RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 5/1 pp. 26-27
  • Nyika Inobereka Zvibereko yevaVenda

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • Nyika Inobereka Zvibereko yevaVenda
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
  • Misoro Midiki
  • Mutauro Wakaoma
  • Zvibereko Zvomudzimu
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 5/1 pp. 26-27

Nyika Inobereka Zvibereko yevaVenda

KWAMAKORE gumi apfuura, ini nomudzimai wangu takashanda savaevhangeri venguva yakazara kuvaVenda. VaVenda vanogara kumaodzanyemba kweRwizi Limpopo kuchamhembe kweSouth Africa, uye rudzi rwavo rwunoumbwa namadzinza ane chitsama akayambuka Limpopo mumazana amakore akapfuura. Vamwe vaVenda vanoti madzitateguru avo akagara kuno makore 1 000 akapfuura.

Zvechokwadi, nharaunda ino yaimbova chikamu chenyika yaigarwa kare yainzi Umambo hweMapungubwe. Rakanga riri dhorobha rokutanga kugarwa navanhu vakawanda muSouth Africa, uye raidzora chikamu chikuru chemupata weRwizi rweLimpopo, kubva kuBotswana kumadokero kusvika kuMozambique kumabvazuva. Kubvira munenge muna 900 C.E. kusvikira muna 1100 C.E., Mapungubwe yakagovera vatengesi vechiArabhu nyanga dzenzou, nyanga dzezvipembere, matehwe emhuka, kopa, kunyange goridhe. Zvinhu zvakavezwa nounyanzvi zvakaiswa goridhe zvakafukunurwa pachikomo chokuviga madzishe chinonzi Mapungubwe. Izvi ndezvimwe “zviratidzo zvokutangisisa zvokuchera goridhe kumaodzanyemba kweAfrica,” inodaro imwe enisaikoropidhiya.

Goridhe harichacherwi kuno. Nhasi, nyika yavaVenda yakurumbira nokuda kwokubereka kwayo. Kumaodzanyemba kweMakomo eSoutpansberg kune mupata wakaorera, kune michero yakawanda zvikuru yakadai semakotopeya, mabhanana, mengo, nemagwavha. Kunze kwenzungu dzinonzi pecan nemacadamia, kunewo miriwo yakawanda. Iyi inobatanidza muroho womusango, unoita sesipinachi uye unonaka zvikuru kuvanhu vomunharaunda ino.

VaVenda rudzi rwevanhu rwune rugare nerwune mutsa. Zvinhu zvakajairika kuti musoro wemhuri ukumbire kuti huku ibikirwe muenzi anga asingatarisirwi. Iyi inodyiwa pamwe chete nevhuswa, zvokudya zveko, zvinogadzirwa nechibage. Pashure pokushanya, musoro wemhuri uchaperekedza muenzi wawo kwechinhambwe chakati. Ndiyo tsika yavo yokuratidza nayo kuremekedza muenzi. Vana vanodzidziswa kuti vakwazise vaenzi nomutsa nokutyora muzura nokuisa ruoko pamusoro porumwe. Papeji ino unoona vakadzi vaviri vechiVenda vachikwazisana netsika iyi.

Mutauro Wakaoma

Mutauro weVenda haubatwi nevanhu vanobva kuEurope nyore nyore. Chimwe chinonetsa ndechokuti mashoko akawanda anopereterwa zvakafanana asi anodudzwa zvakasiyana. Rimwe zuva pandakanga ndichipa hurukuro yeBhaibheri paungano yechiVenda yeZvapupu zvaJehovha, ndakanga ndiri kuedza kukurudzira vateereri kuti vataure navanhu vose. Mumwe munhu aivapo akatadza kuzvibata kuti asaseka nemhaka yokuti ndakanga ndati “chigunwe nechigunwe” panzvimbo pe“munhu nemunhu.”

Pandakatanga kuedza kutaura chiVenda mubasa rokupupura, mumwe mukadzi wechiVenda akapindura achiti: “Handigoni chiNgezi.” Ndaifunga kuti ndakanga ndangotaurawo chiVenda chinonzwisisika, asi iye akafunga kuti chakanga chiri chiNgezi! Pandakasvika pane imwe imba pane imwe nguva, ndakakumbira mumwe mwana kuti adane musoro wemhuri. Shoko rechiVenda rokuti musoro wemhuri ndithoʹho. Ndakanga ndakanganisa ndikataura kuti thohoʹ, ndichikumbira kutaura netsoko yeimba! Kukanganisa kwakaita souku kwaindiodza mwoyo, asi nokuramba tichitaura tose nomudzimai wangu zvino tava kugona kunyatsotaura zvakanaka nechiVenda.

Zvibereko Zvomudzimu

Nyika yevaVenda iri kuratidza kuti ine zvibereko mumudzimu. Muma1950, ungano yeZvapupu zvaJehovha yakaumbwa navaitama vakanga vauya vachibva kunyika dziri pedyo kuzoshanda pamugodhi wekopa mutaundi reMessina. Basa ravo rokushingaira rakaita kuti vaVenda vakawanda vazive zvokwadi dzeBhaibheri. Kwapera makore gumi boka reZvapupu zvechiVenda rakanga rava kuitira misangano pane mumwe musha mutaundi reSibasa.

Kuti rikurumidzise kuwedzera, bazu reWatch Tower Society rokuSouth Africa rakatumira vaevhangeri venguva yakazara kumunda uyu unobereka zvibereko. Nenguva isipi boka reSibasa rakanga rakura kuva ungano huru. Panguva iyoyo, misangano yeungano yaiitirwa mukirasi. Zvisinei, vachibetserwa neZvapupu zvaJehovha zvomunharaunda yePietersburg iri makiromita anenge 160 kumaodzanyemba, Horo yoUmambo yakavakwa muThohoyandou, taundi riri pedyo.

Vanhu vanotaura chiVenda kuchamhembe kweSouth Africa vanopfuura 500 000. Pakatanga basa rokuparidza Umambo kuno muma1950, pakanga pasina Zvapupu zvechiVenda. Zvino pava nezvinopfuura 150. Asi pachine nharaunda dzakawanda dzisati dzaparidzirwa uye basa rakawanda richiri kufanira kuitwa. Muna 1989 takatanga kushanyira musha weVenda unonzi Hamutsha. Paingova neChapupu chimwe bedzi chaigarapo panguva yacho. Zvino vaparidzi voUmambo vanopfuura 40 vanogara mumusha iwoyo. Takabatikana nokupedza Horo yedu yoUmambo, nemhaka yekubatsirwa neZvapupu zvinobva kuungano dzokuPietersburg uye nemipiro yemari yehama dziri munyika dzakabudirira.

Tinogara mukaravhani (tirera duku) pane rimwe purazi. Nokuita kuti upenyu hwedu hurambe hwakapfava, tine nguva yakawanda yokutaura mashoko akanaka navanhu vomuno. (Marko 13:10) Somugumisiro, takakomborerwa zvikuru neropafadzo yokubetsera vakawanda kuti vatsaurire upenyu hwavo kuna Jehovha Mwari. Mumwe muenzaniso murume anonzi Michael, akaona bhuku rinonzi Iwe Unogona Kurarama Nokusingaperi muParadhiso Pasi pano kumba kweshamwari yake.a Akatanga kurirava ndokukurumidza kuona chokwadi. Saka akanyorera Watch Tower Society achikumbira mamwe mabhuku eBhaibheri. Mutsamba yake Michael akatsanangura kuti akanga achangobhabhatidzwa senhengo yechechi yePostori yeko. “Ndava kuziva,” akapfuurira, “kuti ndiri munzira isiriyo yokuenda kuUmambo hwaMwari. Ndasarudza kuva imwe yenhengo dzenyu, asi handizivi kuti ndozviita sei.” Akazonyora kero yake ndokukumbira kuti mumwe weZvapupu zvaJehovha atumirwe kuzomubetsera. Ndakakwanisa kuwana Michael ndokutanga kufunda naye Bhaibheri. Nhasi, Chapupu chakabhabhatidzwa uye anoshumira Jehovha nokuvimbika.

Muna December 1997, takapinda Kokorodzano Yoruwa yeZvapupu zvaJehovha ye“Kutenda Shoko raMwari” yakaitirwa munhandare yemitambo paThohoyandou. Pakanga pane 634 vakapinda, uye 12 vatsva vakabhabhatidzwa. Ndakava neropafadzo yokupa hurukuro mbiri nechiVenda. Zvechokwadi yakanga iri nguva inokosha mumakore edu gumi anofadza atapedza tiri munyika ino ine zvibereko!—Yakagoverwa!

[Mashoko Omuzasi]

a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe