubhara. Munzvimbo dzinoda kubatwa, anokochekera simbi dzakaita raundi dzinoita kuti akwanise kupinza zvidimbu zvemaoko ake kuti asunde bhara racho. Chii chakamukurudzira kuita basa iri?

Leonardo aida kuitawo basa rokuvaka Imba yoUmambo, kana kuti nzvimbo yokunamatira yeungano yeZvapupu zvaJehovha yokwaanogara. Aigona kutaura zvikonzero zvakawanda zvokuti asaita basa iri rokuvaka. Aishanda kunyika nguva dzose, akaremara, uye muungano yavo aitoshanda somushumiri anoshumira. Asi aida kuita zvaaigona kuti ashumirewo Mwari panzvimbo iyi yokuvaka.

Ndiwo manzwiro aunoita here nezvokushumira Mwari? Pane kurega kuita basa achiti akaremara, Leonardo akashandisa pfungwa dzake kuzvigadzirira zvinhu zvokushandisa kuitira kuti agone kuita basa racho raaisazokwanisa kuita. Akanga achishumira Mwari ‘nepfungwa dzake dzose.’ (Mateu 22:37) Vanhu vanoshanda pakuvaka Dzimba dzoUmambo dzeZvapupu zvaJehovha pasi pose vanhu vakazvipira pasinei nokuti vakaremara here kana kuti kwete. Vanhu vose vakasununguka kupinda misangano yavo, uye unogona kuipindawo.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe