Mano Ako Ngaarege Kukukanganisa
Nemakamuri ayo 16 asingapindi mvura pakukura kwayo, ngarava yeumbozha yainzi Titanic yaionekwa seisinganyuri. Murwendo rwayo rwekutanga muna 1912, yakatakura inenge hafu chete yenhamba yemagwa aidiwa ekuponesa upenyu. Ngarava yacho yakarovera padombo guru rechando ndokunyura, vanhu vanopfuura 1 500 vakafa.
MAMBO Uzia weJerusarema rekare aitya Mwari aiva mutungamiriri wemauto akangwara. Achibatsirwa naJehovha, akakunda vavengi vake mumwe pashure pemumwe. “Mbiri yake ikapararira; nokuti wakabatsirwa zvinoshamisa, kusvikira asimba.” Asi zvadaro “mwoyo wake ukazvikudza . . . akatadzira Jehovha Mwari wake.” Nemhaka yekuzvikudza kwaUzia, akarohwa nemaperembudzi.—2 Makoronike 26:15-21; Zvirevo 16:18.
Nhoroondo mbiri idzi dzinotidzidzisa kuti mano, kana asingashandiswi neuchenjeri, zvine mwero, nekuzvininipisa, anogona nyore kutikanganisa kana kusatibatsira. Izvi zvinoda kufungisisa, nokuti mumwe nemumwe wedu ane mano akati, kana kuti zvipo munzira dzakasiyana-siyana, uye tinoda kuti izvi zvibatsire uye zvipe mufaro kwatiri nekune vamwe, kunyanya kuMusiki wedu. Zvechokwadi, tinoda kushandisa zvakazara chero chipo chipi zvacho chakabva kuna Mwari chatingave tinacho asi panguva imwe chete tichichishandisa zvakanaka kuitira kuti chirambe chiri chinobatsira chinokosha.
Somuenzaniso, munhu anoda basa rake angagona kuchinja nyore chipo ichi kuva chikanganiso nokushanda zvokupfuura mwero. Munhu akachenjera haangafurirwi kana kunyengedzwa nyore, asi angazvichenjerera kusvika pakusamboita zvisarudzo. Kushanda nenguva chinhu chakanakawo, asi kukanyanya, zvokukanganwa zvinogonwa nemunhu, mugumisiro wacho ungava mhoteredzo isinganakidzi, yokuva woga inokonzera kusafara. Saka wana nguva yokumboongorora mano ako. Unoashandisa zvakanaka here? Iwo chikomborero kune vamwe here? Kupfuura zvose, unoashandisa kukudza Jehovha, Mupi we“zvipo zvose zvakanaka” here? (Jakobho 1:17) Nemhaka yeizvozvo, ngatimbonyatsotarisai mimwe mienzaniso mishomanana yemano anogona kutikanganisa, kana kusatibatsira, kana asiyiwa asina kuongororwa.
Shandisa Mano Ako Epfungwa Nokuchenjera
Zvechokwadi mano akanaka anobatsira. Uyezve, anogona kutikanganisa kana akatitungamirira kuti tizvivimbe zvakanyanya kana kutiita kuti titange pfungwa yekuzvikwidziridza, kunyanya kana vamwe vachitirumbidza kwazvo kana kutibata kumeso. Kana kuti tingatanga kuona Shoko raMwari nemabhuku ekudzidza akavakirwa paBhaibheri nemaonero evanhu.
Kuzvivimba zvakanyanya kungaonekwa munzira dzakasiyana-siyana. Somuenzaniso, mumwe munhu ane mano akanaka paanopiwa mugove wekukurukura muungano yechiKristu, zvichida ingave hurukuro yavose kana kuti hurukuro paChikoro Choushumiri Chokutonga Kunoitwa naMwari, angatozogadzirira nguva yapera, zvimwe kutorega kunyengeterera chikomborero chaJehovha. Panzvimbo pezvo, anovimba nezivo yake yaanayo uye mano ake ekufungira ipapo. Mano ekuzvarwa nawo angavhariridza kwenguva yakati kuregeredza kwake, asi pasina chikomborero chaJehovha chakazara, kufambira mberi kwake mumudzimu kunozoderera, zvichida kana kutomira. Kutambiswa kwakadini kwechipo chakanaka!—Zvirevo 3:5, 6; Jakobho 3:1.
Mumwe munhu ane mano akanaka angaona Bhaibheri nemabhuku anobatsira kudzidza Bhaibheri nemaonero emunhu. Zvisinei, zivo yakadaro inongo“tutumadzisa,” kana kuti inosimudzira kuzvikwidziridza; ‘haivaki’ ukama hune rudo hwechiKristu. (1 VaKorinde 8:1; VaGaratiya 5:26) Ukuwo, murume wemudzimu, pasinei zvapo nemano ake epfungwa, nguva yose anonyengeterera uye anovimba nemudzimu waMwari. Mano ake anobva atowedzera kubatsira sezvaanokura murudo, kuzvininipisa, zivo, neuchenjeri—uye zvose izvi zvichiitwa nemwero.—VaKorose 1:9, 10.
Mano anogonawo kutikanganisa kana nawo tikatanga pfungwa yekuzvikwidziridza, zvinoratidza kushaikwa kwekuzvininipisa. Munhu ane chipo—nechero ani zvake anomuyemura—vangakanganwa kuti Jehovha “haana hanya nevane mwoyo yakachenjera,” zvisinei nokuti vangave nezvipo zvakadini. (Jobho 37:24) “Uchenjeri huri kuna vanozvininipisa,” rinodaro Shoko raMwari. (Zvirevo 11:2) Nyange zvazvo muapostora Pauro aiva akachenjera uye akadzidza kwazvo, akati kuVakorinde: “Ini, pandakauya kwamuri, hama, handina kuuya nokutaura kwokunyanyisa kana kwouchenjeri . . . ndakauya kwamuri ndisina simba uye norutyo nokudedera kukuru; uye kutaura kwangu nezvandakaparidza zvaisava nemashoko okunyengetedza ouchenjeri asi nokuratidzwa kwomudzimu nesimba, kuti kutenda kwenyu kuve, kwete muuchenjeri hwevanhu, asi musimba raMwari.”—1 VaKorinde 2:1-5.
Munhu akachenjera zvechokwadi haanyengedzwi nemaonero anoita nyika uchenjeri, kana nezvainoti ndizvo zvinounza kubudirira. Saka panzvimbo pokushandisa zvipo zvake kuwana rukudzo runobva kuvanhu kana kuzviwanira pfuma yakawanda yenyika, anopa zvaanogona kune Munhu akamupa upenyu nemano ake. (1 Johani 2:15-17) Nemhaka yeizvozvo zvinhu zveUmambo ndizvo zvaanoisa pakutanga muupenyu hwake, achiva se“muti wakasimwa pahova dzemvura” unobereka michero. Nemhaka yekukomborera kwaJehovha, kwete zvipo zvake pachake zvekuzvarwa nazvo, “chinhu chipi nechipi chaanoita chichaendika.”—Pisarema 1:1-3; Mateu 6:33.
Ita Kuti chiKristu Chiwedzere Mano Ako
Nezvachiri chete, chiKristu chakazara nemano asina uzivi hwenyika. Somuenzaniso, nzira yechiKristu yokurarama, inoita kuti pave nanababa nanamai vakanaka, vavakidzani, nevashandi vakanaka—vanhu vakavimbika, vanoremekedzwa, vane rugare, nevanoshingaira. (VaKorose 3:18-23) Uyezve, kurovedza kwechiKristu mukutaura nekudzidzisa kunovaka unyanzvi hwakanaka hwekukurukurirana. (1 Timoti 4:13-15) Saka, hazvishamisi kuti vaKristu kazhinji vanodiwa nevavanoshandira kuti vavape mamwe mabasa okuwedzera nekuvakwidziridza. Asi mano akadaro anogona kushandiswa zvisiri izvo kana akasashandiswa zvakanaka. Kukwidziridzwa kana kupiwa basa rinobhadhara zvingareva chaizvoizvo kuzvipira kukambani, kurega kupinda misangano yechiKristu nguva nenguva, kana kutambisa nguva inokosha yokuti munhu ave nemhuri yake.
Mumwe mukuru wechiKristu neane mhuri kuAustralia, aivawo muzvinabhizimisi aibudirira kwazvo, “aiva nemukana wekuwana pfuma yenyika nekukudzwa,” sezvinotaura chirevo chacho. Asi akaramba muedzo wekubudirira mugadziriro ino. “Ndaida kupedza nguva yakawanda nemhuri yangu uye muushumiri hwechiKristu,” akadaro. “Saka ini nemudzimai wangu takabvumirana kuti ndinyatsoderedza nguva yandinopedzera kubasa rangu rokunyika. Nei ndichifanira kushanda mazuva mashanu pavhiki kana ndisingafaniri kudaro?” akawedzera kudaro. Nokugadziridza upenyu hwake kushomanana kwakanyatsofungwa, mukuru uyu akawana kuti ainge achiri kugona kutarisira mhuri yake nokushanda mazuva matatu kana mana pavhiki. Nokufamba kwenguva, akakokwa kuzoita dzimwe ropafadzo dzebasa, dzakadai sekushanda muDare reHoro yeGungano remunharaunda imomo nekutarisira kokorodzano yeruwa. Achitungamirirwa neuchenjeri, mano ake akamuunzira mufaro negutsikano pamwe nemhuri yake.
Kuona Ropafadzo Zviri Pakati Nepakati
Varume vechiKristu vanokurudzirwa kusvasvavirira ropafadzo dzebasa muungano. “Kana murume upi noupi ari kusvasvavirira nzvimbo youtariri [kana yomushumiri], ari kuda basa rakanaka kwazvo.” (1 Timoti 3:1) Nemhaka yemano atotaurwa, kuda kugamuchira mitoro kunodawo kuitwa zviri pakati nepakati nechisarudzo chakanaka. Hapana munhu anofanira kuita migove yakawanda zvokuti anotadza kufara mubasa raJehovha. Hungu, pfungwa inoda inorumbidzwa, zvechokwadi inodiwa, nokuti Jehovha haafariri pfungwa inoita nekumanikidzwa; asi kuda kunofanirawo kuratidzira kuzvininipisa ne“kunaka kwepfungwa.”—Tito 2:12; Zvakazarurwa 3:15, 16.
Unyoro hwaJesu, kunzwisisa, uye kuva nehanya nevamwe zvakaita kuti kunyange nevanhu varombo kwazvo vanzwe vakagadzikana paaivapo. Saizvozvowo nhasi, vanhu vanonzwa vakasununguka nevanhu vaya vane mano anonzwira tsitsi, vane unhu hune hanya nevamwe. Muungano yechiKristu, vakuru vakadaro vari nyore kutaura navo, vane ushamwari zvechokwadi “zvipo zviri varume” zvinoongwa. Ivo “utiziro pamhepo, sechivando pakunaya kukuru kwemvura, senzizi dzemvura panzvimbo yakaoma, somumvuri wedombo guru panyika yafa nenyota.”—VaEfeso 4:8; Isaya 32:2.
Asi vakuru vanofanira kuwiriranisa nguva yavanopedza vachibatsira vamwe nezvinodiwa zvavo pachavo zvefundo yomunhu oga, kufungisisa, munyengetero, uye ushumiri hwepachena. Sezvingatarisirwa, vakuru vakaroora vanodawo kuwanira mhuri dzavo nguva, kwavanofanira kunyanya kuva nyore kutaura navo.
Vakadzi Vanoita Zvakanaka—Chikomborero Chinoshamisa
Kufanana nevakuru vanoita zvakanaka, vakadzi vane pfungwa yemudzimu vanonziwo chinhu chakanaka kusangano raJehovha. Kazhinji, vakadzi vane chipo chekufarira zvinoitika mune vamwe vanhu—unhu hunokosheswa nehunokurudzirwa naJehovha. “Musingarambi muchiva nehanya nezvinhu zvenyu zvomunhu oga, asi muchiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaFiripi 2:4) Asi, uku ku“va nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga” pane pakunoperera, nokuti hapana muKristu aizoda kuva “anopindira munhau dzevamwe vanhu”; kana kuva muzvinaguhwa.—1 Petro 4:15; 1 Timoti 5:13.
Vakadzi vane zvimwe zvipo zvakawanda. Somuenzaniso, mukadzi wechiKristu, angave ane chipo chepfungwa kwazvo kupfuura murume wake. Kunyange zvakadaro, se“mukadzi unoita zvakanaka” anotya Jehovha, aizoremekedza murume wake ndokushandisa zvipo zvake kumutsigira, kwete kumukwikwidza. Uye panzvimbo pekumuitira shanje kana kumuvenga, murume anozvininipisa, akangwara anokoshesa mano emudzimai wake ofadzwa nawo. Anomukurudzira kushandisa mano ake zvakazara kuvaka mhuri yake nokubatsira vana vake ‘kutya Jehovha,’ sezvaanongoita iye. (Zvirevo 31:10, 28-30; Genesi 2:18) Varume nevakadzi vakadzikama vanozvininipisa vakadaro, vanowanikwa mumhuri dzinokudza Jehovha zvechokwadi.
Kutungamirira Unhu Hunodzora
Unhu hunodzora hwakavakirwa pane zvakarurama nokuita kuda kwaJehovha nemwoyo wose hunogona kuva chinhu chakanaka pahunoitwa zviri pakati nepakati nekudzikama nekuzvininipisa. Asi, hunogona kukanganisa kana huchikonzera kuti munhu atonge kana kutyisidzira vamwe. Izvi ndezvechokwadi kunyanya muungano yechiKristu. VaKristu vanofanira kunzwa vakasununguka kune mumwe nemumwe, kusanganisira pavanenge vari pakati pevakuru muungano.—Mateu 20:25-27.
Vakuruwo vanofanira kunzwa vakasununguka kune mumwe nemumwe. Uye pavanosangana pamwe chete, mudzimu mutsvene unofanira kupesvedzera zvisarudzo zvavo kwete unhu hunodzora. Zvechokwadi, mudzimu mutsvene unogona kupesvedzera chero mukuru upi zvake ari mudare revakuru, kubatanidza muduku kana mukuru achangogadzwa. Saka vaya vane unhu hwekudzora, kunyange pavanofunga kuti vari mugwara, vanofanira kushandisa mano avo nokudzidza unyanzvi hwemusiyano, saka ‘vachikudzana’ nevamwe vakuru. (VaRoma 12:10) Muparidzi 7:16 inonyevera nemutsa kuti: “Usava munhu wakaisvorurama, usava wakaisvochenjera; uchazviparadzireiko?”
Jehovha, Mupi we“zvipo zvose zvakanaka,” anoshandisa mano ake anoshamisa nekukwana kwakazara. (Jakobho 1:17; Dheuteronomio 32:4) Uye Mudzidzisi wedu! Saka ngatidzidze kwaari ndokushanda nesimba, mukuvandudza zvipo zvedu zvatakazvarwa nazvo, kana mano, nokuzvishandisa neuchenjeri, kuzvininipisa, nerudo. Tichava chikomborero chakadini kune vamwe!
[Mifananidzo iri papeji 27]
Kufambira mberi mumudzimu kunotsamira pakudzidza nokunyengetera uye kuvimba naJehovha
[Mufananidzo uri papeji 29]
Kuva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga kwakabatanidzwa nekudzikama chikomborero
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]
Courtesy of The Mariners’ Museum, Newport News, VA