RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 8/1 p. 10
  • Kududzira Bhaibheri—Nesimba Raani?

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Kududzira Bhaibheri—Nesimba Raani?
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Mashoko Akafanana
  • Rutivi 1—Jesu Navadzidzi Vake Vakadzidzisa Dzidziso yoUtatu Here?
    Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovha—1991
  • Ihwo Idzidziso Yakajeka yeBhaibheri Here?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
  • Mwari Utatu Here?
    Mibvunzo yeBhaibheri Inopindurwa
  • Utatu Hunostsanangurwa Sei?
    Unofanira Kudavira Utatu Here?
Ona Zvimwe
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 8/1 p. 10

Kududzira Bhaibheri—Nesimba Raani?

IMWE rondedzero yeshoko rokuti “kududzira” ndi“kunzwisisa maererano nezvinodavirwa nomunhu wacho, maonero ake, kana kuti nemamiriro ake ezvinhu.” (Webster’s Ninth New Collegiate Dictionary) Saka, munhu anowanzodudzira chero chinhu chipi nechipi maererano nemamiriro ezvinhu ake akare, nokudzidza kwake, uye nokurerwa kwake.

Zvisinei, zvakadini, pamusoro pokududzira Bhaibheri? Tine rusununguko here rwokuti tidudzire zvikamu zveBhaibheri maererano nezvatino“davira, maonero, kana kuti maererano nemamiriro edu ezvinhu”? Nyanzvi zhinji kwazvo, dzeBhaibheri nevashanduri dzinowanzotaura kuti hadzidaro asi kuti dzinotungamirirwa naMwari.

Muenzaniso uri muzvinotaurwa mumashoko omuzasi aJohane 1:1 muA New Version of the Four Gospels, yakabudiswa muna 1836 naJohn Lingard ane zita risiri chairo rokuti “MuKaturike.” Rinoti: “Vanhu vezvitendero zvose vanoti zvitendero zvavo zvakasiyana nezvimwe zvinopupurirwa muMagwaro Matsvene: nepo, chaizvoizvo, haasi Magwaro anovazivisa, asi kuti ivo vanoisa dudziro yavo pamutauro weMagwaro.”

Kunyange zvazvo pfungwa yacho iri yakarurama, chii chaivavarirwa nomunyori wacho? Tsinhiro yake yaitsigira nzira yaakadudzira nayo ndima iyoyo, yaakashandura kuti: “Pakutanga ‘shoko’ rakanga riripo; uye ‘shoko’ rakanga rina Mwari; uye ‘shoko’ rakanga riri Mwari,” shanduro chaiyo inotsigira Utatu.

Chii chakaita kuti munyori wacho ashandure Johane 1:1 nenzira inotsigira dzidziso yoUtatu? “Anoudzwa naMagwaro” kuti adaro here? Izvozvo hazviite, nokuti muBhaibheri hamuna panowanika dzidziso yoUtatu. Cherekedza zvinotaurwa neThe New Encyclopædia Britannica pamusoro penhau iyi: “MuTestamende Itsva hamuna shoko rokuti Utatu kana kuti dzidziso ipi neipi yahwo isina kujeka.” Mukuwedzera purofesa weYale University, E. Washburn Hopkins akati: “Sezviri pachena dzidziso youtatu yaisambozivikanwa kuna Jesu naPauro; . . . havambotauri chinhu nezvayo.”

Saka, tingagumisa kuti kudini, pamusoro pevanodudzira Johane 1:1 kana kuti chero ndima ipi zvayo yeBhaibheri kuti itsigire Utatu? Maererano nemaonero aVaLingard pachavo, “haasi Magwaro anovazivisa, asi kuti ivo vanoisa dudziro yavo pamutauro weMagwaro.”

Sezvineiwo, tine Shoko raMwari pacharo rinotitungamirira panhau iyi. “Muchiziva pakutanga,” akadaro muapostora Petro, “kuti hakuna uprofita hworugwaro hunongodudzirwa nomunhu; nokuti hakuna uprofita hwakatongouya nokuda kwomunhu, asi vanhu vaMwari vakataura, vachimutswa noMweya Mutsvene.”—2 Petro 1:20, 21.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe