RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w01 2/1 pp. 24-29
  • Kushanda Kwose Kwandaidiwa

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kushanda Kwose Kwandaidiwa
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Kuita Kuti Chokwadi cheBhaibheri Chive Chedu
  • Kutarisana Nemhirizhonga Yemhomho
  • Kubasa Roumishinari
  • Kurera Mhuri
  • Kusanyatsoziva Zvinozoitika Muupenyu Hwemhuri
  • Kuchengeta Meso Nemwoyo Zvakanangidzirwa Pamubayiro
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1996
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • “Kutanga Kutsvaka Umambo”
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2001
w01 2/1 pp. 24-29

Nyaya Youpenyu

Kushanda Kwose Kwandaidiwa

YAKATAURWA NAJAMES B. BERRY

Maiva muna 1939. Kuderera Kwoupfumi kwakanga kuchiita kuti upenyu huome muUnited States, uye hondo yakanga ichipararira zvinotyisa muEurope yose. Ini nomunun’una wangu Bennett takanga tafamba kubva kumusha kwedu kuMississippi kuenda kuHouston, Texas, tichitsvaka basa.

RIMWE zuva zhizha rava kunopera, takanzwa chiziviso chinotyisa chichishoshomera paredhiyo kuti: Mauto aHitler akanga apinda muPoland. “Amagedhoni yatanga!” munun’una wangu akakanuka achidaro. Pakarepo, takasiya mabasa edu. Takaenda kuHoro yoUmambo yaiva pedyo ndokupinda musangano wedu wokutanga. Nei takaenda kuHoro yoUmambo? Regai nditangire kwokutanga.

Ndakaberekerwa muHebron, Mississippi, muna 1915. Taigara kumaruwa. Vadzidzi veBhaibheri, sokudanwa kwaiitwa Zvapupu zvaJehovha panguva iyoyo, vaipfuura nomunharaunda yacho kanenge kamwe pagore uye vaironga kupa hurukuro pamusha womumwe munhu. Somugumisiro, vabereki vangu vakanga vane mabhuku eBhaibheri akawanda. Ini naBennett takasvika pakudavira zvaidzidziswa nemabhuku aya zvokuti: Hero haipisi, mweya unofa, vakarurama vachagara pasi pano nokusingaperi. Asi, pakanga pachine zvakawanda zvataifanira kudzidza. Pane imwe nguva ndapedza chikoro, ndakaenda kuTexas nomunun’una wangu kunotsvaka basa.

Patakazowana Zvapupu paHoro yoUmambo, zvakatibvunza kana taiva mapiyona. Takanga tisingatombozivi kuti piyona aiva mushumiri wenguva yakazara weZvapupu zvaJehovha. Ipapo zvakatibvunza kana taizoda kuparidza. “Chokwadi!” takabvuma. Takafunga kuti zvaizoita kuti tiende nomumwe munhu kuti atiratidze maitirwo acho. Asi, zvakangotipa mepu ndokutiudza kuti, “Shandai ikoko!” Naizvozvo, ini naBennett takanga tisina kana chataiziva nezvokuti zvinoparidzwa sei, uye taivenga kunyadziswa. Pakupedzisira, takangokanda kadhi rendima mubhokisi retsamba ndokudzokera kuMississippi!

Kuita Kuti Chokwadi cheBhaibheri Chive Chedu

Tadzokera kumusha, taiverenga mabhuku eZvapupu zvaJehovha mazuva ose kwerinenge gore. Pamusha pedu pakanga pasina magetsi, saka manheru taiverenga nechiedza chomoto. Mumazuva iwayo varanda vematunhu, kana kuti vatariri vanofambira, vaishanyira ungano dzeZvapupu zvaJehovha uye Zvapupu zvaiva zvoga kuti vazvisimbise mumudzimu. Mumwe wevaranda vematunhu ava, Ted Klein, akashanyira ungano yedu uye akaenda neni naBennett mubasa rokuparidza paimba neimba, achiwanzoenda nesu tiri vaviri pamwe chete. Akatitsanangurira kuti basa rokupayona rakaita sei.

Kuva naye zvechokwadi kwakaita kuti tifunge kuita zvakawanda kuti tishumire Mwari. Saka zvakaitika kuti musi waApril 18, 1940, Hama Klein vakabhabhatidza Bennett, hanzvadzi yedu Velva neni. Vabereki vedu vaivapo patakabhabhatidzwa, uye vakafarira chisarudzo chedu. Anenge makore maviri gare gare, vakabhabhatidzwawo. Vose vakaramba vakatendeka kuna Mwari kusvikira vafa—Baba muna 1956 uye Amai muna 1975.

Hama Klein pavakandibvunza kana ndaigona kupayona, ndakavaudza kuti ndaizoda, asi ndakanga ndisina mari, ndisina mbatya, ndisina kana kai zvako. “Zvakanaka,” vakadaro, “Ndichazvigadzirisa.” Uye vakadaro. Kutanga vakatumira chikumbiro changu chokupayona. Ipapo vakaenda neni kuNew Orleans, kure nemakiromita 300, ndokundiratidza makamuri akaisvonaka pamusoro peHoro yoUmambo. Akanga ari emapiyona. Munguva pfupi yakatevera ndakatamira ikoko ndokutanga basa rangu sapiyona. Zvapupu zvomuNew Orleans zvakabatsira nokupa mapiyona mbatya, mari, nezvokudya. Masikati, hama dzaiunza zvokudya dzichisiya zviri pamusuo kana kutotiisira mufiriji. Imwe hama yaiva neresitorendi yakanga iri pedyo yakatikoka kuti tiuye nguva dzose panguva dzokuvhara kuzotora zvokudya zvitsva—zvakadai senyama, chingwa, mhiripiri, uye mapayi—zvinenge zvasara pazuva racho.

Kutarisana Nemhirizhonga Yemhomho

Pashure penguva yakati, ndakaendeswa kunopayona kuJackson, Mississippi. Ini nomumwe wandaiva naye muduku takasangana nemhirizhonga yemhomho ikoko, uye zvaiita sokuti vachengetedzi vomutemo veimomo vaitsigira mhomho! Zvaiva zvakadaro mumugove wedu wakatevera—muColumbus, Mississippi. Sezvo taiparidzira vanhu vemadzinza ose nemarudzi, vamwe vachena vaitivenga. Vakawanda vaidavira kuti taiva nemhaka yokupandukira zviremera. Mukuru mukuru wemauto eAmerican Legion, sangano rakavimbika zvikuru kuchiremera chenyika, aiva nepfungwa idzodzo. Kakawanda akamutsa mhomho dzine vanhu vakatsamwa kuti dzitirwise.

Nguva yokutanga yatakarwiswa muColumbus, mhomho yakativinga patakanga tichigovera magazini pamugwagwa. Yakatisundidzira pagirazi rehwindo rechitoro. Boka revanhu rakaungana kuti rione zvaiitika. Munguva pfupi yakatevera mapurisa akasvika ndokutitora kuenda kudare. Mhomho yacho, sezvo yakanga yatitevera kudare, yakazivisa pamberi pevakuru vakuru vose vaivapo kuti kana tikabuda muguta panozosvika zuva rakati, taizobuda tiri vapenyu. Kana taizobuda zuva iroro rapfuura, taizobuda tisiri vapenyu! Takaona zvakanaka zvikuru kuti tibude muguta kwenguva yakati. Asi vhiki shomanana gare gare, takadzokera ndokutangazve kuparidza.

Pasina nguva refu tadaro, boka revarume vasere rakatirwisa ndokutimanikidza kupinda mumotokari dzavo mbiri. Vakatyaira vachipinda nesu musango, vakatibvisa mbatya dzedu, ndokurova mumwe nomumwe wedu ka30 nebhandi rangu! Vakanga vaine pfuti uye kunyange tambo, uye apa zvechokwadi takatya. Ndakafunga kuti vaizotisunga ndokutikanda murwizi. Vakabvarura mabhuku edu ndokuamwaradzira uye vakatopwanyira giramufoni redu pachigutsa chomuti kuita zvidimbu zvidimbu.

Vatirova, vakatiti tipfeke mbatya dzedu uye tifambe tichidzika nekanzira kaiva musango pasina kucheuka. Pataifamba, takafunga kuti dai taizongoti cheu, vaizotipfura tikafa—pasina zvavaizoitwa! Asi kwapera maminiti mashomanana, takavanzwa vave kutyaira vachienda.

Pane imwe nguva, mhomho yevanhu vakatsamwa yakatidzingirira, uye taifanira kusungirira mbatya dzedu muhuro ndokushambira murwizi kuti titize. Nguva pfupi izvozvo zvaitika, takasungwa tichipiwa mhosva yokupandukira chiremera. Takapedza vhiki nhatu tiri mujeri tisati tatongwa. Chiitiko chacho chakashambadzwa zvikuru muColumbus. Vadzidzi vepakoreji yaiva pedyo vakatobvumirwa kupedza zvidzidzo nokukurumidza kuti vavepo. Zuva racho parakasvika, imba yedare yakati pamu pamu—maiva nenzvimbo yokumira chete! Vaipupurira Hurumende vaisanganisira vaparidzi vaviri, meya, uye mapurisa.

Chapupu chiri gweta chinonzi G. C. Clarke neshamwari yacho vakatumwa kuzotimiririra. Vakakumbira kuti kupomerwa kupandukira chiremera kuregwe nemhaka yokushayika kwouchapupu. Gweta raishanda naHama Clarke, kunyange zvazvo rakanga risi mumwe weZvapupu zvaJehovha, rakataura zvakasimba richitimiririra. Pane imwe nguva rakaudza mutongi kuti, “Vanhu vanoti Zvapupu zvaJehovha zvinopenga. Kupenga? Thomas Edison aipenga!” Ipapo rakanongedzera pagirobhu regetsi ndokuti, “Asi tarirai girobhu iro!” Edison, akagadzira girobhu, angave akanzi nevamwe anopenga, asi hapana aigona kupikisa zvaakabudisa.

Anzwa uchapupu hwacho, mutongi anotungamirira wedare rinotenderera akazivisa muchuchisi kuti: “Hauna kana uchapupu hushomanana hwokupandukira kwavo chiremera, uye vane kodzero yokuita basa iri. Usavadzosa mudare rino zvekare ndokutambisa nguva nemari yeHurumende nenguva yanguwo kusvikira wava nouchapupu!” Takanga takunda!

Zvisinei, pashure, mutongi wacho akatidana mukamuri rake. Aiziva kuti dhorobha rose raisabvumirana nezvaakanga asarudza. Saka akatinyevera kuti: “Zvandataura zvanga zviri maererano nomutemo, asi zano randinokupai nderokuti: Budai muno, mukasadaro vachakuurayai!” Takaziva kuti aitaura chokwadi, saka takabuda mudhorobha racho.

Kubvira ipapo ndakabatana naBennett naVelva, vaishanda semapiyona chaiwo vari muClarksville, Tennessee. Mwedzi mishomanana yapera, takaiswa kuParis, Kentucky. Gore nehafu gare gare, takanga tava kutoda kuumba ungano ikoko apo ini naBennett takakokwa kubasa rinokosha zvikuru.

Kubasa Roumishinari

Patakakokwa kuzopinda kirasi yechipiri yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi, takafunga kuti, ‘Vakanganisa! Nei vangakoka vakomanawo zvavo vechiduku vaviri vokuMississippi kuchikoro ichocho?’ Taifungidzira kuti vanoda vanhu vakadzidza, asi takangoenda zvakadaro. Kirasi yacho yakanga ine vadzidzi 100, uye kosi yacho yakatora mwedzi mishanu. Takapedza chikoro musi waJanuary 31, 1944, uye taida zvikuru kushanda kunyika yokumwe. Asi mumazuva iwayo, kunyoresa mapasipoti nemavhiza zvaitora nguva refu, nokudaro vadzidzi vakanzi vambofanoshandira kuUnited States. Tashanda kwenguva yakati semapiyona muAlabama neGeorgia, ini naBennett pakupedzisira takapiwa mugove wedu—Barbados, West Indies.

Hondo Yenyika II yakanga ichiri kurwiwa, uye basa nemabhuku eZvapupu zvaJehovha zvakanga zvarambidzwa munzvimbo dzakawanda, kusanganisira muBarbados. Pamuganhu wenyika, vakuru vakuru vakavhura ndokuongorora mikwende yedu ndokuwana mabhuku atakanga taviga imomo. Takafunga kuti, ‘Tazopera.’ Asi, mumwe mukuru mukuru akatiudza kuti: “Tine urombo tinofanira kuongorora mukwende wenyu; mamwe emabhuku aya haabvumirwi muBarbados.” Zvisinei, akatirega tichipinda nemabhuku ose atakanga tarongedza! Gare gare, patakapupurira kuvakuru vakuru vehurumende, vakati vakanga vasingazivi kuti nei mabhuku acho akanga asingabvumirwi. Pashure pemwedzi yakati, akatanga kubvumirwa.

Takabudirira zvikuru muushumiri muBarbados. Mumwe nomumwe wedu akadzidzisa Bhaibheri vanhu vanenge 15, uye vakawanda vevadzidzi vacho vakafambira mberi mumudzimu. Takafara kuona vamwe vachiuya kumisangano yeungano. Zvisinei, nemhaka yokuti mabhuku akanga arambidzwa kwenguva yakati, hama dzeikoko dzakanga dzisinganzwisisi kuti panguva iyoyo misangano yaifanira kuitiswa sei. Zvisinei, munguva pfupi yakatevera takakwanisa kurovedza dzimwe hama dzakati dzaikwanisa. Takafara kubatsira vakawanda vevadzidzi vedu kutanga kuita ushumiri hwechiKristu uye kuona ungano ichikura.

Kurera Mhuri

Ndapedza inenge mwedzi 18 muBarbados, ndaida kuvhiyiwa saka ndaifanira kudzokera kuUnited States. Ndiri ikoko, ndakaroora Chapupu chinonzi Dorothy wandakanga ndichimbonyorerana naye tsamba. Ipapo ini nomudzimai wangu takapayona muTallahassee, Florida, asi mwedzi mitanhatu yapera takatamira kuLouisville, Kentucky, kwandakanga ndapiwa basa nechimwe Chapupu. Munun’una wangu Bennett akaramba achiita basa rake muBarbados kwemakore akawanda. Akazoroora mumwe mumishinari ndokushanda mubasa rokufambira muzvitsuwa. Pakupedzisira, vaifanira kudzokera kuUnited States nemhaka youtano husina kunaka. Vakaramba vachishanda muungano dzinotaura chiSpanish mubasa rokufambira kusvikira pakafa Bennett muna 1990 pazera remakore 73.

Muna 1950, Dorothy akabereka mwana wedu wokutanga, musikana watakatumidza zita rokuti Daryl. Takazova nevana vashanu. Mwana wedu wechipiri, Derrick, akafa nemeningitis yomuzongoza achingova nemakore maviri nehafu. Asi Leslie akaberekwa muna 1956, uye Everett akatevera muna 1958. Ini naDorothy takaedza kurera vana vedu munzira yechokwadi cheBhaibheri. Nguva dzose taiedza kuva nepurogiramu yevhiki nevhiki yokudzidza Bhaibheri semhuri uye taiita kuti ifadze vana vose. Daryl, Leslie, naEverett pavaiva vachiri vaduku, taivapa mibvunzo vhiki yoga yoga yokutsvakurudza ndokupindura vhiki yaitevera. Vaienzanisirawo kuparidza paimba neimba. Mumwe aipinda muwodhiropu oedzesera kuva saimba. Mumwe aimira kunze ogogodza. Vaishandisa mashoko okutyisidzirana, asi izvi zvakavabatsira kuti vanzwe vachida basa rokuparidza. Taiparidzirawo navo nguva nenguva.

Pakaberekwa mwanakomana wedu wokupedzisira Elton muna 1973, Dorothy aiva nemakore anoda kusvika 50 uye ndakanga ndave kutosvitsa 60. Muungano, vaitidana kuti Abrahamu naSara! (Genesi 17:15-17) Vakomana vakuru kazhinji vaienda naElton kuushumiri. Takafunga kuti hwaiva uchapupu hwakasimba zvikuru kuti vanhu vaone mhuri—hama nehanzvadzi, vabereki nevana—vachishanda pamwe chete, vachikurukura chokwadi cheBhaibheri nevamwe. Vakoma vaElton vaichinjana kumutakura pamapfudzi avo vomubatisa turakiti reBhaibheri muruoko rwake. Kazhinji vanhu vaiteerera pavaivhura musuo ndokuona uyu mukomana muduku ari pamapfudzi omukoma wake mukuru. Vakomana vacho vakadzidzisa Elton kuti ape munhu wacho turakiti pavainge vapedza kukurukura uye kutaura mashoko mashoma. Ndiwo matangiro aakaita kuparidza.

Mumakore ose aya, tave tichikwanisa kubatsira vamwe kusvika pakuziva Jehovha. Mukupera kwema1970, takabva kuLouisville ndokuenda kuShelbyville, Kentucky, kunoshanda muungano yaiva nevaparidzi vashoma. Pataiva ikoko, taisangoona kukura kweungano chete asiwo takabatsira kuwana nzvimbo ndokuvaka Horo yoUmambo. Gare gare takakumbirwa kunoshanda mune imwe ungano yaisava kure zvikuru.

Kusanyatsoziva Zvinozoitika Muupenyu Hwemhuri

Ndaishuva kuti vana vedu vose varambe vari munzira yaJehovha, asi handizvo zvakaitika. Vakura uye vabva pamusha, pavana vedu vana vapenyu vatatu vakasiya nzira yechokwadi. Zvisinei, mwanakomana wedu Everett akatevera muenzaniso wangu ndokupinda muushumiri hwenguva yakazara. Akazoshanda padzimbahwe renyika reZvapupu zvaJehovha muNew York uye muna 1984 akakokwa kuti apinde kirasi yeGiriyedhi yechi77. Apedza kudzidza, akaenda kumugove wake kuSierra Leone, muWest Africa. Muna 1988 akaroora Marianne, piyona anobva kuBelgium. Vakashanda pamwe chete semamishinari kubvira ipapo.

Sokufungidzira kungaita mubereki upi noupi, zvakatiodza mwoyo kuona vana vedu vatatu vachisiya nzira youpenyu inogutsa zvino uye ine tariro yakaisvonaka youpenyu husingaperi muparadhiso yepasi munguva yemberi. Dzimwe nguva ndaizvipa mhaka. Asi ndakanyaradzwa nokuziva kuti kunyange vamwe vana vomudzimu vaJehovha pachake, kana kuti ngirozi, vakarega kumushumira—kunyange zvazvo Jehovha achiranga murudo nomutsa uye asingambokanganisi. (Dheuteronomio 32:4; Johani 8:44; Zvakazarurwa 12:4, 9) Izvi zvakandisimbisira kuti chero vabereki vangaedza sei kurera vana vavo munzira yaJehovha, vamwe kunyange zvakadaro vangaramba kugamuchira chokwadi.

Somuti unovhuvhutwa nemhepo yakasimba, tinofanira kuchinjira kumatambudziko akasiyana-siyana nezvinetso zvatinosangana nazvo. Mumakore ose apfuura, ndakaona kuti kudzidza Bhaibheri nguva dzose nokupinda misangano zvakandipa simba iroro rokuchinja ndokuramba ndiri mupenyu mumudzimu. Sezvandinokura ndichiona zvikanganiso zvandaiita munguva yakapfuura, ndinoedza kutarira pane zvakanaka zvandakaita. Pashure pezvose, kana tikangoramba takatendeka, zviitiko zvakadaro zvinongowedzera kukura kwedu mumudzimu. Kana tikadzidza mazviri, mamiriro ezvinhu oupenyu asina kunaka angava nezvimwe zvakanaka.—Jakobho 1:2, 3.

Ini naDorothy zvino hatichina utano kana simba rokuita zvataizoda kuita mubasa raJehovha. Asi tinofara nemhaka yokutsigira kwehama nehanzvadzi dzedu dzinodiwa dzechiKristu. Painenge misangano yose, hama dzinotiudza kuti dzinoonga sei kuva kwedu ipapo. Uye dzinozvipira kutibatsira munzira ipi neipi inobvira—kunyange pakugadziridza imba nemota.

Kamwe chete munguva yakati, tinokwanisa kuita basa roupiyona hwebetsero, uye tinodzidzisa vanhu vanofarira. Mufaro unokosha watinova nawo nguva dzose ndewokugamuchira nhau dzinobva kumwanakomana wedu ari kushanda muAfrica. Tichiri kuita chidzidzo chedu cheBhaibheri chemhuri, kunyange zvazvo changova chedu tiri vaviri zvino. Tinofara kuti takapedzera makore akawanda zvakadaro mubasa raJehovha. Anotivimbisa kuti haazo‘kanganwi basa redu norudo rwatakaratidza nokuda kwezita rake.’—VaHebheru 6:10.

[Mufananidzo uri papeji 25]

Velva, Bennett, uye ini ndichibhabhatidzwa naTed Klein musi waApril 18, 1940

[Mifananidzo iri papeji 26]

Nomudzimai wangu, Dorothy pakutanga kwema1940 uye muna 1997

[Mufananidzo uri papeji 27]

Hurukuro yavose inoti, “Muchinda Worugare,” ichishambadzwa pabhazi rinofamba muguta muBarbados

[Mufananidzo uri papeji 27]

Munun’una wangu Bennett ari mberi kwomusha wemamishinari

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe