Rava Nevana Vako
Maererano nemagazini yekuBrazil inonzi Veja vana vevaravi vanoshingaira vangangoda mabhuku kwazvo kupfuura vana vasina muenzaniso wakadaro wokurava mumba. “Kurava pamwe chete kunosimbisa kuwirirana kwevana nevabereki uye kunoita kuti mwana anzwisise zviri nani zviri mubhuku,” anodaro Martha Hoppe, nyanzvi yezvekukura kwevana.
Kuravira vana vako zvinonzwika kunokupawo mukana wokupindura mibvunzo. Munogona kukurukura mifananidzo ipi neipi inenge iri pamashoko acho. “Kana mwana akaramba achinzwisisa zviri mumabhuku,” anodaro Hoppe, “achabva aitwa kuti aatsvake paanenge oda kugutsa kuda kuziva kwake.”
Vabereki vakawanda pakati peZvapupu zvaJehovha vanorava nevana vavo. Vangarava mabhuku akadai seBhuku Rangu Renhau dzeBhaibheri, Kuteerera kunoMudzidzisi muKuru, uye Munhu Mukurusa Ati Amborarama.a Mabhuku akaita seaya haangobetseri vana kuva varavi vakanaka asi anowedzerawo kufarira kwavo bhuku rinotengwa munyika kupfuura ose—Bhaibheri Dzvene. Saka kana uri mubereki, iva muenzaniso kuvana vako nokuva muravi weShoko raMwari anoshingaira. (Joshua 1:7, 8) Uye edza zvose zvaunogona, kuti uwane nguva yokuvaravira!
[Mashoko Omuzasi]
a Rakabudiswa neWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc.