RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 4/1 pp. 30-31
  • Kutsvaka Vakafanira Mumaruwa eAustralia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kutsvaka Vakafanira Mumaruwa eAustralia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Mashoko Akafanana
  • VaAborigine veAustralia—Vanhu Vakasiana
    Mukai!—1994
  • “Ndichariverenga Manheru Ndakagara Pamoto”
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2008
  • Tasmania—Chitsuwa Chiduku, Nyaya Yechienzi
    Mukai!—1997
  • Kutsvaka Vakafanira
    Ushumiri Hwedu hwoUmambo—2003
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 4/1 pp. 30-31

Mushumo Wevazivisi voUmambo

Kutsvaka Vakafanira Mumaruwa eAustralia

DZIMWE nzvimbo dzakakura dzokumaruwa eAustralia dzakanga dzisati dzamboparidzirwa kwemakore 12. Saka Zvapupu zvaJehovha zviri muDarwin, guta guru rokuNorthern Territory, zvakaronga kunyatsoparidza kwemazuva mapfumbamwe kuti zvitsvake vakafanira.—Mateu 10:11.

Vakatanga kunyatsoronga pachine mwedzi 12 kuparidza kwacho kusati kwaitwa, kusanganisira kugadzirwa kwemepu dzemasikweya kiromita anopfuura 800 000—nharaunda inopeta kukura kwakaita New Zealand nekatatu. Kuti unzwisise kukura kwakaita nharaunda iyi, imbofungidzira kuti papurazi rinochengeterwa mombe, mugwagwa unobva kumugwagwa mukuru wakareba makiromita 30 kubva pagedhi kuenda pamba! Uyezve, dzimwe nzvimbo dzinochengeterwa mombe dzakaparadzana nemakiromita 300 kana kupfuura.

Zvapupu zvakazvipira 145 zvakaita basa racho. Vamwe vaibva kure kure sokuTasmania. Vamwe vakasvika vari mumotokori dzakagadzirirwa kufamba mumigwagwa yakashata dzakanga dzakazara nemidziyo inoshandiswa pakudzika matende, mapatsi emotokari, uye peturu. Vamwe vakanga vakatakura zvinhu zvavo mumaturera. Uyewo, mabhazi maviri anotakura vanhu 22 akahayiwa kuti atakure vaya vakanga vasina motokari dzakakodzera kufamba mumigwagwa yakashata. Vaya vaifamba nemabhazi vakanyanya kupupurira kune vanogara mumataundi maduku ari mundima dzakasarudzwa.

Rwendo rusati rwatanga, hama dzakaronga hurukuro nemienzaniso kuti dziratidze kuti mashoko akanaka aizoparidzwa sei mundima iyi isina kujairika. Somuenzaniso, kuti uparidze zvinobudirira munharaunda dzevaAborigine kazhinji zvinoda kuti utevedzere tsika dzakati uye kuti uzive tsika dzavo. Vakakurukurawo nezvezvakapoteredza kuitira kuti vabatsire kudzivirira mhuka dzomusango.

Vaparidzi vacho vakava nezvakaitika zvakawanda zvainakidza. Somuenzaniso, mune imwe nharaunda inogara vaAborigine, hama dzakaronga kupa hurukuro yavose inobva muBhaibheri. Mumwe mukadzi anoremekedzwa womunzanga yacho akaenda kunoudza vanhu nezvayo. Pashure pacho, mabhuku mashanu uye mabhurocha 41 akagoverwa kune vaivapo. Mune imwe nharaunda mumwe muAborigine akataurwa naye. Aitova neBhaibheri rake reKing James Version, asi rakanga rasakara uye rabvaruka. Paakabvunzwa kana aiziva zita raMwari, akati airiziva ndokubva abudisa magazini yekare yeNharireyomurindi mubhachi rake. Akaverenga magazini yacho, achitaura mashoko aMako 12:30, anoti: “Unofanira kuda Jehovha Mwari wako nemwoyo wako wose.” Akati, “Rugwaro irworwo ndinozoruda.” Pashure pokukurukurirana nezveBhaibheri zvakadzama, akagamuchira Bhaibheri idzva uye mamwe mabhuku eBhaibheri.

Pedyo neGulf of Carpentaria, mumwe mukuru mukuru wepapurazi remombe rakakura mahekita 400 000 akaratidza kufarira shoko roUmambo. Paakaratidzwa mabhuku anoti Bhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri uye Zivo Inotungamirira Kuupenyu Husingaperi,a akabvunza kana paive nemabhuku omutauro wechiKriol. Izvi zvaishamisa nokuti kunyange zvazvo vaAborigine vakawanda vachitaura chiKriol, vashoma vanogona kuchiverenga. Vaparidzi vakazoziva kuti vashandi 50 vose vepapurazi iroro vaigona kuverenga chiKriol. Mukuru mukuru wacho akafara chaizvo kuwana mabhuku eBhaibheri muchiKriol, uye akapa vaparidzi nhamba dzake dzorunhare kuitira kuti vagomufonera.

Mumazuva mapfumbamwe okunyatsopupura, maBhaibheri anosvika 120, mabhuku 770, magazini 705, uye mabhurocha 1 965 akagoverwa. Uyezve, vanhu 720 vakashanyirwazve, uye zvidzidzo zveBhaibheri 215 zvakatangwa.

Zvechokwadi, nzara yomudzimu yevakawanda vakafanirwa vakapararira munharaunda iyi yakakura pakupedzisira yakagutswa.—Mateu 5:6.

[Mashoko Omuzasi]

a Akabudiswa neZvapupu zvaJehovha.

[Mepu iri papeji 30]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

AUSTRALIA

NORTHERN TERRITORY

Darwin

Gulf of Carpentaria

Sydney

TASMANIA

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe