RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • w99 4/15 p. 31
  • “Kutanga Rwendo Mugungwa Rine Dutu”

Hapana vhidhiyo iripo.

Tine urombo kuti vhidhiyo yaramba kuvhura.

  • “Kutanga Rwendo Mugungwa Rine Dutu”
  • Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
Nharireyomurindi Yokuzivisa Umambo hwaJehovah—1999
w99 4/15 p. 31

“Kutanga Rwendo Mugungwa Rine Dutu”

HAWAIZOONA rwendo rwakadaro serwusina kuitwa panguva yakakodzera, rwuri rwoupenzi, uye rwungangova nenjodzi here? Zvisinei, vamwe, vanozvipinza pachavo mumamiriro ezvinhu akadaro nenzira yokufananidzira. Zvinodaro sei? Munyori weChirungu wemuzana rechi17 remakore Thomas Fuller akati: “Usaita chinhu wakatsamwa. Zvakafanana nokutanga rwendo mugungwa rine dutu.”

Kuita chimwe chinhu une hasha dzisingadzoreki zvinogona kuva nemhedziso yakaipa. Izvi zvinotsigirwa nechiitiko chakanyorwa muBhaibheri. Simoni naRevhi, vanakomana vatateguru wekare Jakobho, pakachinywa hanzvadzi yavo Dhina vakava nehasha dzokunokutsiva nechisimba. Zvakaguma nokuponda kwokusasarura nokupamba. Hazvishamisi kuti Jakobho akashora chiito chavo chakaipa, achiti: “Manditorera mufaro, zvamandinhuwisa pakati pavanhu vanogara munyika ino.”—Genesi 34:25-30.

Nouchenjeri, Shoko raMwari, Bhaibheri, rinorumbidza zvakasiyana neizvi. Rinoti: “Rega kutsamwa, urashe hasha; usava neshungu, zvinongotadzisa munhu.” (Pisarema 37:8) Kutevera zano iroro kunogona kudzivisa zvivi zvakakura kwazvo.—Muparidzi 10:4; onawo Zvirevo 22:24, 25.

    Mabhuku eChiShona (1973-2026)
    Buda
    Pinda
    • Shona
    • Tumirawo Vamwe
    • Zvaunofarira
    • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
    • Terms of Use
    • Privacy Policy
    • Privacy Settings
    • JW.ORG
    • Pinda
    Tumirawo Vamwe