Munhu womuAfrica Aizvininipisa Aida Shoko raMwari
VANOSHANYA muAfrica vanowanzoshamiswa nokuva nyore kwakaita kutanga kukurukura nevanhu vemo nyaya dzinobva muBhaibheri. Mibvunzo yakadai sokuti, “Umambo hwaMwari chii?” kana kuti “Pane chichapedza zvachose here zvinetso zvakaita sokushomeka kwezvokudya, zvirwere, hondo, uye kuparwa kwemhosva?” inoita kuti vanhu vade kuteerera chaizvo. Vakawanda vanobvumira munhu wavasingazivi kuti avaratidze mhinduro dzinobva muBhaibheri. Izvi zvinowanzoita kuti chidzidzo cheBhaibheri chenguva dzose chitangwe. Uye vadzidzi pavanofambira mberi mune zvokunamata, vanova vaKristu vakabhabhatidzwa.
Mumwe wevanhu vomuAfrica wokutanga kuita izvi anotaurwa nezvake muBhaibheri pana Mabasa 8:26-40. Akanga ari murume wokuEtiopiya ainge aenda kuJerusarema kunonamata Mwari wechokwadi, Jehovha.
Sezvinoratidzwa mumufananidzo uri pasi apa, murume wokuEtiopiya ari kudzokera kumba ari mungoro yake, achiverenga mupumburu wakavhurwa. Mumwe munhu waasingazivi anosvika paari omubvunza kuti: “Unonyatsoziva zvauri kurava here?” Achizvininipisa, muEtiopiya wacho anobvuma kuti anoda kubatsirwa uye anokumbira nomwoyo wose munhu wacho waasingazivi, muparidzi weevhangeri wechiKristu Firipi, kuti apinde mungoro. Anobva akumbira Firipi kuti atsanangure zvinoreva ndima yoRugwaro rwaachangoverenga. Firipi anotsanangura kuti uprofita huri kutaura nezvorufu ruchangobva kuitika rwaMesiya, Jesu Kristu. Firipi anorondedzerawo dzimwe nyaya dzine chokuita ne“mashoko akanaka pamusoro paJesu,” uye hapana mubvunzo kuti anotaurawo nezvokumuka kwaJesu.
Anzwa chokwadi chinoshamisa ichi, muEtiopiya wacho anoda kuva mudzidzi waJesu uye anobvunza kuti: “Chii chinondidzivisa kubhabhatidzwa?” Pashure pokunge abhabhatidzwa, murume uyu womuAfrica anozvininipisa anodzokera kumusha achifara, uye Bhaibheri harizotaurizve nezvake.
Nhasi, Zvapupu zvaJehovha zviri kubatsira mamiriyoni evanhu pasi pose kudzidza nezve“mashoko akanaka” akadai. Pari zvino zvidzidzo zveBhaibheri zvinenge mamiriyoni matanhatu zviri kuitiswa pachena.