Kudanana Ne‘vatinotenda Navo’
VAKRISTU vechokwadi vakasungana semhuri. Chokwadi, kubva muzana remakore rokutanga C.E., vave vachidaidzana kuti “hama” uye “hanzvadzi.” (Marko 3:31-35; Firemoni 1, 2) Aya haasi mashoko chete; anorondedzera manzwire anoita vanamati vaMwari pamusoro pomumwe nomumwe. (Enzanisa na1 Johane 4:7, 8) Jesu akati: “Vose vachaziva naizvozvi kuti muri vadzidzi vangu, kana mune rudo pakati penyu.”—Johane 13:35.
Rudo rwakadaro rwakaoneka muna July 1997 apo kusanaya kwemvura nguva yakareba kwakateverwa nemvura yakawanda nemafashamo muChile. Nenguva isipi, vakawanda vakanga vasisina zvokudya, zvokupfeka, nezvimwe zvinhu. Munjodzi, Zvapupu zvaJehovha zvinoedza kuteerera zano raPauro kuvaGaratia rokuti: “Zvino zvatine nguva, ngatiitire vose zvakanaka, zvikuru kune [vane ukama nesu mukutenda, NW].”—VaGaratia 6:10.
Saka, Zvapupu zvaJehovha zvakakurumidza kuzvironga kuti zvibatsire. Zvokudya, zvokupfeka, nezvimwe zvakadaro zvakaunganidzwa, zvakasarudzwa, zvakarongedzwa, ndokubva zvatumirwa kunharaunda yakaitikira njodzi. Vana vakatopawo zvokutambisa! Imwe hanzvadzi yakashamiswa payakaona Horo yoUmambo yakazara nezvinhu zvokuyamura. “Ndakamira ndashaya romuromo, ndisingazivi kuti ndoseka here kana kuti kuchema,” inodaro. “Ndizvo chaizvo zvatakanga tichida.”
Ipapo, zvisingatarisirwi, kudengenyeka kwakaitika muchikamu chenharaunda iyoyo yakanga yaita mafashamo. Dzimba dzakawanda dzakaparadzwa. Kuti vose vaida kubatsirwa vabatsirwe, mamwe matare okuyamura akaumbwa. Matare Ekuvaka Omunharaunda, anowanzoita zvekuvakwa kwenzvimbo dzokunamatira dzeZvapupu zvaJehovha, akauya ndokutsigira. Chii chakazoitika? Dzimba dziri nani—dzakagadzirwa uye dzakavakwa nehama—dzakapiwa vaya vakanga varasikirwa nedzimba dzavo. Nepo dzimba idzi dzakanga dzisinganyanyoshamisira, dzakanga dzakasiyana chaizvo nedziya dzakapiwa nechikwereti nevaiyamura vomunharaunda yacho uye dzakanga dzisina uriri nemahwindo uye dzakanga dzisina kupendwa.
Dzimwe hama dzakafamba madaro akareba kuti dzibatsire. Sachigaro werimwe Dare Rekuvaka Romunharaunda akatenderera achinyatsoongorora nharaunda yacho mumazuva maviri akatevedzana—zvisinei nokuti anogara ari muwiricheya. Imwe hama isingaoni yakashanda zvakaoma, ichitakura mapango kuendesa kune muvezi waiacheka maererano nourefu hwaidiwa. Imwe hama isinganzwi yakatakura mapango acho ndokuaendesa kwaakanga achidiwa.
Vakawanda vaiona vakaororwa noruyamuro rwaipiwa nehama. Mune rimwe dhorobha motokari yemapurisa yakamiswa pedyo neimba yeimwe hanzvadzi yakanga ichigadziridzwa. Mapurisa akanga achidisa kuziva zvakanga zvichiitika. Mumwe akabvunza imwe hama kuti: “Vashandi ava vanoratidzika sevari kufara zvakadai ndivanaani, uye vari kubhadharwa marii?” Hama yacho yakatsanangura kuti vose vakanga vari vashandi vakazvipira. Mumwe wemapurisa akatsanangura kuti aibhadhara chegumi chomwedzi nomwedzi kuchechi yake, asi mufundisi wake akanga asati atombomushanyira kubva zvakanga zvadengenyeka pasi! Zuva rakatevera racho hanzvadzi yacho yakatambira foni yaibva kune mumwe mupurisa. Iyewo akanga aona vashandi vacho. Akati akanga aororwa chaizvo nemafarire aiita vashandi vacho zvokuti akanzwa kuda kushanda navo!
Chokwadi, kuyamura kwakaitwa muChile chakanga chiri chiitiko chinofadza kune vakazvipira uye uchapupu hwakanakisisa kune vaiona.