Rugare Rwenyika—Runobva Kupi?
DZIDZO yenyika yose nechitendero zvichaunza rugare rwenyika yose here? Izvi ndozvinoda Dr. Robert Muller, aichimbova mutevedzeri wemunyori mukuru weUnited Nations neakagamuchira Mubayiro Wedzidzo Yerugare wa1989 weUNESCO. Sezvakataurwa mupepanhau rinonzi The Vancouver Sun, Dr. Muller “vanobvuma kuti vadzidzi vose vari munyika vanofanira kudzidziswa zvinhu zvinokosha zvakarongwa zvechokwadi nekukosha kwepasi, vanhu nekusaitirana chisimba.” Anofungidzira nezvezuva munyika yose apo masangano okudzidzisa achadzidzisa vana nezveUN setariro inopfuura dzose yerugare. Anodavirawo kuti “masangano ezvitendero enyika yose anofanira kuva nhengo dzesangano idzva rakada kufanana neUN rinonzi Sangano Remubatanidzwa Wezvitendero Zvapasi Rose,” yakataura kudaro Sun. Saka “zvidzidzo zvose zvezvitendero zvichasimudzira kusaitirana chisimba.”
Rugare rwenyika yose ruchazombova chinhu chaichoicho here? Nechivimbo chose chokwadi! Asi kwete nesangano revanhu. Anopfuura makore 2 700 apfuura, mumwe munyori akafuridzirwa akazivisa kunobva dzidzo yepamusoro yerugare paakafanotaura kuti vanhu vane mwoyo yakarurama vaizo“dzidziswa naJehovha,” uye rugare rwavo rwaizova “rukuru.”—Isaya 54:13.
Mwari ndiye ‘anopa rugare,’ rinodaro Bhaibheri. (VaRoma 16:20) Kunyange zvino purogiramu yedzidzo yenyika yose iri kuitwa sezvo Jehovha ari kudzidzisa vanhu vake kuti va“tsvake rugare [v]arutevere,” ku“pfura minondo yavo vachiiita mapadza,” nokusa“dzidz[a] kurwa.”—1 Petro 3:11; Isaya 2:2-4.
Kunamata kwakavakirwa pachokwadi, kusina kunyengera nemanomano, kunotenderwa uye kunokomborerwa naMwari. (Mateo 15:7-9; Johane 4:23, 24) Kunamata kwechokwadi chete, kunotsinhirana zvizere neShoko raMwari, kunogona kuita kuti pave nevanhu vanogara murugare nechinzwano uye vanodanana zvechokwadi.—Johane 13:35.
Kuti udzidze zvakawanda nezvezvinotaurwa neShoko raMwari pamusoro perugare rwenyika yose, tinokukoka kuti uonane nevabudisi vemagazini ino.