RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 10/1 pp. 26-27
  • Zvirahwe zvaMwari uye Chinangwa Chake

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Zvirahwe zvaMwari uye Chinangwa Chake
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mashoko Akafanana
  • Zvirahwe zveBhaibheri Zvakawanda
  • Kududzira Zvakavanzika Zvitsvene
  • Kuzivisa “Mashoko Asina Kujeka”
  • Kutarira Kuchiedza
  • Wana Uchenjeri uye Bvuma Chirango
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • ‘Haiwa Mwari, Tumai Chiedza Chenyu’
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—2000
  • Jehovha—Mwari Anozivisa Zvakavanzika
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
  • Chakavanzika Icho vaKristu Vasingafaniri Kuchengeta!
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1997
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 10/1 pp. 26-27

Zvirahwe zvaMwari uye Chinangwa Chake

KANA mumwe asingazivi kuti chii, chimwe chinhu; asi kana mumwe achiziva kuti chii, ipapo hachizi chinhu. Chii ichocho? Chirahwe.

Munzanga yanhasi inoda zviri nyore, vanhu vanowanzoona kutaura zvirahwe somutambo wevana vaduku, asi makare-kare chirahwe “kwaiva kuedzwa kweuchenjeri,” rinodaro (Duramazwi reBhaibheri reMuturikiri) The Interpreter’s Dictionary of the Bible.—Enzanisa naZvirevo 1:5, 6.

Pane kutaura zvaanoda kana kuti chinangwa chake zvakajeka, Jehovha padzimwe nguva aivanza mashoko ake ouprofita achiziva hake, achishandisa mifananidzo, “mashoko akavanzika” asinganzwisisiki, kana kuti zvirahwe zvikukutu. (Pisarema 78:2; Numeri 12:8, The Emphasized Bible.) Kutaura chokwadi, nepo shoko rechiHebheru rinoreva kuti chirahwe richishandiswa ka17 bedzi muBhaibheri, chaizvoizvo Magwaro akazara nezvirahwe uye zvirevo.

Zvirahwe zveBhaibheri Zvakawanda

Zvinonzi Mambo Soromoni aikwanisa kududzira kunyange mibvunzo mikukutu zvikuru, kana kuti zvirahwe, zvaaibvunzwa. (1 Madzimambo 10:1, NW, mashoko omuzasi) Zvechokwadi izvi zvaikonzerwa nouchenjeri hunopiwa naMwari. Kana zvinotaurwa nevanyori venhau dzakaitika kuti Soromoni akambotadza kududzira chirahwe pamakwikwi aakaita naMambo Hirami weTire zviri zvechokwadi, zvingangova zvakaitika pashure pokunge atorerwa mudzimu waJehovha nemhaka yokuramba kutenda kwake. Mutongi Samsoni nenzira yakafanana akaratidza kuda zvirahwe. Pane chimwe chiitiko, apiwa simba nemudzimu mutsvene, chirahwe chakamupa mukana wekuti akwanise kutyisidzira mwoyo yevavengi vaMwari.—Vatongi 14:12-19.

Kunyange zvakadaro, zvirahwe zvakawanda zvemuBhaibheri zvinobatanidzwa zvakananga nezvinangwa zvaJehovha. Somuenzaniso, funga nezvaGenesi 3:15. Uprofita uhwu, huri fandesheni yemusoro weBhaibheri, chaizvoizvo sezvahuri chimwe chinhu chakavanzika, “chakavanzika chitsvene.” (VaRoma 16:25, 26) Kunze kwekuratidzwa zvinhu zvesimba rinopfuura remunhu uye zvakazarurwa, muapostora Pauro akaonawo zvimwe zvinhu zvechinangwa chaMwari “mumadzerere,” kana kuti chaizvoizvo, “mashoko asina kujeka.” (1 VaKorinte 13:12; 2 VaKorinte 12:1-4) Uye zvakadini nekufungidzira kusingaperi kwakaitwa pamusoro penhamba isinganzwisisiki yechikara—“mazana matanhatu namakumi matanhatu nenhanhatu”—inongotaurwa isingatsanangurwi pana Zvakazarurwa 13:18? Ndiani anokwanisa kududzira izvi zvirahwe zvaMwari, uye zvine chinangwa chei?

Kududzira Zvakavanzika Zvitsvene

Kuvakawanda vedu, kugona kuona ndicho chinhu chinonyanya kukosha chepfungwa dzedu shanu. Asi pasina chiedza, kukwanisa kuona kwevanhu kwaizoshaya basa. Zvimwe taizova mapofu. Ndizvowo zvakaita pfungwa dzemunhu. Dzine mano anoshamisa okugona kufananidza zvinhu zvakasiyana-siyana, kushandisa njere, nokudaro dzichidudzira zvinhu zvikukutu. Asi, chimwezve chinhu chinodikanwa pakududzira zvakavanzika zvitsvene. Nepo vamwe vangapa mhinduro dzezvirahwe zvakataurwa muBhaibheri, Munyori wazvo bedzi, Jehovha, Mwari wechiedza, anogona kuratidza zvazvaida kunzi zvireve.—1 Johane 1:5.

Nenzira isingafadzi, vanhu kakawanda vanonyanyodada uye vanonyanyozvimirira zvekusatarira kuti Jehovha avape mhinduro. Vachikangaidzwa nezvisinganzwisisiki, kune avo, vachida kurodza pfungwa dzavo asi kwete hazvo chokwadi, vakatsvaka mhinduro musiri muShoko raMwari. Somuenzaniso, chitendero chechiJudha chezvisinganzwisisiki chiri muCabala chaiva chokufungisisa zvekudavira mashura zvinoreva nhamba nearufabheti yechiHebheru zvemashiripiti. Ukuwo, vaGnostic vezana ramakore rechipiri vakashandisa Magwaro echiHebheru neechiGiriki mukuedza kuwana zvaanoreva zvakavanzika.

Zvisinei, kunzvera kwese ikoko kwakatowedzera kuvanyudza mumiitiro yechihedheni kana kuti kudavira mashura uye kure nechokwadi chaMwari. ‘Saka, kana nyika yakazara neuipi,’ vaGnostic vakafunga kudaro, ‘ipapoka Musiki wayo, Yahweh, haagoni kuva Mwari akanaka.’ Ndiyo mhedziso yakanakisisa yavaigona kupa here? Inga kufunga kwemunhu hapana zviripo! Hazvishamisi kuti muapostora Pauro, achirwisa pfungwa dzekuramba kutenda dzakazokudziridzwa nevaGnostic, akanyevera zvakasimba mutsamba dzake kuti: “Musapfuura zvinhu zvakanyorwa”!—1 VaKorinte 4:6.

Kuzivisa “Mashoko Asina Kujeka”

Asi, Mwari wechiedza aizotaura “mashoko asina kujeka” neiko? Zvakaita chirahwe chaizvo zvinoratidza kufungidzira kwemunhu uye masimba ake okufunga. Saka, zvakamwayiwa muMagwaro ose sezvinhu zvinoita kuti zvokudya zvinonaka zviyevedze, dzimwe nguva zvaishandiswa kungomutsa kufarira kwevateereri kana kuti kuita kuti mashoko acho ataurwe zvakajeka zvikuru. Muzviitiko zvakadaro, kutsanangura kunowanzoitwa nokukurumidza pashure pacho.—Ezekieri 17:1-18; Mateo 18:23-35.

Jehovha anogovera uchenjeri norupo asi kwete kumunhu wese wese. (Jakobho 1:5-8) Funga nezvebhuku raZvirevo, muunganidzwa wakafuridzirwa wemashoko anonetsa kunzwisisa akawanda anonzi nevamwe zvirahwe. Kuanzwisisa kunoda nguva uye kufungisisa. Asi vanhu vangani vanoda kuedza kuita izvi? Uchenjeri hurimo hunowanikwa bedzi nevanoda kuhuchera.—Zvirevo 2:1-5.

Jesu nenzira yakafanana akashandisa mienzaniso kuratidza zvaiva mumwoyo yevateereri vake. Mapoka aimuunganira. Ainakidzwa nenyaya dzake. Aida zvishamiso zvake. Asi, vangani vaida kuchinja upenyu hwavo ndokumutevera? Kusiyana zvakadini nevadzidzi vaJesu, avo nguva dzose vaitsvaka kunzwisisa kudzidzisa kwaJesu uye vakazviramba vachida kuti vave vateveri vake!—Mateo 13:10-23, 34, 35; 16:24; Johane 16:25, 29.

Kutarira Kuchiedza

“Kufarira zvirahwe,” rinodaro rimwe bhuku, “kunoita sokunoenderana nemwaka yokumuka mupfungwa.” Nhasi takakomborerwa zvikuru kurarama panguva apo ‘chiedza [chomudzimu] chakapenyera’ vanhu vaMwari. (Pisarema 97:11; Dhanieri 12:4, 9) Tinogona here kumirira Jehovha nokushivirira kuti azivise zvinangwa zvake maererano nenguva yake? Zvinonyanya kukosha, tinoita chimwe chinhu nokukurumidza here kuchinja upenyu hwedu kana tikaziva nzira yokuwirirana nayo zvakazara nezvinodiwa naMwari zvakaziviswa? (Pisarema 1:1-3; Jakobho 1:22-25) Kana tichidaro, Jehovha achakomborera zvatinoita, zvokuti, sezvinoita magirazi emaziso anoita kuti munhu anyatsoona, mudzimu mutsvene uchatijekesera chinangwa chaMwari zvakanaka mupfungwa dzedu, uchivandudza zvatinoona zvomudzimu.—1 VaKorinte 2:7, 9, 10.

Chokwadi, zvirahwe zviri muMagwaro zvinokudza Jehovha se“Muzivisi wezvakavanzika.” (Dhanieri 2:28, 29, NW) Uyezve, iye Munzveri wemwoyo. (1 Makoronike 28:9) Hazvifaniri kutishamisa kudzidza kuti kujekeswa kwechiedza chechokwadi chaMwari kwave kuchipfuurira. (Zvirevo 4:18; VaRoma 16:25, 26) Pane kuti titsvake zivo yezvinhu zvakadzika zvaMwari tichishandisa zvisinganzwisisiki kana kuti uchenjeri hwevanhu hushoma, husina kwahunotisvitsa, ngatitarire kuna Jehovha Mwari nechivimbo kuti aise chiedza chechokwadi pa“mashoko [ake] asina kujeka,” achiita kuti zvinangwa zvake zvinoshamisa zvizivikanwe nevaranda vakatendeka panguva yake yakatarwa.—Amosi 3:7; Mateo 24:25-27.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 26]

Biblia Hebraica Stuttgartensia, Deutsche Bibelgesellschaft Stuttgart

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe