“Zvisungei Nepfungwa Dzinozvidukupisa”
“Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa.”—1 PETRO 5:5.
1, 2. Ipfungwa dzipi mbiri dzinopesana dzine zvikuru zvadzinoita pamaitiro evanhu?
PAPFUNGWA dzatinoziviswa neShoko raMwari pane mbiri dzinopesana. Dzose dzine zvikuru zvadzinoita pamaitiro evanhu. Imwe inotsanangurwa se“pfungwa dzinozvidukupisa.” (1 Petro 5:5, NW) Duramanzwi rinorondedzera “kuzvidukupisa” sokuva “anozvininipisa mumaitiro kana kuti mumafungiro: asina rudado rwokuzvikudza.” Pfungwa dzinozvidukupisa dzakafanana nokuzvininipisa, uye mumaonero aMwari, unhu hunodiwa chaizvo.
2 Yakasiyana nayo rudado. Urwu rwunorondedzerwa se“kuzviremekedza kusina mwero,” kuva “anozvidza.” Rwunoita kuti munhu ave nechindingoveni, uye rwunoita kuti atsvake zvenyama, angozvifunga iye, ade zvinongomubatsira iye pasinei zvapo nokuti zvinoshatira vamwe zvikuru sei. Bhaibheri rinotaura chimwe chinoguma chaitika: “Munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.” Rinotaura nezve“munhu unovengwa nowokwake” so“kudzingana nemhepo bedzi” nokuti pakufa “haana chaangatamburira, chaangatora.” Rudado rwakadaro harudiwi mumaonero aMwari.—Muparidzi 4:4; 5:15; 8:9.
Mafungiro Akapararira Munyika
3. Mafungiro api akapararira munyika?
3 Ndedzipi pfungwa mbiri dzakazara munyika nhasi? Ndeapi mafungiro akapararira munyika nhasi? World Military and Social Expenditures 1996 inoti: “Hakunazve rimwe zana remakore rakanyorwa rinoenzana nerechi20 pachisimba . . . chisina musoro.” Kukwikwidzirana simba rezvematongerwe enyika neremari—pamwe nekurwira rudzi, chitendero, nedzinza—zvauraya vanhu vanopfuura mamiriyoni 100 muzana ramakore rino. Kuva nechindingoveni kwevanhu kwawedzerawo. Chicago Tribune yakati: “Kurwara kwenzanga kunobatanidza kuita chisimba kusina pfungwa, kushinha nevana, kurambana, kudhakwa, AIDS, kuzviuraya kwepwere, zvinodhaka, zvikwata zvomumugwagwa, kubata chibharo, vana vanoberekwa nevabereki vasina kuroorana, kubvisa pamuviri, mabhuku, mafirimu, nemapikicha zvinonyadzisira, . . . kureva nhema, kunyengedza, uori hwezvematongerwe enyika . . . Pfungwa dzetsika dzechakarurama nechakashata dzakaregwa.” Saka, UN Chronicle yakanyevera kuti: “Nzanga dziri kuparara.”
4, 5. Mafungiro enyika akarondedzerwa sei zvakarurama muuprofita hweBhaibheri hwezuva redu?
4 Zvinhu izvi zviri kuitika munyika yose. Zvakangoita sezvakafanotaura uprofita hweBhaibheri nezvenguva yedu kuti: “Namazuva okupedzisira nguva dzokutambudzika dzichasvika. Nokuti vanhu vachava vanozvida, vanoda mari, vanozvirumbidza, vanozvikudza, vanotuka, vasingateereri vabereki, vasingaongi, vasati vari vatsvene, vasina rudo chairwo, vasingadi kuyanana, vanochera vamwe, vasingazvidzori, vane hasha, vasingadi zvinhu zvakanaka, vanonyengera, vasingarangariri, vanoita manyawi.”—2 Timotio 3:1-4.
5 Ndizvo chaizvo zvakaita mafungiro akapararira munyika ino. Ipfungwa youdyire yokuti ini pakutanga. Kurwisana kwemarudzi kwakafanana nokurwisana kwevanhu. Somuenzaniso, mumitambo yokukwikwidzana, vamhanyi vakawanda vanoda kuva wokutanga zvisinei nokuti izvozvo zvinorwadza sei vamwe mupfungwa nyange mumuviri. Chindingoveni ichi chinokurudzirwa muvana uye chinopfuurira munharaunda dzakawanda dzoupenyu hwevakura. Zvinoguma ne“kuvengana, negakava, negodo, nokutsamwa, nokupesana, nokuparadzana.”—VaGaratia 5:19-21.
6. Ndiani anokurudzira udyire, uye Jehovha anonzwa sei pamusoro pemafungiro aya?
6 Bhaibheri rinoratidza kuti chindingoveni chenyika ino chakafanana nechinoitwa nea“nonzi Dhiabhorosi, naSatani, munyengeri wenyika yose.” Nezvesimba raSatani pavanhu vari kurarama muano mazuva okupedzisira akaoma, Bhaibheri rinofanotaura kuti: “Mune nhamo imi nyika . . . nokuti mweya wakaipa wakaburukira kwamuri, akatsamwa kwazvo, nokuti unoziva kuti uchine nguva duku.” (Zvakazarurwa 12:9-12) Saka iye neshamwari dzake madhimoni vakawedzera kuita zvose zvavanogona kuti vakurudzire mafungiro oudyire mumhuri yevanhu. Uye Jehovha anonzwa sei nezvemafungiro akadaro? Shoko rake rinoti: “Mumwe nomumwe, une mwoyo unozvikudza, unonyangadza Jehovha.”—Zvirevo 16:5.
Jehovha ane Vanozvidukupisa
7. Jehovha anoona sei vanozvidukupisa, uye chii chaanovadzidzisa?
7 Ukuwo, Jehovha anokomborera vaya vane pfungwa dzinozvidukupisa. Achiimbira Jehovha, Mambo Dhavhidhi akati: “Muchaponesa vanhu vanotambudzika, asi meso enyu anoona vanozvikudza, kuti muvaderedze.” (2 Samueri 22:1, 28) Saka, Shoko raMwari rinopa zano rokuti: “Tsvakai Jehovha, imi mose vanyoro venyika . . . tsvakai kururama, tsvakai unyoro; zvimwe mungavandika nezuva rokutsamwa kwaJehovha.” (Zefania 2:3) Vaya vanotsvaka Jehovha vachizvininipisa vanodzidziswa naye kuva nemafungiro akasiyana zvachose neayo enyika ino. “Uchadzidzisa vanyoro nzira yake.” (Pisarema 25:9; Isaya 54:13) Nzira iyoyo inzira yorudo. Yakavakirwa pakuita zvakarurama maererano nezvinodiwa naMwari. Maererano neBhaibheri, urwu rudo rwenheyo “haruna manyawi, haruzvikudzi; . . . haruzvitsvakiri zvarwo.” (1 VaKorinte 13:1-8) Rwunozviratidzawo mupfungwa dzinozvidukupisa.
8, 9. (a) Rudo rwenheyo rwakatangirepi? (b) Kutevedzera rudo nokuzvininipisa zvakaratidzwa naJesu kunokosha zvakadini?
8 Pauro nevamwe vaKristu vomuzana ramakore rokutanga vakadzidza rudo rworudzi urwu mudzidziso dzaJesu. Uye Jesu akarudzidza kuna Baba vake, Jehovha, vanonzi neBhaibheri: “Mwari rudo.” (1 Johane 4:8) Jesu aiziva kuti Mwari aida kuti ararame maererano nomutemo worudo, uye akadaro. (Johane 6:38) Ndokusaka akanga ane tsitsi nevaidzvinyirirwa, varombo, vatadzi. (Mateo 9:36) Akavaudza kuti: “Uyai kwandiri, imi mose makaneta, makaremerwa, ini ndichakuzorodzai. Muise joko rangu pamusoro penyu, mudzidze kwandiri; nokuti ndiri munyoro, ndine mwoyo unozvininipisa.”—Mateo 11:28, 29, tisu tatsveyamisa mashoko.
9 Jesu akaratidza vadzidzi vake kukosha kwokutevedzera rudo rwake nokuzvininipisa paakavaudza kuti: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.” (Johane 13:35) Vaizosiyana chaizvo nenyika ino ine chindingoveni. Ndokusaka Jesu aigona kuti nezvevateveri vake: “Havazi venyika.” (Johane 17:14) Aiwa, havatevedzeri mafungiro enyika yaSatani okudada, oudyire. Panzvimbo pezvo, vanotevedzera mafungiro orudo nokuzvininipisa akaratidzwa naJesu.
10. Jehovha ari kuitei nevanozvidukupisa muzuva redu?
10 Shoko raMwari rakafanotaura kuti mumazuva ano okupedzisira, vanhu vanozvininipisa vaizounganidzwa pamwe chete munzanga yenyika yose yakavakirwa parudo nokuzvininipisa. Saka, pakati penyika iri kunyanyisa kuva norudado, vanhu vaJehovha vanoratidza mafungiro akasiyana—pfungwa dzinozvidukupisa. Vakadaro vanoti: “Ngatikwire kugomo raJehovha [kunamatwa kwake kwechokwadi kwakakwiridzirwa], . . . iye uchatidzidzisa nzira dzake, tichafamba mumakwara ake.” (Isaya 2:2, 3) Zvapupu zvaJehovha zvinoumba nzanga iyi yenyika yose iri kufamba mumakwara aMwari. Zvinobatanidza “vazhinji-zhinji [vari kuwedzera] vasingagoni kuverengwa nomunhu, vakabva kundudzi dzose, namarudzi, navanhu, nendimi.” (Zvakazarurwa 7:9) Vazhinji-zhinji ava zvino vaumbwa nemamiriyoni evanhu. Jehovha ari kuvarovedza sei kuti vazvininipise?
Kudzidza Kuva Nepfungwa Dzinozvidukupisa
11, 12. Vashumiri vaJehovha vanoratidza sei pfungwa dzinozvidukupisa?
11 Mudzimu waMwari uri kushanda pavanhu vake vanoda kuzvipira unovaita kuti vadzidze kukunda mafungiro akashata enyika ndokuratidza chibereko chomudzimu waMwari. Chinozviratidza mu“rudo, nomufaro, norugare, nomwoyo murefu, nomwoyo munyoro, nokunaka, nokutendeka, nounyoro, nokuzvidzora.” (VaGaratia 5:22, 23) Kuvabatsira kuti vave neunhu ihwohwo, vashumiri vaMwari vanopiwa zano rokurega ‘kuzvikudza, kunyandura makwikwi pakati pavo, kuitirana shanje.’ (VaGaratia 5:26) Zvakangofanana, muapostora Pauro akati: “Ndinoudza mumwe nomumwe uri pakati penyu, kuti arege kuzvifunga mukuru kupfuura paanofanira kufunga napo; asi afunge nokufunga kwakachenjera.”—VaRoma 12:3.
12 Shoko raMwari rinoudza vaKristu vechokwadi kuti vasaita “chinhu nenharo, kana nokuzvikudza, asi mumwe nomumwe ngaati nomwoyo unozvininipisa, vamwe [vevashumiri vaMwari] vanomupfuura iye pakunaka; mumwe nomumwe ngaarege kutarira zvake, asi ngaatarire zvavamwewo.” (VaFiripi 2:3, 4) “Munhu ngaarege kuzvitsvakira zvake, asi zvomumwe.” (1 VaKorinte 10:24) Hungu, “rudo runosimbisa” vamwe nemashoko nezviito zvisiri zvoudyire. (1 VaKorinte 8:1) Runokurudzira kushandira pamwe, kwete kukwikwidzana. Mafungiro okuti ini pakutanga haadiwi pavashumiri vaJehovha.
13. Nei pfungwa dzinozvidukupisa dzichifanira kudzidzirwa, uye munhu anodzidzidzira sei?
13 Zvisinei, nemhosva yekusakwana kwakagarwa nhaka, hatina kuberekwa tine pfungwa dzinozvidukupisa. (Pisarema 51:5) Unhu uhwu hunofanira kudzidzirwa. Uye izvi zvingava zvakaoma kune vaya vasina kudzidziswa nzira dzaJehovha kubva vari vaduku asi vanozodzigamuchira pave paya muupenyu. Vanotova neunhu hwakavakirwa pamafungiro enyika ino yekare. Saka vanofanira kudzidza kuti ‘pamufambire wavo wokutanga vabvise munhu wekare’ ndoku‘fuka munhu mutsva, wakasikwa wakafanana naMwari pakururama, noutsvene hwezvokwadi.’ (VaEfeso 4:22, 24) Vachibatsirwa naMwari vanhu vakamira pachokwadi vanogona kuita zvaanovakumbira: “Fukai mwoyo une tsitsi, nomwoyo munyoro, [pfungwa dzinozvidukupisa, “NW”], nounyoro, nomwoyo murefu.”—VaKorose 3:12.
14. Jesu akashora sei kuda kuzvisimudzira?
14 Vadzidzi vaJesu vaifanira kudzidza izvozvo. Pavakava vadzidzi vake vakanga vava vanhu vakuru uye vakanga vava nekakufunga kenyika kokurwisana. Apo mai vevaviri vavo vaida kuti vana vavo vakurumbire, Jesu akati: “Machinda avahedheni anovarayira [vanhu], navakuru vavo vanoita simba navo. Pakati penyu ngazvirege kuva kudaro; asi ani nani unoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushumiri wenyu. Ani nani unoda kuva wokutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu. Zvakaita soMwanakomana womunhu [Jesu] usina kuuya kuzoshumirwa, asi kushumira, nokupa upenyu hwake ruve rudzikinuro rwavazhinji.” (Mateo 20:20-28) Apo Jesu akaudza vadzidzi vake kuti vasashandisa mazita okuremekedza vachiedza kuzvisimudzira, akawedzera kuti: “Imi mose muri hama.”—Mateo 23:8.
15. Vaya vari kutsvaka basa romutariri vanofanira kuva nepfungwa dzorudzii?
15 Muteveri wechokwadi waJesu mushumiri, hungu, muranda kune vaKristu vaanonamata navo. (VaGaratia 5:13) Izvozvo zvakadaro kunyanya kune vaya vanoda kukwanisa kuva vatariri muungano. Havafaniri kufa vakakwikwidzirana mukurumbira kana kuti simba; havafaniri ‘kuremedza avo vari nhaka yaMwari asi vanofanira kuva mienzaniso kwavari.’ (1 Petro 5:3) Chokwadi, kuzvitsvakira zvako chiratidzo chokuti murume haana kukodzera kutungamirira. Munhu akadaro angakuvadza ungano. Chokwadi, zvakafanira ku‘tsvaka basa romutariri,’ asi izvi zvinofanira kukonzerwa nechishuvo chokushumira vamwe vaKristu. Basa iri harisi nzvimbo yomukurumbira kana kuti yesimba, nokuti avo vanotarisira vanofanira kuva vamwe vevane pfungwa dzinozvidukupisa zvikuru muungano.—1 Timotio 3:1, 6.
16. Dhiotrefe akashorerwei muShoko raMwari?
16 Muapostora Johane anotitaurira nezvemunhu akanga achifunga zvisina kururama, achiti: “Ndakanyorera kereke; asi Dhiotrefe, unoda kuva mukuru pakati pavo, unotiramba isu.” Murume uyu haana kuremekedza vamwe kuitira kuti aedze kuzvikwidziridza iye pachake. Asi, mudzimu waMwari wakaita kuti Johane abatanidze kushorwa kwaDhiotrefe muBhaibheri nemhosva yemafungiro ake okuti ini pakutanga.—3 Johane 9, 10.
Mafungiro Akarurama
17. Petro, Pauro, naBharnabhasi vakaratidza sei pfungwa dzinozvidukupisa?
17 Kune mienzaniso yakawanda yomuBhaibheri yemafungiro akarurama, epfungwa dzinozvidukupisa. Petro paakapinda mumba maKornerio, murume iyeye “akawira pasi petsoka [dzaPetro], akamunamata.” Asi panzvimbo pokubvuma rukudzo rwakanyanyisa, “Petro wakamusimudza, akati: Simuka, neni ndiri munhuwo.” (Mabasa 10:25, 26) Pauro naBharnabhasi pavakanga vari muRistra, Pauro akaporesa mumwe murume wakazvarwa akaremara. Izvi zvakaita kuti mapoka ati vaapostora vacho vaiva vanamwari. Zvisinei, Pauro naBharnabhasi “vakabvarura nguvo dzavo, vakamhanyira pakati pavanhu vazhinji, vakadanidzira, vachiti: Varume, munoitireiko izvozvi? Nesu tiri vanhu semiwo.” (Mabasa 14:8-15) VaKristu vanozvininipisa ava vaisazobvuma mbiri yavaipiwa nevanhu.
18. Ngirozi ine simba yakaudzei Johane, ichizvininipisa?
18 Muapostora Johane paakapiwa “zvakazarurwa zvaJesu Kristu,” zvakasvitswa nengirozi. (Zvakazarurwa 1:1) Nemhosva yesimba rengirozi, tinogona kunzwisisa kuti nei Johane akatyiswa, nokuti ngirozi imwe yakaparadza vaAsiriya 185 000 nousiku humwe. (2 Madzimambo 19:35) Johane anorondedzera kuti: “Ndakati ndichinzwa, nokuona, ndikawira pasi kuti ndinamate pamberi petsoka dzomutumwa wakandiratidza izvozvi. Akati kwandiri: Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe, nehama dzako . . . namata Mwari.” (Zvakazarurwa 22:8, 9) Ngirozi iyi ine simba yakava nepfungwa dzinozvidukupisa zvakadini!
19, 20. Siyanisa kuzvikudza kwevakuru vakuru veuto veRoma vainge vakunda nepfungwa dzinozvidukupisa dzaJesu.
19 Jesu akanga ari muenzaniso wakanakisisa womunhu aiva nepfungwa dzinozvidukupisa. Akanga ari mwanakomana wakaberekwa mumwe oga waMwari, Mambo womunguva yemberi woUmambo hwaMwari hwokudenga. Paakazvipa kune vanhu saMambo kudaro, haana kuita sezvaiita vatungamiriri veuto vomunguva dzeRoma vainge vakunda. Vaiforerwa nevanhu vakawanda—midungwe—uye vaikwira mungoro dzehondo dzakashongedzwa negoridhe nenyanga dzenzou, dzaidhonzwa nemabhiza machena, nyange nenzou, shumba, kana matiger. Mumudungwe wacho maiva nevaimbi vaiimba nziyo dzokukunda, vane ngorovhani dzakatutirwa zvinhu zvakapambwa nengoro huru dzaiva nechikuva chairatidza zviitiko zvehondo. Paivawo nemadzimambo, machinda, nevatungamiriri veuto vakatapwa, nemhuri dzavo, vaiwanzokatanurirwa mbatya kuti vanyadziswe. Zviitiko zvacho zvainyatsoratidza rudado, kuzvikudza.
20 Siyanisa izvozvo nenzira iyo Jesu akazvipa nayo. Akanga achidisisa kuzvipa achizvininipisa kuti azadzikise uprofita, hwakanga hwafanotaura pamusoro pake kuti: “Tarira, mambo wako unouya kwauri; ndiye wakarurama, ndiye unokunda; unozvininipisa, akatasva mbongoro.” Akatasva mhuka yaiitiswa basa achizvininipisa, kwete mungoro yehondo yaidhonzwa nemudungwe wemhuka dzakanaka. (Zekaria 9:9; Mateo 21:4, 5) Vanhu vanozvininipisa vanofara sei kuti Jesu achava Mambo waJehovha akagadzwa pasi pose munyika itsva, munhu ane pfungwa dzinozvidukupisa zvechokwadi, anozvininipisa, ane rudo, ane tsitsi, ane ngoni!—Isaya 9:6, 7; VaFiripi 2:5-8.
21. Pfungwa dzinozvidukupisa hadziratidzi chii?
21 Chokwadi chokuti Jesu, Petro, Pauro, nevamwe varume nevakadzi vokutenda munguva dzeBhaibheri vakanga vane pfungwa dzinozvidukupisa chinobvisa pfungwa yokuti kuzvininipisa utera. Panzvimbo pezvo, kunoratidza kusimba kwounhu, nokuti ava vakanga vakashinga uye vachishingaira. Vakatsungirira miedzo yakakomba nesimba guru repfungwa neretsika. (VaHebheru, chitsauko 11) Uye nhasi, vashumiri vaJehovha pavanenge vane pfungwa dzinozvidukupisa, vane simba rakafanana nokuti Mwari anotsigira vanozvidukupisa nomudzimu wake mutsvene une simba. Saka, tinokurudzirwa kuti: “Nemi mose pfekai [pfungwa dzinozvidukupisa, NW] mumwe kune mumwe, nokuti Mwari unodzivisa vanozvikudza, asi unopa nyasha vanozvininipisa. Naizvozvo zvininipisei pasi poruoko rune simba rwaMwari, kuti akukudzei nenguva yakafanira.”—1 Petro 5:5, 6; 2 VaKorinte 4:7.
22. Chii chichakurukurwa munyaya inotevera?
22 Pane rimwezve divi rakanaka repfungwa dzinozvidukupisa rinofanira kuva nevashumiri vaMwari. Nderiya rinobatsira zvikuru kuvaka rudo nokushandira pamwe muungano. Chokwadi, chinhu chinokosha chepfungwa dzinozvidukupisa. Izvi zvichakurukurwa munyaya inotevera.
Kudzokorora
◻ Rondedzera mafungiro enyika ino akapararira.
◻ Jehovha anoitira sei nyasha vane pfungwa dzinozvidukupisa?
◻ Nei pfungwa dzinozvidukupisa dzichifanira kudzidzirwa?
◻ Ndeipi mimwe mienzaniso yomuBhaibheri yevanhu vakaratidza pfungwa dzinozvidukupisa?
[Mufananidzo uri papeji 15]
Ngirozi yakaudza Johane kuti: “Rega kudaro; ndiri muranda pamwe chete newe”