Unofanira Kutarira Mativi ose Here?
KUDENGENYEKA kwepasi kunoparadza kwakaitika muKobe City kumadokero kweJapan, uye vanhu vakazvipira vaida kuitira vamwe zvinhu vakakurumidza kuyamura vagari vemo vakanga vawirwa nedambudziko. Zvisinei, chimwe chikwata chavanachiremba vaishanya chakawana chikumbiro chacho chokurapa charambwa nemumwe munhu paBazu Rezveutano romuguta racho. Mukuru-mukuru iyeye, akanga ariwo mukuru-mukuru wechipatara chikuru chemanisiparati, aida kuti vakanga vakuvara vaende kuzvipatara zveKobe panzvimbo pokuti vanachiremba vabaye majekiseni nokupa mishonga inopinzwa nomutsinga zvinodhura panzvimbo dzokupira ruyamuro. Chikumbiro chavanachiremba chakapedzisira chabvumwa, asi unhu hwomukuru-mukuru wacho hwokuti zvandareva ndizvozvo nokushayiwa tsiye nyoro hwakashorwa zvikuru.
Pamwe wakambosangana nokusada kuchinja kwakafanana kwakaitwa nomumwe aiva nesimba. Ungadaro wakatombozviitawo iwe pachako. Ungabatsirwa here nokutarira mativi ose?
Ona Zvose Zvakakwana
Zvakajairika kuti vanhu vangoona, kana kuti kutarira nhau nedivi rimwe, nokudaro vachiganhurira kuziva nokunzwisisa kwavo nhau. Kazhinji izvi zvinokonzerwa nezvinhu zvakadai sedzidzo, zvinoitika muupenyu, nemakuriro awakaita. Zvisarudzo zvokuchenjera zvingaitwa apo munhu anoedza kunzwa nhau yacho yose. Somuenzaniso, kudai wanga uri kuyambuka mhararano yomugwagwa ine motokari dzakawanda pasina marobhoti, kungava kuchenjera here kungotarira mberi? Kana! Zvakangofanana, kutarira mativi ose kuti unyatsoona zvose kungabatsira chaizvo pakuita zvisarudzo nokuita zvinhu nenzira inoratidza kuziva zvauri kuita. Zvingatova zvinoponesa upenyu.
Pamwe, tose zvedu tingavandudza izvi. Saka zvibvunze kuti, ‘Ndepapi pandingangobatsirwa nokutarira mativi ose mukufunga kwangu?’
Maonero Aunoita Vamwe
Unoonei paunotarira vamwe? Une muitiro wokuona zvavanotaura kana kuita sokuti zvose zvakashata kana kuti zvakanaka, sokuti hapana zvimwe zvaunokwanisa kuona here? Unoona zvinotaurwa nemumwe munhu sokurumbidza kana kuti kutuka here? Kuti mumwe munhu akarurama zvokururama zviya here kana kuti wakarasika zvokurasika zviye? Maonero iwayo angaita somutori wemifananidzo asina basa nemavara akaisvonaka akasiyana-siyana nemamwewo ari munzvimbo muchirimo, sokuti mifananidzo michena nemitema ndiyo chete iripo. Kana kuti unonyanya kufunga nezvemativi akashata ounhu hwomunhu, sezvinoita mufambi anoita kuti kunakidzwa kwaanoitwa nenzvimbo yakanaka kukanganiswe nemarara mashoma anosiyiwa nevamwe vashanyi vasingafungi.—Enzanisa naMuparidzi 7:16.
Zvakawanda zvingadzidzwa nokufunga nezvemaonere anoita Jehovha kukanganisa kwavanhu. Nepo achiziva nezveutera hwemunhu hwakawanda nezvaanotadza, anosarudza kusaramba achifunga nezvazvo. Munyori wepisarema aionga akati: “Dai imi Jehovha, mairangarira zvisakarurama, ndianiko wairamba amire?” (Pisarema 130:3) Jehovha anoda kuisa zvikanganiso kure nevatadzi vanopfidza, hungu kuzvidzima nomutsa, zvokuti hazvikanganisi ukama hwedu naye. (Pisarema 51:1; 103:12) Jehovha aigona kutaura nezvaMambo Dhavhidhi, akanga aita zvivi zvakakura naBhatisheba pane imwe nguva, kuti akanga ari murume “akanditevera nomwoyo wake wose, achiita zvakanaka zvoga pameso angu.” (1 Madzimambo 14:8) Nei Jehovha aigona kutaura izvi nezvaDhavhidhi? Nokuti akafunga nezvemavara ari nani aDhavhidhi wakanga apfidza. Akafunga nezvezvinhu zvose zvakanga zvisinganyanyi kukosha ndokusarudza kuramba achiratidza ngoni kumushumiri wake.
Kristu Jesu akaratidza pasina chikanganiso uku kutarira mativi ose ezvikanganiso zvevamwe. (Johane 5:19) Paakatarisana nezvikanganiso zvevaapostora vake, Jesu akanzwira ngoni uye akanzwisisa. Akaziva nezvevanhu vasina kukwana kuti nyange apo ‘mudzimu unoda, nyama inenge isina simba.’ (Mateo 26:41) Achifunga nezveizvi, Jesu aigona kubata noutera nezvikanganiso zvevadzidzi vake nenzira yokushivirira neyokunzwisisa. Haana kusimbisa zvavaitadza kuita asi, panzvimbo pezvo, akanyanyofunga nezvemavara avo akanaka.
Pane imwe nguva paakanga aruramisa vaapostora vake nemhosva yokuti vakanga vaitirana nharo nezvokuti ndiani aiita somukurusa, Jesu akawedzera kuti: “Zvino imi ndimi makagara neni pamiidzo yangu. Ndinokugarisai nhaka youshe sababa vangu vakandigarisa nhaka, kuti mugodya nokunwa patafura rangu muushe hwangu; muchagara pazvigaro zvoushe, muchitonga marudzi ane gumi namaviri avaIsraeri.” (Ruka 22:24-30) Hungu, pasinei zvapo nokukundikana kwakawanda kwevaapostora, Jesu akayeuka kutendeka kwavo nokumuda kwavo. (Zvirevo 17:17) Jesu akanga ane chokwadi nezvavaigona kuita uye zvavaizoita, saka akaita chibvumirano navo nokuda kwoUmambo. Hungu, ‘Jesu akada vadzidzi vake kusvika kumugumo.’—Johane 13:1.
Saka kana unhu nezvikanganiso zvomumwe munhu zvichiwanzokutsamwisa, ita saJehovha naJesu. Tarira mativi ose mukufunga kwako uye edza kufunga nezvezvinhu zvose. Kana ukaona zvinhu nemaonerwe azvinofanira kuitwa, uchazviona zviri nyore kuda nokunzwisisa hama dzako.
Pakupa Zvokunyama
Ropafadzo yokupa kumwe kufara kunoratidzwa vaKristu. Asi tinofanira kuganhurira kupa kwedu kune chinhu chimwe chete here, toti somuenzaniso, kupinda muushumiri hwomumunda? (Mateo 24:14; 28:19, 20) Kana kuti ungatarira mativi ose here mukufunga kwako kuti kubatanidze zvinodiwa zvokunyama nokubudirira kwevamwe here? Chokwadi, vaKristu vose vanoziva kuti kupa nenzira yomudzimu kunokosha zvakanyanya. (Johane 6:26, 27; Mabasa 1:8) Asi, semakoshere anoita kupa nenzira yomudzimu, kupa nenzira yenyama hakufaniri kuregeredzwa.—Jakobho 2:15, 16.
Sezvatinofungisisa nezvezvinodiwa nokukurumidza nehama dzedu dzomudzimu muungano yedu chaiyo uye munyika yose, tinogona kunyatsoona zvatingaita kuti tivabatsire. Apo vaya vanokwanisa kuita kudaro vanogovana nevamwe nomutsa, panova nokuenzana. Nenzira iyi zvinodiwa nehama dzedu dzose zvinotarisirwa. Mumwe mukuru wechiKristu akazvitaura nenzira iyi: “Kana pakava nokushayiwa kune rimwe divi renyika, hama dziri kune rimwe divi renyika dzichavabatsira. Kana dzisingakwanisi kubatsira, ipapo hama dziri kune imwewo nzvimbo dzichaita kudaro. Saka zvinoshayikwa nehama dzedu munyika yose zvinotarisirwa. Uhama hwenyika yose chokwadi hunoshamisa.”—2 VaKorinte 8:13-15; 1 Petro 2:17.
Imwe hanzvadzi yechiKristu yaida zvikuru kupinda imwe yekokorodzano dzemarudzi akawanda dzinoitirwa muEastern Europe yakanga isingambokwanisi kuita kudaro. Zvisinei, yakanzwa kuti hama dziri ikoko dzakanga dzisina maBhaibheri, saka yakapa mupiro wemaBhaibheri iwayo ichitumira mumwe munhu akapinda. Saka yakawana mufaro wokupa, wokugovana nehama dzayo dziri kune imwe nyika.—Mabasa 20:35.
Pamwe nokutarira mativi ose mukufunga kwako ungapa mupiro wakatokura kubasa redzidzo yeBhaibheri riri kuramba richikura, uchizviunzira mufaro iwe pachako nevamwewo.—Dheuteronomio 15:7; Zvirevo 11:24; VaFiripi 4:14-19.
Paunenge Uchipa Zano
Patinokumbirwa kuti tipe zano kana kuti kururamisa, kunzwisisa kunoratidza kufunga uye kuri pakati nepakati kuchatibatsira kuti tiremekedzwe nehama dzedu dzomudzimu uye kuti tipe ruyamuro rwunonyatsoshanda. Zviri nyore kwazvo kuti tiise pfungwa dzedu dzose pazvinhu zvishomanana ndokukurumidza kufunga, takarerekera kudivi rimwe. Izvi zvinopa pfungwa yokuti tinofunga zvishoma, zvimwe kusatombofunga, sevatungamiriri vezvitendero vomuzuva raJesu, vaida zvokungoremedza vamwe nemitemo yavo isingaperi. (Mateo 23:2-4) Asi, kana tikadzivisa kunyanyisa ndokupa zano rakanaka rakavakirwa zvakasimba panheyo dzeMagwaro, tichiratidza mafungiro aJehovha akarurama nepo ari pakati nepakati uye achiratidza ngoni, zvichava nyore chaizvo kuti vamwe vabvume ndokushandisa mazano edu.
Makore anoverengeka apfuura dzimwe hama duku dzaibva muungano dzinoverengeka dzakaungana kuti dziite mitambo. Zvinosuruvarisa kuti, vakatanga kuda kuita makwikwi, zvichiguma nokutukana nehasha. Vakuru vomunharaunda yacho vakabata sei nedambudziko racho? Vachiziva kuti vechiduku vanoda kutamba, havana kutaura kuti vabva vangorega zvachose. (VaEfeso 5:17; 1 Timotio 4:8) Panzvimbo pezvo, vakavanyevera zvakasimba asi zvine musoro pamusoro pokuti kuda kuita makwikwi kungaparira chii. Vakapawo mazano anobatsira, akadai sokuti vamwe vakura, vanokwanisa kudzora zvinhu vavepo. Pwere dzacho dzakaonga uchenjeri nokuva pakati nepakati kwezano racho ndokubvuma zvakanaka. Uyezve, vakawedzera kuremekedza nokuda kwavo vakuru.
Shandira Kuti Uvandudze
Nepo ungasafungira uchida kana kuti uchiziva, zvichangoda kuti uedze zvose zvaunogona kuti ukudze mafungiro ako. Sezvaunodzidza Shoko raMwari, fungisisa pariri kuitira kuti ubate uye unzwisise mafungiro aJehovha. (Pisarema 139:17) Edza kunzwisisa zvikonzero zvemashoko anotaurwa muBhaibheri nenheyo dzinobatanidzwa, uye edza kuona kukosha kwenhau sezvinoita Jehovha. Izvi zvichaenderana nomunyengetero waDhavhidhi unoti: “Ndiratidzei nzira dzenyu, Jehovha; ndidzidzisei nzira dzenyu. Ndiperekedzei muzvokwadi yenyu, mundidzidzise.”—Pisarema 25:4, 5.
Sezvaunoona mativi ose, uchakomborerwa. Chimwe chikomborero chekuona mativi ose chichava kuwana kwako mukurumbira wokuva ari pakati nepakati uye anonzwisisa. Uchakwanisa kuita nenzira inoratidza kufunga nokunzwisisa paunenge uchipa ruyamuro mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana. Izviwo, zvichabatsira kuti pave nokubatana kunoshamisa nokuwirirana kweuhama hwechiKristu.
[Mifananidzo iri papeji 12]
Kupa nomutsa kunobatsira vamwe, kunoita kuti anopa wacho afare, uye kunofadza Baba vedu vokudenga