Munhu Wose Anoda Kusununguka
“Munhu akaberekwa akasununguka, uye kwose kwose musungwa,” akanyora kudaro muzivi wokuFrance Jean-Jacques Rousseau muna 1762. Kuberekwa wakasununguka. Ipfungwa inofadza zvakadini! Asi sezvakataurwa naRousseau, mamiriyoni evanhu munhau yose haana kumbowana rusununguko. Panzvimbo pezvo, vakapedza upenyu hwavo “vari vasungwa,” vari mujeri mugadziriro yakavatorera chero mufaro upi zvawo usingagumi nokugutsikana muupenyu.
MAMIRIYONI nhasi achiri kuwana kuti “munhu ane simba pamusoro pomumwe, a[no]muitira zvakaipa.” (Muparidzi 8:9) Vachida kuva nesimba, varume nevakadzi vanoda kuva nezvinhu vanopfuurira kuratidza kurwadziwa zvishoma kana kuti kusamborwadziwa nokuparadza rusununguko rwevamwe. Zvikwata zvokuuraya zvinopenga zvinouraya vanhu 21,” unodaro mumwe mushumo wenguva dzose. Mumwezve unotaura nezve“kuuraya vanhu,” mauto anodzivirira achi‘uraya vakadzi, vana nevanhu vachembera vasingagoni kudzivisa uye vasingagoni kuzvidzivirira, vachicheka huro, kupfura vasungwa mumusoro, nokuita muitiro wokuparadza zvinhu zvose wokuparadzwa kwemisha nokubhomba pose pose.’
Ndokusaka zvisingashamisi kuti vanhu vanoda chaizvo uye, zvechokwadi, vanorwira kusununguka pakudzvinyirira! Zvisinei, chokwadi chinosuwisa ndechokuti, kurwira kuti munhu mumwe asununguke ikoko kunowanzobatanidza kudzvinyirira kodzero norusununguko zvemumwe. Pakudaro, varume, vakadzi, uye vana vasina mhosva vanenge vanoparadzwa zvisingadzivisiki, kufa kwavo “kuchinzi ndokwapamutemo” nokuzivisa zvinonzi zvinotsigirwa uye zvakanaka. Somuenzaniso, gore rakapera, muIreland bhomba romumotokari rakaiswa ne“varwi vorusununguko” mudhorobha duku renyika yacho reOmagh rakauraya vanhu 29 vasina mhosva vakanga vakamira pedyo rikakuvadza mamwe mazana.
Vachiri “Vasungwa”
Kana kurwa kwapera, chii chinowanwa? “Varwi vorusununguko” pavanohwina hondo dzavo, rusununguko rushomanene rungawanwa. Asi, zvino, vakasununguka chaizvo here? Inhema here kuti nyange munzanga dzakasunungurwa zvikuru muinonzi nyika yakasununguka, vanhu vachiri “vasungwa” kune vanatenzi vane utsinye vakadai sourombo, kusakwana, kurwara, uye rufu? Ko munhu chero upi zvake angataura sei kuti akasununguka zvechokwadi kana zvinhu zvakadaro zvichiri kumuita muranda?
Munyori weBhaibheri wekare Mosesi akarondedzera zvakarurama upenyu sezvahwakanga hwakaita kune vakawanda munhau yose uye sezvahuchakaita nhasi. Tingararama kwemakore 70 kana 80, akadaro, “asi kunyange achikudzwa ndiko kutambudzika nenhamo bedzi.” (Pisarema 90:10) Izvi zvichazombofa zvachinja here? Zvichazombofa zvaita here kuti tose zvedu tirarame upenyu hunonyatsogutsa, pasina marwadzo uye kutya zvinotambura vanhu vakawanda nhasi?
Bhaibheri rinoti hungu! Rinotaura nezve“kusunungurwa kwokubwinya kwavana vaMwari.” (VaRoma 8:21) Ngatinyatsoongororai rusununguko irworwo, rwakataurwa nezvarwo muzana remakore rokutanga nomuapostora Pauro mutsamba yaakanyorera vaKristu vaiva muRoma. Mutsamba iyi Pauro anotsanangura zvakajeka kuti mumwe nomumwe wedu angawana sei “kusunungurwa kwokubwinya” kwechokwadi, kusingagumi.
[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 3]
Kubva mubhuku rinonzi Beacon Lights of History, Vol. XIII