RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w05 4/1 pp. 13-19
  • Vabereki, Dzivirirai Nhaka Yenyu Inokosha

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Vabereki, Dzivirirai Nhaka Yenyu Inokosha
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Nei Tichida Kubatsirwa naMwari iye Zvino
  • Kudzidzisa Kunopa Uchenjeri
  • Chido Chinokurudzirwa Norudo
  • Migumisiro Inogutsa
  • Dzidzo Inokosha Yemazuva Ano
  • Kutamburira Zviripo
  • Rovedzai Mwana Wenyu Kubvira Paucheche
    Chakavanzika Chomufarwa Wemhuri
  • Modzivirira Sei Vana Venyu?
    Mukai!—2008
  • Zvinodiwa Nevana Kuvabereki
    Dzidza Kumudzidzisi Mukuru
  • Vana Vedu—Nhaka Inokosha
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—2005
w05 4/1 pp. 13-19

Vabereki, Dzivirirai Nhaka Yenyu Inokosha

“Uchenjeri chitaviridzo . . . Hunochengeta upenyu hwaiye unahwo.”—Muparidzi 7:12.

1. Nei vabereki vachifanira kuona vana vavo sezvipo?

VABEREKI ndivo vanounza panyika munhu mutsva mupenyu akatodzana navo uye ane unhu hwakafanana nohwavo. Bhaibheri rinoti vaduku vakadaro “inhaka inobva kuna Jehovha.” (Pisarema 127:3) Zvaari Mupi Woupenyu wechokwadi, chaizvoizvo Jehovha ari kuronzesa vabereki zvinhu zvake chaizvo. (Pisarema 36:9) Vabereki, munoona sei chipo ichi chinokosha chinobva kuna Mwari?

2. Manoa akaitei paakaziva kuti aizova baba?

2 Hapana mubvunzo kuti chipo chakadaro chinofanira kukosheswa uye kuongwa. Makore anopfuura 3 000 akapfuura, muIsraeri ainzi Manoa akaratidza kukoshesa uye kuonga chipo ichi mudzimai wake paakaudzwa nengirozi kuti aizobereka mwana. Paakanzwa mashoko acho anofadza, Manoa akanyengetera achiti: “Jehovha, ndinokumbira kuti munhu waMwari wamakatuma, auyezve kwatiri, atidzidzise zvatinofanira kuitira mwana uchazozvarwa.” (Vatongi 13:8) Vabereki, mungadzidzei pamuenzaniso waManoa?

Nei Tichida Kubatsirwa naMwari iye Zvino

3. Nei tichinyanya kuda kubatsirwa naMwari pakurera vana mazuva ano?

3 Kunyanya iye zvino, vabereki vanoda kubatsirwa naJehovha kurera vana vavo. Chikonzero chacho ndechei? Satani Dhiyabhorosi nengirozi dzake vakakandirwa pasi vachibva kudenga. “Nhamo nokuda kwepasi,” rinonyevera kudaro Bhaibheri, “nokuti Dhiyabhorosi aburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, achiziva kuti ane nguva pfupi.” (Zvakazarurwa 12:7-9, 12) “Seshumba inodzvova,” Bhaibheri rinotsanangura kudaro, Satani ari “kutsvaka kudya mumwe munhu.” (1 Petro 5:8) Shumba dzinowanzobata mhuka dzisingagoni kuzvidzivirira, kazhinji duku dzacho. Saka, kuchenjera kuti vabereki vechiKristu vatarire kuna Jehovha kuti avatungamirire kuti vadzivirire vana vavo. Muri kuedza kudzivirira vana venyu zvakadini?

4. (a) Kuziva kuti shumba iri kufamba-famba munharaunda kunofanira kuita kuti vabereki vaite sei? (b) Chii chinodiwa nevana kuti vadzivirirwe?

4 Dai waiziva kuti munharaunda yako mune shumba iri kufamba-famba, waizonyanya kukoshesa kudzivirira vana vako. Satani chikara. Anoedza kushatisa vanhu vaMwari, achiita kuti vasakodzera kufarirwa naMwari. (Jobho 2:1-7; 1 Johani 5:19) Vana ndivo vari nyore kubata. Kuti vasabatwa nemisungo yaDhiyabhorosi, vana vanofanira kuziva Jehovha uye kumuteerera. Kuziva Bhaibheri kunokosha. “Izvi zvinoreva upenyu husingaperi,” akadaro Jesu, “kupinza kwavo zivo pamusoro penyu, Mwari wechokwadi bedzi, neyowamakatuma, Jesu Kristu.” (Johani 17:3) Uyezve, vana vanoda uchenjeri—kukwanisa kunzwisisa uye kushandisa zvavanodzidza. Sezvo ‘uchenjeri huchichengeta upenyu hwaiye unahwo,’ imi vabereki munofanira kupinza chokwadi mumwoyo yevana venyu. (Muparidzi 7:12) Mungazviita sei?

5. (a) Uchenjeri hungapiwa sei? (b) Bhuku raZvirevo rinorondedzera sei kukosha kwouchenjeri?

5 Unogona—uye unofanira—kuverengera vana vako Shoko raMwari. Asi kuvabatsira kuda Jehovha uye kumuteerera kunoda zvinopfuura izvozvo nokure—kunoda kuti vanzwisise. Kuenzanisira: Mwana angaudzwa kuti asayambuka mugwagwa asati atarira mativi ose. Asi, vamwe vana havateereri. Nei? Mwana wacho angadaro asina kutsanangurirwa kakawanda kana kuti nenzira inoita kuti aone ngozi yezvingaitika kana akarohwa nemotokari, zvichikurira “upenzi” hungaita kuti pave netsaona. Kuti upe mwana uchenjeri zvinoda nguva yakawanda pamwe chete nokushivirira. Asi uchenjeri hunokosha zvikuru! “Nzira dzahwo inzira dzezvinofadza,” rinodaro Bhaibheri, “makwara ahwo ose ndoorugare. Ndiwo muti woupenyu kuna vanohunamatira; mumwe nomumwe unohubata unomufaro.”—Zvirevo 3:13-18; 22:15.

Kudzidzisa Kunopa Uchenjeri

6. (a) Nei vana vachiwanzoita nokusachenjera? (b) Ihondo yei iri kurwiwa?

6 Kazhinji vaduku vanoita zvakaipa, kwete nokuti vanenge vasina kudzidziswa zvakarurama, asi nokuti dzidziso yacho inenge isina kubaya mwoyo yavo—zvavari mukati-kati. Dhiyabhorosi ari kurwa kuti awane mwoyo yevaduku. Anoronga kuti vatarisane nezvinhu zvinofurira zvenyika yake. Anoedzawo kushandisa kuda kwavo kutadza kwavakaberekwa nako kuti vaite zvakaipa. (Genesi 8:21; Pisarema 51:5) Vabereki vanofanira kuziva kuti hondo chaiyo iri kurwiwa nokuda kwemwoyo yevana vavo.

7. Nei kungoudza mwana zvakanaka kana kuti zvakaipa kusina kukwana?

7 Vabereki vanowanzoudza mwana chakanaka kana kuti chakaipa, vachifunga kuti vamudzidzisa tsika dzinokosha. Vangaudza mwana kuti zvakaipa kureva nhema, kuba, kana kuti kurara nomunhu wausina kuroorana naye. Zvisinei, mwana anofanira kuva nechimwe chinomukurudzira zvakasimba kuteerera pane kungoti ndizvo zvinotaurwa nevabereki vake. Iyi mitemo yaJehovha. Mwana wacho anofanira kuziva kuti kuteerera mirayiro yaMwari ndiyo nzira yokuchenjera.—Zvirevo 6:16-19; VaHebheru 13:4.

8. Kudzidzisa kworudzii kungabatsira vana kuita nokuchenjera?

8 Kuoma kunzwisisa kwakaita zvinhu zvakasikwa, kusiyana-siyana kwezvinhu zvipenyu, kuchinja kunoita mwaka—zvinhu zvose zvakadaro zvinogona kubatsira mwana kuti anzwisise kuti kune Musiki akachenjera zvikuru. (VaRoma 1:20; VaHebheru 3:4) Uyezve, mwana anofanira kudzidziswa kuti Mwari anomuda uye kuti akaita urongwa hwokuti amupe upenyu husingagumi achishandisa chibayiro choMwanakomana Wake uye kuti anogona kufadza Mwari nokuteerera zvaAnotaura. Zvikadaro pamwe mwana angada kushumira Jehovha, pasinei nokuedza kumudzivisa kunoitwa naDhiyabhorosi.—Zvirevo 22:6; 27:11; Johani 3:16.

9. (a) Ndezvipi zvinodiwa kuti udzidzise zvinoponesa upenyu? (b) Vanababa vanorayiridzwa kuti vaitei, uye izvi zvinosanganisirei?

9 Kudzidzisa kunodzivirira mwana uye kunomukurudzira kuita zvakarurama kunoda nguva, rudo uye kuronga. Kunoda kuti vabereki vabvume kutungamirirwa naMwari. Bhaibheri rinoti: “Imi, madzibaba, . . . rambai muchivarera [vana venyu] mukuranga nomukutungamirira ndangariro kwaJehovha.” (VaEfeso 6:4) Izvozvo zvinorevei? “Kutungamirira ndangariro” mumashoko echiGiriki epakutanga, kunopa pfungwa yoku“isa pfungwa mu-.” Saka chaizvozvo, vanababa vari kukurudzirwa kuti vaise pfungwa dzaJehovha muvana vavo. Zvechokwadi izvozvo zvichadzivirira vaduku zvikuru! Kana vana vakadzidziswa pfungwa dzaMwari nemafungiro ake, vanodzivirirwa kuti vasaita zvakaipa.

Chido Chinokurudzirwa Norudo

10. Kuti ubudirire kurayiridza mwana wako, chii chinokosha chaunofanira kuziva?

10 Zvisinei, kuti uzadzikise chido chako chokurera mwana wako zvakanaka, zvaunoita zvinofanira kunge zvichikurudzirwa norudo. Kukurukurirana zvakanaka kunokosha. Ziva zviri kuitika muupenyu hwomwana wako uye kuti maonero ake ndeapi. Makanyatsodekara zvenyu, kurudzira mwana wako kuti ataure zviri pamwoyo. Dzimwe nguva ungatoshamiswa nezvaanotaura. Ngwarira kuti usashatirwa. Pane kushatirwa, teerera uchimunzwira tsitsi.

11. Mubereki angaisa sei pfungwa dzaMwari mumwana?

11 Chokwadi, ungave wakaverengera mwana wako muBhaibheri nezvemitemo yaMwari inorambidza unzenza, pamwe wakatomuverengera kakawanda. (1 VaKorinde 6:18; VaEfeso 5:5) Izvi zvingadaro zvakaita kuti vana vako vazive zvinofadza Jehovha nezvisingamufadzi. Zvisinei, pane zvakawanda zvinodiwa kuti uise pfungwa dzaMwari mumwana wacho. Vana vanoda kubatsirwa kuti vafungisise kukosha kwemitemo yaJehovha. Vanofanira kuva nechokwadi chokuti mitemo yake yakarurama uye inobatsira uye kuti kuiteerera kwakakodzera uye kunoratidza rudo. Zvinganzi waisa pfungwa dzake mavari kana wataurirana nevana vako zviri muMagwaro zvokuti vanobvuma maonero aMwari.

12. Mubereki angabatsira sei mwana wake kuti ave nemaonero akanaka ezvepabonde?

12 Pamunenge muchitaura nyaya dzepabonde, ungabvunza kuti, “Unofunga kuti kuteerera mutemo waJehovha wokuti usarara nomunhu wausina kuroorana naye kunotadzisa munhu kufara here?” Kurudzira mwana wako kuti aite zvokutsanangura mhinduro yake. Pashure pokunge madzokorora urongwa hwaMwari hunoshamisa hwokubereka mwana, ungabvunza kuti: “Unofunga kuti Mwari wedu ane rudo angaita mitemo yokuti tisanakidzwa noupenyu here? Kana kuti unofunga kuti mitemo yake yakaitirwa kuti tifare uye tidzivirirwe here?” (Pisarema 119:1, 2; Isaya 48:17) Ita kuti mwana wako ataure zvaanofunga nezvenyaya iyi. Zvadaro ungataura mienzaniso inoratidza kuti unzenza hwakaguma sei nokurwadziwa zvikuru uye matambudziko. (2 Samueri 13:1-33) Kana ukataurirana nomwana wako zvokuti anonzwisisa uye anobvuma maonero anoita Mwari, uchange wabatsira zvikuru kuisa pfungwa dzaMwari maari. Asi pane chimwezve chaunogona kuita.

13. Mwana anganyanya kukurudzirwa kuti ateerere Jehovha kana anzwisisa chii?

13 Nokuchenjera, haungodzidzisi mwana wako zvinozoitika kana akasateerera Jehovha asiwo unotsanangura kuti Jehovha pachake anonzwa sei nezvemararamiro atinoita. Ratidza mwana wako kubva muBhaibheri kuti tinorwadzisa Jehovha patinokundikana kuita zvaanoda. (Pisarema 78:41) Ungabvunza kuti, “Nei usingadi kurwadzisa Jehovha?” wotsanangura kuti: “Muvengi waMwari Satani anotaura kuti tinoshumira Jehovha nokuda kwezvikonzero zvoudyire uye kwete nokuti tinomuda.” Zvadaro tsanangura kuti paakaramba akatendeka, Jobho akafadza mwoyo waMwari, achibva aratidza kuti zvaipomerwa naSatani inhema. (Jobho 1:9-11; 27:5) Mwana wako anofanira kunzwisisa kuti zvichienderana nokuti anozvibata sei, anogona kusuwisa kana kuti kufadza Jehovha. (Zvirevo 27:11) Vana vanogona kudzidziswa izvi nezvimwe zvidzidzo zvinokosha nokushandisa bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru.a

Migumisiro Inogutsa

14, 15. (a) Zvidzidzo zvipi zvomubhuku rinonzi Mudzidzisi zvakakurudzira vana? (b) Pawakashandisa bhuku racho, wakava nemigumisiro ipi yakanaka? (Onawo bhokisi riri pamapeji 18-19.)

14 Vamwe sekuru vokuCroatia vanoverenga bhuku raMudzidzisi nomuzukuru wavo ane makore manomwe vakanyora kuti mukomana wacho akavaudza kuti: “Pane zvandakanzi ndiite naamai, asi ndakanga ndisingadi kuzviita. Ndakabva ndayeuka chitsauko chinoti ‘Kuteerera Kunokudzivirira,’ saka ndakadzokera ndikanovaudza kuti ndaizovateerera.” Nezvechitsauko chinoti “Chikonzero Nei Tisingafaniri Kureva Nhema,” vamwe vakaroorana vari kuFlorida, U.S.A., vakati: “Rinobvunza mibvunzo inoita kuti vana vataure zviri pamwoyo yavo uye kuti vabvume zvikanganiso zvavaisazobvuma.”

15 Bhuku rinonzi Mudzidzisi rine mifananidzo inopfuura 230, uye pamufananidzo mumwe nomumwe kana kuti boka remifananidzo rimwe nerimwe pane mashoko anotsanangura mufananidzo wacho. “Kazhinji mwanakomana wangu anoramba akatarira mufananidzo uye haadi kuti peji yacho ivharwe,” vakadaro vamwe amai vanoonga. “Mifananidzo yacho haingokwezvi chete asi inodzidzisa zvidzidzo, kana kuita kuti vana vabvunze mibvunzo. Pamufananidzo une mwana ari kuona terevhizheni muimba isina chiedza, mwanakomana wangu akabvunza kuti, ‘Amai, mukomana uyo ari kuitei?’ nenzwi rairatidza kuti aiziva kuti pane chakaipa.” Mashoko anotsanangura mufananidzo wacho anoti: “Ndiani anogona kuona zvose zvatinoita?”

Dzidzo Inokosha Yemazuva Ano

16. Chii chinokosha chinofanira kudzidziswa vana mazuva ano, uye nei?

16 Vana vanofanira kuziva kushandisa zvakakodzera uye zvisina kukodzera nhengo dzakavandika dzemiviri yavo. Asi, kutaura nezvazvo hakusi nyore nguva dzose. Mumwe munyori wechikamu chomupepanhau akataura kuti akakura panguva yainzi hazvina unhu kushandisa mashoko anotaura nezvenhengo dzakavandika dzomuviri. Achitaura nezvokudzidzisa vana vake, akanyora kuti: “Ndichatofanira kukurira kunyara kwandinoita.” Zvechokwadi, kana vabereki vakarega kukurukura nyaya dzepabonde vachiti vanonyara, hazvidziviriri mwana. Vanhu vanoshungurudza vana pane zvepabonde vanoshandisa kusaziva kwomwana. Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rinotaura nyaya yacho nenzira yakanaka, ine ruremekedzo. Kuudza vana zvepabonde hakuiti kuti vazive zvavasingafaniri kuziva, asi kurega kuvaudza kunogona kuita kuti vazobatwa zvisina kufanira.

17. Bhuku rinonzi Mudzidzisi rinobatsira sei vabereki kuti vadzidzise vana vavo nezvepabonde?

17 Muchitsauko 10, panenge pachikurukurwa nezvengirozi dzakaipa dzakauya pasi pano dzikabereka vana, mwana anobvunzwa kuti, “Unozivei nezvokurara pamwe kwomurume nomukadzi?” Bhuku racho rinopa mhinduro iri nyore, ine unhu. Pave paya, chitsauko 32 chinotsanangura kuti vana vangadzivirirwa sei pavanhu vanoshungurudza vana pane zvepabonde. Tsamba dzakawanda dzakanyorwa dzakataura kuti dzidziso yakadaro inokosha. Vamwe amai vakati: “Vhiki yapera mwanakomana wangu Javan paakaenda kwachiremba wevana, chiremba wacho akabvunza kana takanga takurukura naye kushandiswa zvakakodzera kwenhengo dzakavandika dzomuviri. Akafara chaizvo kuti takanga takurukura naye tichishandisa bhuku redu idzva.”

18. Bhuku rinonzi Mudzidzisi rinotaura sei nezvokuremekedza zviratidzo zvenyika?

18 Chimwe chitsauko chinotaura nezvenhoroondo yomuBhaibheri yepwere nhatu dzechiHebheru, Shadhireki, Meshaki naAbhedhinego, idzo dzakaramba kukotamira chifananidzo chaimiririra Hurumende yeBhabhironi. (Dhanieri 3:1-30) Vamwe vangasaona kubatana kwakaita kukotamira chifananidzo nokusaruta mureza, sezvinoratidzwa nebhuku rinonzi Mudzidzisi. Zvisinei, ona zvakataurwa nomumwe munyori anonzi Edward Gaffney paakabvunzurudzwa nemagazini inonzi U.S. Catholic. Akataura kuti mwanasikana wake paakamuudza kuti akanga adzidza “munyengetero mutsva kuchikoro” musi wokutanga waakaenda kuchikoro, akamukumbira kuti audzokorore. “Akaisa ruoko rwake pachipfuva pake,” anodaro Gaffney, “ndokutanga achiita zvokudadirira achiti, ‘Ndinovimbisa kuti ndichavimbika kumureza . . . ’” Gaffney akaenderera mberi achiti: “Pakarepo, pane chinhu chandakabva ndanzwisisa. Zvapupu zvaJehovha zvakanga zvakarurama. Pane kakunamata rudzi kari kutsigirwa muzvikoro zvedu vana pavanenge vachiri vaduku zvikuru—kuti varambe vakavimbika nyange zvotsvuka sei.”

Kutamburira Zviripo

19. Kudzidzisa vana kune mibayiro yei?

19 Zvechokwadi, kudzidzisa vana vako kutamburira zviripo. Vamwe amai vokuKansas, U.S.A, vakasvimha misodzi pavakagamuchira tsamba yaibva kumwanakomana wavo. Mwana wacho akanyora kuti: “Ndinofunga kuti ndakakomborerwa chaizvo kurerwa nenzira yakandibatsira kuti ndive akagadzikana mupfungwa uye ari pakati nepakati. Zvechokwadi imi naBaba munofanira kurumbidzwa.” (Zvirevo 31:28) Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rinogona kubatsira vabereki vakawanda kuti vadzidzise vana kuitira kuti vadzivirire iyi nhaka inokosha.

20. Vabereki vanofanira kugara vachiyeukei, uye izvozvo zvinofanira kuita kuti vaite sei?

20 Vana vedu vakakodzera kupiwa nguva yose, kuratidzwa rudo, uye kutamburira kwose kwatingaita. Vanenge vari vaduku kwenguva pfupi chete. Shandisa zvakanaka mukana wose kuti uve navo uye uvabatsire. Hauzombozvidembi. Vachapedzisira vava kukuda. Gara uchiyeuka kuti vana vako chipo chawakapiwa naMwari. Ivo inhaka inokosha zvikuru! (Pisarema 127:3-5) Saka vatarisire senhaka, sezvinonzi uchazvidavirira kuna Mwari nezvokuti unovarera sei, nokuti chiripo ndechokuti uchazvidavirira.

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neZvapupu zvaJehovha. Ona chitsauko 40 chinoti, “Nzira Yokufadza Nayo Mwari.”

Ungapindura Sei?

• Nei vabereki vachifanira kudzivirira vana vavo kunyanya mazuva ano?

• Kudzidzisa kworudzii kunopa uchenjeri?

• Inyaya dzipi dzinokosha dzaunofanira kukurukura nevana vako mazuva ano?

• Bhuku rinonzi Mudzidzisi rakabatsira sei vabereki kuti vadzidzise vana vavo?

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 18, 19]

Bhuku Romunhu Wose

Bhuku rinonzi Dzidza Kumudzidzisi Mukuru rakagadzirirwa kuti ribatsire vabereki kana kuti vamwe vanhu vakuru kuti vaverenge uye vakurukure nevana dzidziso dzaJesu Kristu. Asi vanhu vakuru vakaverenga bhuku racho vakaratidza kuonga nomwoyo wose zvavakadzidza.

Mumwe murume wokuTexas, U.S.A., akati: “Dzidza Kumudzidzisi Mukuru riri nyore zvinonwisa mvura, rinotikurudzira pasinei nezera—kunyange wava nemakore 76, sezvandakaita. Makaita basa chaizvo, kubva kune ave achishumira Jehovha kubvira achiri pwere.”

Mumwe muverengi ari muLondon kuEngland, anoti: “Mifananidzo yakaisvonaka inotokwezva mwoyo yevabereki nevana zvakafanana. Mibvunzo yacho nemanyorerwo arakaitwa zvakanaka kwazvo, uye zvinofadza zvikuru kuona nyaya dzinoda kutaurwa nokungwarira dzichikurukurwa, sezvakaita muchitsauko 32 chinoti, ‘Nzira Iyo Jesu Akadzivirirwa Nayo.’” Akagumisa achiti: “Kunyange zvazvo zviri pachena kuti bhuku iri rakanyanya kugadzirirwa vana veZvapupu zvaJehovha, ndinofunga kuti vadzidzisi nevamwe vachafara zvikuru kuvawo neravo. Ndinotarisira kurishandisa mumwedzi uye mumakore anotevera.”

Mumwe mukadzi wokuMassachusetts, U.S.A., akataura nezve“mifananidzo yakanyatsofungwa,” yakawanda. Akanyora kuti: “Ndakaona kuti kunyange zvazvo bhuku iri rakagadzirirwa vana, nyaya dzinokurukurwa dzingatibatsirawo isu vakuru kuti tifunge nezvoukama hwedu naJehovha somunhu oga.”

“Iii! Ibhuku rakazonaka!” akadaro mumwe mukadzi wokuMaine, U.S.A. Harisi revaduku chete asi nderedu tose sevana vaMwari. Rakandibaya pasi pasi pomwoyo wangu uye rakandikurudzira rikandinyaradza, zvokuti ndakava norugare. Ndinonzwa ndava pedyo zvikuru naJehovha saBaba vangu. Andibvisira marwadzo ose andaiva nawo kwemakore uye aita kuti chinangwa chake chive chakajeka kwazvo.” Akapedzisa achiti: “Ndiri kuudza munhu wose kuti, ‘Ndapota riverengei.’”

Mumwe mukadzi womuKyoto, kuJapan, akati paakanga achiverengera vazukuru vake, vaibvunza mibvunzo, yakadai seyokuti, “‘Mukomana uyo ari kuitei? Musikana uyu ari kutukirwei? Amai ava vari kuitei? Ko shumba iyi?’ Rinodzidzisa zvinhu zvatinofarira, saka ndinorida kwazvo kupfuura chero bhuku ripi zvaro randingawana muraibhurari.”

Vamwe baba vari muCalgary kuCanada, vanoti pavakangogamuchira bhuku racho, vakatanga kuriverengera mwanasikana wavo ane makore matanhatu nomwanakomana wavo ane makore mapfumbamwe. Vanoti, “Vakabva vangotanga kuita zviri mubhuku racho. Vana vangu vaiteerera uye vaipindura mibvunzo yacho zvichibva mumwoyo yavo. Vainzwa kuti vane zvavaiitawo pachidzidzo chacho, uye zvakavapa mukana wokutaura manzwiro avaiita. Vava nechido, uye mwanasikana wangu anoti anoda kudzidza bhuku idzva racho manheru oga oga.”

Pashure pokunge vaita chimwe chidzidzo, baba vacho vakati: “Ini nomwanakomana wangu takataura kwemaawa akawanda pamusoro paJehovha nezvinangwa zvake. Akanga aine mibvunzo yakawanda kwazvo yaibva mubhuku racho. Ndakasvimha misodzi paakati baba morara zvakanaka ndokubvunza kuti: ‘Baba, zvingaita here kuti tizozviitazve? Ndine mibvunzo yakawanda kwazvo, uye ndinoda kuziva zvose pamusoro paJehovha.’”

[Mufananidzo uri papeji 15]

Vabereki, mungadzidzei mumuenzaniso waManoa?

[Mufananidzo uri papeji 16]

Vaduku, mungadzidzei mumuenzaniso wevaHebheru vatatu?

[Mifananidzo iri papeji 17]

Mifananidzo nemashoko anotsanangura mifananidzo zviri mubhuku rinonzi “Mudzidzisi” zvishandiso zvokudzidzisa zvine simba

Ananiyasi ari kuudza Petro nhema dzokuti chii?

Ndiani anogona kuona zvose zvatinoita?

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe