RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w03 5/1 p. 31
  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Mibvunzo Inobva Kuvaverengi
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
  • Mashoko Akafanana
  • Mibvunzo Inobva Kuvaravi
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1998
  • Mukomana Ane Dhemoni Anoporeswa
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1988
  • Jesu Anoita Mabasa Makuru muKapenaume
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
  • Jesu Anoporesa Mukomana Akagarwa Nedhimoni
    Jesu—Nzira Nechokwadi Neupenyu
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2003
w03 5/1 p. 31

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Kana muKristu achinzwa manzwi, izvozvo zvinoreva here chaizvoizvo kuti anenge achirwiswa nemadhimoni?

Aiwa. Kunyange zvazvo madhimoni ave achinzi anozviratidza munzira iyoyo, vanhu vakawanda vanonzwa manzwi kana kuti manzwiro asingatsananguriki, anokangaidza vakaongororwa vakaziva kuti vane chinetso choutano.

Kunyange muzana remakore rokutanga, zvainyatsozivikanwa kuti kurwiswa nemadhimoni uye kurwara dzimwe nguva zvinoita kuti munhu anzwe saizvozvo. Pana Mateu 17:14-18, tinoverenga nezvomukomana wechiduku akaporeswa naJesu. Kunyange mukomana uyu akanga aratidza zviratidzo zvetsviyo kanoverengeka, chaizvoizvo kutambura kwake kwaikonzerwa nedhimoni. Zvisinei, panguva yokutanga apo vanhu vazhinji-zhinji vaitambura vakaunzwa kuna Jesu kuti vazoporeswa, ava vaisanganisira vamwe vaiva “nemadhimoni nevaiva netsviyo.” (Mateu 4:24) Zviri pachena kuti zvakazivikanwa kuti vamwe vaiva netsviyo vaisava nemadhimoni. Vairwara.

Zvinoshumwa kuti vamwe vanotambura nechirwere chepfungwa (schizophrenia), chirwere chinowanzorapwa nomushonga, vanonzwa manzwi kana kuti vanonzwa zvimwe zviratidzo zvingaita sechimwe chinhu chisinganzwisisiki.a Zvimwe zvirwere zvingakonzerawo kuvhiringidzika mupfungwa zvokuti vamwe vangafunga zvisiri izvo kuti zviri kukonzerwa nemadhimoni. Saka, kunyange munhu anotaura kuti anonzwa manzwi kana kuti ane mamwe manzwiro anokangaidza ngaafungirewo kuti angangove ari kunetswa nemadhimoni, chaizvoizvo anofanira kukurudzirwa kufunga nezvokuongorora kana pane tsanangudzo chaiyo yezvaari kunzwa.

[Mashoko Omuzasi]

a Ona nyaya inoti “Kuwadzanyura Chakavanzika Chechirwere Chendangariro,” muMukai! No. 2, 1987, imwe yemagazini yeNharireyomurindi.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe