RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 12/1 p. 25
  • Kuwedzera Kwebasa Rinoitirwa Mwari muNamibia

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kuwedzera Kwebasa Rinoitirwa Mwari muNamibia
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi 4—Zvapupu Kusvikira Kurutivi Rwuri Kuresa Rwapasi
    Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari
  • Kwatakanoshanda Tiri Mamishinari Ndiko Kwakava Musha Wedu
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2002
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 12/1 p. 25

Mushumo Wavazivisi Voumambo

Kuwedzera Kwebasa Rinoitirwa Mwari muNamibia

MASHOKO akanaka oUmambo hwaMwari akatanga kusvika muNamibia mukupera kwema1920. Kubva ipapo, mazana evanhu vane mwoyo yakatendeseka akabvuma mashoko aMwari oruponeso. Zviitiko zvinotevera zvinoratidza kuti Jehovha ari kuunganidza sei ava vanodikanwa muboka rake.—Hagai 2:7.

◻ Paulus, murimi anorima zvokurarama nazvo chete anogara kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kweNamibia, akataurwa naye kekutanga neZvapupu zvaJehovha apo akashanyira guta guru, Windhoek. Paulus akakurumidza kutenda kuti ainge awana chokwadi. Akadzokera kumba nebhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano. Zvino, ari parwendo rwokuenda kuRundu, taundi riri pedyo uko kwaiva neHoro yoUmambo, Paulus akawana Zvapupu ndokuzvikumbira kuti zvimushanyire.

Zvisinei, daro racho raiva refu kuti Zvapupu zviende kunofunda Bhaibheri vhiki nevhiki naPaulus. Asina kuodzwa mwoyo, Paulus akatanga kufunda Bhaibheri oga. Mukuwedzera, akaparidzira vamwe nokushingaira zvinhu zvaaidzidza. Nokufamba kwenguva, boka rinofunda Bhaibheri rakaumbwa. Apo iri boka duku rakanzwa panhepfenyuro kuti gungano reZvapupu zvaJehovha raizoitwa muRundu, vakaunganidza mari shomanana yavanowana ndokutsvaka chokufambisa kuti vanopinda.

Chaiva chiitiko chinofadza zvakadini kwavari kusangana neZvapupu zvaJehovha kekutanga! Gadziriro dzakakurumidza kuitwa kuti hama dzinokwanisa dzishanyire boka iri nguva nenguva. Nhasi, kunogara Paulus kune vaparidzi vatanhatu.

◻ Kufarira zita raMwari kwaJohanna kwakamutswa apo akanzwa mumwe munhu achitaura zvakaipa pamusoro peZvapupu zvaJehovha. Anoyeuka kuti: “Nguva yekutanga chaiyo yandakanzwa zita rokuti Jehovha, rakarovererwa mupfungwa dzangu zvisingakanganwiki, uye ndakatanga kunetseka kuti Jehovha ndiani. Ndaigara nomurume wangu pedyo neWalvis Bay pamhenderekedzo yegungwa yeNamibia. Pane imwe nguva takaenda kutaundi, uye ndakaona Zvapupu zvichigovera magazini eNharireyomurindi pamugwagwa. Ndakawana kopi ndokukumbira kufundiswa Bhaibheri sezvo ndaive nemibvunzo yakawanda. Ndakachema pavakandiudza kuti havaikwanisa kuuya nokuti motokari yavo yainge yafa. Nokukurumidza pashure paizvozvo murume wangu akafa, uye ndakaenda kunogara kuKeetmanshoop. Piyona chaiye (muevhangeri wenguva yakazara) akanga agoverwa kunoshanda ikoko, uye ndakawana bhuku rinonzi Zvokwadi Inotungamirira Kuupenyu Husingagumi kwaari. Ndichangotanga, ndakaziva kuti ichi ichokwadi.

“Nokufamba kwenguva, ndakakokwa kuti ndigoverane mubasa rokuparidza, asi kutya vanhu kwakandikurira. Pandaifamba pasuo nesuo, ndakanyengetera kuna Jehovha kuti aite kuti ndife zvangu pane kuti ndiparidze. Pandakatanga kupupura kwomumugwagwa, ndakavanda mukamukoto ndiine tariro yokuti hapana aizondiona. Pakupedzisira, ndakazvishingisa kuratidza magazini kumupfuuri, uye ipapo ndopandakagonawo kutaura chimwe chinhu. Zuva iroro, nebetsero yaJehovha, ndakagoverana tariro yangu inobva muBhaibheri nevanhu vakawanda.

“Nhasi, makore 12 kubva ipapo, kunyange ndiri murombo kunyama, ndichiri kukoshesa ropafadzo dzebasa roupiyona uye ndinopfuurira kuwana mufaro mukuru kwazvo mukugoverana chokwadi choUmambo nevamwe.”

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe