RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w07 4/15 p. 32
  • Chido chaAdryana

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Chido chaAdryana
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2007
w07 4/15 p. 32

Chido chaAdryana

ADRYANA, mumwe musikana ane makore matanhatu kuTulsa, Oklahoma, U.S.A., ane zvaaida kwazvo. Zvakanga zvakafanana nezvomunyori wepisarema Dhavhidhi, akaimba kuti: “Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha—ndicho chandichatsvaka, kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti ndione kufadza kwaJehovha uye kuti nditarire temberi yake ndichionga.”—Pisarema 27:4.

Adryana paaingova nemwedzi mitanhatu, zvakaonekwa kuti aiva neneuroblastoma, bundu rinouraya rinomera mune zvimwe zvikamu zvetsinga. Chirwere ichi chinotyisa chakamusiya aremara makumbo ose. Vanachiremba vakamurapa nenzira dzakasiyana-siyana dzokuvhiya uye vakamurapa kwegore rose nenzira inonzi kemo.

Baba vaAdryana, vasingadaviri zvinotendwa naAdryana naamai vake, vakaenda kune rimwe sangano vachinokumbira kuti mwanasikana wavo ashanyire imwe paki yakakurumbira yokuzvivaraidza yomunyika yavo. Risati rabvuma, sangano racho rakabvunzurudza Adryana. Akati aionga kuti vakanga vafunga nezvake asi akavaudza kuti zvaizova nani kuti ashanye kuBheteri, muzinda mukuru webasa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha uri kuNew York. Pashure pokunge aziva zvakanga zvakumbirwa nababa vake, Adryana akanyengetera kuna Jehovha kuti awane mukana wokushanya kuBheteri. Kunyange zvazvo pakutanga sangano racho raifunga kuti nzvimbo yeBheteri hainganyanyi kuita kuti mwana afare, rakazobvuma baba vake pavasina kuramba zvaakanga asarudza.

Adryana akaenda kuNew York kunoshanya kuBheteri kokutanga aina amai vake, sisi vake, neshamwari yake. “Jehovha akandipindura,” akadaro Adryana. “Ndaiziva kuti aizotigamuchira kuBheteri. Ndakaona kugadzirwa kunoitwa mabhuku, magazini nemaBhaibheri. Kuri nani pane kupaki yokuzvivaraidza.”

Adryana ‘akaona kunaka kwaJehovha’ uye akatarira achionga zvinoitwa pamuzinda unoitirwa mabasa evanhu vaJehovha nhasi. Iwewo unobvumirwa kushanya kuBheteri. Kune hofisi dzemapazi munzvimbo dzakasiyana-siyana dzenyika kuwedzera kudzimbahwe romunyika yose reZvapupu zvaJehovha kuNew York.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe